xa.yimg.comxa.yimg.com/.../name/mbungo+matare+20-24+october.d…  · web viewumwe angati...

60
ZION CHRISTIAN CHURCH TABAKONI RESEMINAR PAMBUNGO NENYARADZO YAVACHINHARA 20-25 October 2010 1. KUNDAI NYIKA SENI NDAKAIKUNDA (Johane 16 vs. 33) Zvose zvaiparidzwa naKristu akanga ambosangana nazvo akazvikunda. Kristu anoti kana muchida kuti muve norugare panyika munofanira kutsunga pakutambudzika nokuti ini ndizvo zvakandikundisa (Johane 16 vs. 33). Ndiyezve anoti kana munhu akakurova iwe ramba wakanyarara wakatsunga kunamata, nokuti ini ndakarohwa ndikaramba ndakatsunga (Mateo 20 vs. 19). Kristu akakunda miyedzo yevakadzi chaivo, vamwe vachitogara pamagumbo ake iye achiti chibvai tiende (Ruka 10 vs. 39), umwe akauya akamuzora mafuta (Johane 12 vs. 3), iye achingokunda. Zvino amwe masvohwani haagoni kufamba nemusikana chinhambo chidoko-doko, shasha inenge atotadza, ukamubvunza padare unonzwa oti; ndaigodiniwo? Saka Kristu anoti ndakaramba ndakatsunga pazvinhu zvose, ndikakunda. Kana ari muranda waMwari Samere shoko guru raiparidzwa nderokuti kukundai pamatambudziko. Muranda waMwari Samere vakafirwa nevana makumi mashanu (50)akakunda, akasungwazve zvokuiswa mujere, akaramba akatsunga akasadzokera sure . Saka aigara achidzidzisa vatendi kuti vatsunge pamatambudziko api neapi zvawo, vamwe vakaita saana Mazungunye nanaMazvazva vaiwirwa nematambudziko akaita seiwayo achivati tsungai nokuti ini ndakatombowirwawo nematambudziko akadaro ndikakunda uye iro 1

Upload: hangoc

Post on 15-Feb-2018

498 views

Category:

Documents


12 download

TRANSCRIPT

ZION CHRISTIAN CHURCHTABAKONI RESEMINAR PAMBUNGO NENYARADZO

YAVACHINHARA20-25 October 2010

1. KUNDAI NYIKA SENI NDAKAIKUNDA (Johane 16 vs. 33) Zvose zvaiparidzwa naKristu akanga ambosangana nazvo akazvikunda. Kristu anoti kana muchida kuti muve norugare panyika munofanira kutsunga pakutambudzika nokuti ini ndizvo zvakandikundisa (Johane 16 vs. 33). Ndiyezve anoti kana munhu akakurova iwe ramba wakanyarara wakatsunga kunamata, nokuti ini ndakarohwa ndikaramba ndakatsunga (Mateo 20 vs. 19). Kristu akakunda miyedzo yevakadzi chaivo, vamwe vachitogara pamagumbo ake iye achiti chibvai tiende (Ruka 10 vs. 39), umwe akauya akamuzora mafuta (Johane 12 vs. 3), iye achingokunda. Zvino amwe masvohwani haagoni kufamba nemusikana chinhambo chidoko-doko, shasha inenge atotadza, ukamubvunza padare unonzwa oti; ndaigodiniwo? Saka Kristu anoti ndakaramba ndakatsunga pazvinhu zvose, ndikakunda.

Kana ari muranda waMwari Samere shoko guru raiparidzwa nderokuti kukundai pamatambudziko. Muranda waMwari Samere vakafirwa nevana makumi mashanu (50)akakunda, akasungwazve zvokuiswa mujere, akaramba akatsunga akasadzokera sure . Saka aigara achidzidzisa vatendi kuti vatsunge pamatambudziko api neapi zvawo, vamwe vakaita saana Mazungunye nanaMazvazva vaiwirwa nematambudziko akaita seiwayo achivati tsungai nokuti ini ndakatombowirwawo nematambudziko akadaro ndikakunda uye iro denga rinopindwa nevakundi vakakunda nyika kwete vakakundwa nenyika. Saka maZion zivai kuti mamwe matambudziko amunopinzwa naMwari ndeokuti muwane zvokuzotaura mangwan. Behind any successful man the is a sad story. Hakuna anofuma asina stor inonzwisa urombo kumasure kwake.

2. MHEPO NDIYO INOTUMA MUNHU KUITA HASHA. Kana muchida kuona kuti mhepo ndiyo inotuma munhu kuita hasha patabhera ichida kuvhiringa basa raMwari, munhu iyeye ana kuri kumisangano yezvenyika anongoinda achidzoka pasina kana waapokana naye chero kudhibha, asi kana mangova pasvondo mhepo yake inomuita kuti asada kuona zvinhu zvaMwari zvichifamba. Akangoona zvichifamba otoda kutanga kutukana nevanobata basa raMwari, vana Chairman, secretary kana treasurer.

3. FARIRAI KUNONOSWA KUTI MUDZOKERE MAROPAFADZWA (Genesis 32 vs. 26).

1

Hakuna vanhu vane time iri scheduled sevatumwa, mutumwa kana akatumwa anofambira chinhu chimwe chete otodzokera, asi Jakobho wakanonosa mutumw akamuti haudzokeri usina kundiropafadza (Mateo 32 vs 26). Zvino pano paZion Vazhinji vanoti kana vadanwa pano paJerusarema vanozonyunyuta vachiti tinononoserweiko kudzokera kumisha yedu? Izvo shoko riripo nderokuti mudzokere kumusha dzenyu maropafadzwa kuti kana masvika kunyika dzenyu mugoropafadzwawo vamwe variko. Asi chinhu chakakosha ndechokuona kuti uri kunonoswa newakaropafadzwa here , nokuti ndiye woga wakanzi iwe ndakuropafadza kuti uropafadze vamwe(Genesis 12 vs 2). Ndiko saka muchiona pano paZion tichipenga kana pabench pakagara tsotsi izvo tinoziva kuti ropafadzo yaMwari kana youya inopinda nomuvafundisi yosvika kuvanhu. Saka hatingaregi nyangadzi yakagara panzvimbo tsvene (Mateo 24 vs 15) nokuti inonyimisa vanhu ropafadzo. Chamunoona tichiita ungano yemabasa pachiitwa vetting tinenge tichida kuona kuti hapana touch here patambo dzedu dzemagetsi eropafadzo.

4. NYANGADZI HAITENDERWI KUGARA PANZVIMBO TSVENE (Mateo 24 vs. 15). Panzvimbo tsvene hapadi nyangadzi nokuti inovhiringa magetsi anenge achizoropafadzisa vanhu nokuti ropafadzo inofamba nechannel sezvinoita magetsi. Saka kana mukaona vanhu vasati varopafadzwa munyika yenyu panenge paine pamwe pasiri kufambisa current zvakanaka kuti isvike kuvanhu.

Nzvimbo dzinoti pau:i. Elderii. Ministeriii. Chairmaniv. Mukuru wetabhera

Kana dzikasafamba zvakanaka vanhu havangaropafadzwi, asi kana vanhu ivavo vakagadziriswa zvakanaka muchaona magetsi achipfuta nokuti ndivo vanonzi chiedza chavo ngachivhenekere kuti vanhu vaonemabasa enyu akanaka, zita raMwari rigokudzwa (Mateo 5 vs. 16), zvino kana mukaisa mwenje wenyu ukasapfuta vanhu havangaropafadzwi.

5. ZVINHU ZVAKAKOSHA ZVINOITA KUTI MUNHU AROPAFADZIKE. Kana ukangoziva zvinoda Mwari nezvaasingadi hazvinetsi kuti uropafadzwe. Kana ukaziva zvinoda Mwari zvikagara muhana yako uchizviita sebhuku yomurairo (Joshua 1 vs. 8)kuti isabva pamuromo pako uye ukangwarira zvakatemwa nezvakatongwa uzviite unoropafadzika(Deuteronomio 4 vs. 14). Asi kana wagona zvinoda Mwari chizadzazve saga rezvaaingadi kuti uzvizive uzvirege nokuti ukazadza 100kg yezvinoda Mwari ukazozadza 10kg yezvisingadi Mwari hauna chawagona , asi zvinoda kuenzaniswa.

6. VADZIDZISI MURI VAFAMBI VAJEHOVHA. Chinonzi mufambi waJehova munhu unofambira basa raJehovha misi nenguva. Kureva kuti kana ukadaniwa Jerusarema womanyirako, ukanzi chidzokera wodzokera chero uchangosvika kumba ukadzi dzoka futi wotodzokazve uchingofamba ndizvo zvinonzi mufambi waJehovha. Mumwe mudzidzisi unozviita mufambi waJehovha asi watova nemwedzi mishanu asingazivi

2

Jerusarema saka haasi mufambi waJehovha nekuti bhaibheri rinoti dzakaropafadzwa tsoka dzinofambira shoko raMwari (VaRoma 10 vs. 15).

7. VAKAFA NOKUSHAIWA CHIKAFU VERSUS VAKAFA NOKUDYISA CHIKAFU. Munozviziva here kuti 99% yevanhu vari muzvipatara uye vakafa inyaya yokuita (over eating) kudyisa kunyanya .Zvirwere zvizhinji zvemakumbo zvinobva nokudyisa muviri woremera makumbo orwadza.. Muranda waMwari Samere vaigara vachibikirwa chisadza chidoko asi chaishamisa ndechekuti pachisadza chidoko ichocho vaisiya half yacho, vototi ndaguta. Ukaona muZion unonyanya kudya maningi zviri (abnormal), imhepo inenge iri mudumbu. Ndiko saka muchinzi garai muchizira musafeeder mhepo dziri mumatumbu. Izvo vamwe vanoti rabudirirwei, izvo vanobura vanot zvimwe pane ungasvika muchidya mugomudanawo kusadza saka vongoisa rakawanda iwe woda kupedza sadza revanhu 2 iwe uri wega.

8. GARAI MANDIRI NENI MAMUR (Johane 15 vs. 4). Kristu unoti (Johane 15 vs. 4), garai mandiri neni ndigogara mamuri. Kristu achireva izvi unoti nguva yedu yose tinofanira kunge tiri maari. Mwari wedu haasi boyfriend kana girlfriend nekuti hapana paunganetsera chikafu kana nhumbi kugirlfreind kana boyfriend. Mwari ndiye murume wedu tose (Jeremiah 3 vs. 14), haasi wekuti unoti kwaari ndozokuona pava paya. Ndiye wekuti kana akati ndinoda chegumi anenge achitoreva zvirokwazvo. Mwari uyu anogona kuita semurume unongoti kumukadzi wake bika sadza iye asina chaauya nacho. Ukati ndobika nei unototi zvionere ini chandinoda isadza. Ushamwari hwedu naMwari ngahuve hwemurume nemukadzi.

9. WHEN DO YOU RESPECT YOUR GOD (Mateo 26 vs. 39). Chinonzi kukudza munhu hakusi kumukudza nekuti ane chaakuitira sevamwe vana vanokudza vabereki nekuti watengerwa suit musi wavanongorega kukutengera hauchatovakudzi. Zvino Kristu akaita kuda kwababa vake munguva yekutambudzika (Mateo 26 vs. 39). Kristu unoti ari muGatsimane achinyengetera, “baba kana zvichibvira mukombe uyu ngaupfuure, asi kurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu”. Zvino who can do somebody’s will on such a time like that? Kristu wakanga akafanana nomunhu ari paMbare akakombwa nematsotsi baba ake vachiona ivo vorega kukununura vachiti rohwa tiende.Kristu wakanga asvika panguva yakaoma akadana kuna baba vake asi vakarega kumununura vakati rohwa tiende tigondosongana mberi. Izvo Mwari waiziva kuti kana kakunda mabvi ose achamugwadamira. Mwari akarega Kristu chaiye mwanakomana wake achiitirwa zvakaipa zvinoti:

i. Kurohwa.ii. Kutukwa.iii. Kusvipirwa mate kumeso.iv. Kupfekedzwa korona yeminzwa.

Zvose izvi zvakaitika Mwari achizviona izvo aiziva kuti kana angopedza kutambudzwa otoinda pakorona. Zvino imi munongoti kungoona chinhamo chidoko mototi Mwari andirasa. Tsungai moyo mukunde nyika saiye Kristu akaikunda. Awa ndiwo matambudziko akasongana naKristu

3

akakunda ndiko saka achiti kwatiri nhasi kundai nyika nokuti ini ndakaikunda. (Johane 16 vs 33).

10.HELL HATES, HEAVEN LOVES. Hazvimbonetsi kuona munhu anoenda kuGehena nekuona munhu anoenda kudenga. Munhu anoenda kudenga ane rudo, anoenda kugehena aneruvengo. Vanhu vanonotsva havanetsi kuona, tinongoona chiso chakazara ruvengo wotoona kuti munhu uyu akagadzirirwa gehena. Vose vane rudo nezviso zvinoratidza rudo ndivo vanoenda kudenga.

11.KANA URI MUTUNGAMIRIRI, BVUMAWO KUBETSERWA PABASA RAMWARI. Kune vamwe vadzidzisi chero maElder kana vafundisi vanoti vachiita basa raMwari vongoti zvavanofunga kana maonero avo ndiwo. Kana uri mutungamiri wevanhu tendawo kuoneswa kana kubetserwa nevanhu. Zvakafanana nemunhu anodhidha haagoni kuona kuti musana wake uri panze asi vari kunze.

12.SHOKO ROKUTI ZVIDHOMA NEVAROYI, IVHANGERI YEMADZIMAI. Pose pamunonzwa pachifamba vhangeri yezvidhoma nevaroyi, madzimai kazhinji ndiwo anenge achifambisa shoko iroro. Saka madzimai dzidzisanai kuChitatu zveshoko rowedenga mudzime zveshoko rezvidhoma nevaroyi.

13.MUSASHAMISWA NEMABASA ADIABROSI KUDARIKA AMWARI. Mwari wedu ari kuita mabasa makuru kwazvo anoshamisa, asi kunyangwe naSatani ari kuita akewo anoshamisa. Zvino muvhunzo uri pakuti tofamba tichipupura mabasa aSatani here kudarika aMwari? Chinhu chonetsa munyika mazuvano ndechokuti vanhu vazhinji vava zvapupu zvaSatani. Munhu wose ava kufamba achitaura nyaya dzevaroyi nezvidhoma, nokufamba kwavo murusero asi kana ukavhunza kuti wakazvinzwa nani hakuna kana umwe chete anenge achiziva. Vhangeri iyi iri kufamba naniko? Isu takanzi muchapiwa mweya mutsvene wokuti muve zvapupu zvaKristu (Mabasa 1 vs. 8) asi vanhu nevamwe vaporofita vari busy kuporofita pamusoro pemabasa aSatani. Mabasa makuru aKristu haana anopupura asi mastory azara muvanhu ndeokuti nyoka dzinosungwa muchiuno.

Mamwe maZion chero akanzi nyora composition pamusoro paKristu havatani kupererwa nezvokunyora asi zvaSatani vanozadza page rose. Chenjerai kuti muchavhunzwa sezvakaitwa vadzidzi vaJesu kuti kana vanhu vachindiona vanoti ndini ani, akazoti ko imi munoti ndini ani, Petros oga akawana answer akatopiwa key (Mateo 16 vs. 14 – 15). Izvozvi chero pano paZion kana mukanzi taurai pamusoro paSamere hamuna chokunyora, chero gore raakafa hamuzivi munongoziva kuti 20 July. Saka maZion ivai zvapupu zvaKristu nokuti kana mukasamupupura pamberi pevanhu vose, imi nomusi wamunozoda kupupurirwa naye pamberi pababa unokunyararirai mukapinda mugehena (Mateo 10 vs. 32). Musangopupura pamusoro paKristu pavanhu vaunganidzwa neSvondo asi ngatimupupure everyday pose patinofamba.

4

14.ZVOSE ZVAKATAURWA NAMWARI ZVINONGOITIKA CHETE KANA TAZVITAURA. Shoko rokuti:

i. MaZion achafuma.ii. Tichapinda denga.iii. Vanorwara vanopora.

Zvose izvi zvinongoitika chete kana zvawana unozviparidza kuvanhu. Kana mukasataura shoko rokufuma munofa muri shuro iyo fuma iripo. Kana mukasataura zvokuti tinopinda denga vanhu vanoperera kugehena. Kunyangwe usina tsvimbo kana basa iwe wasvika pane anorwara iwe mupe shoko ndiro rinoporesa (Mapisarema 107 vs. 20). Mukadzi wamuSamaria wakatendeusa guta rose neshoko asi asina maoko (Johane 4 vs. 28). Saka nemiwo maZion taurai shoko kuitira kuti zvakataurwa naMwari zviitike (Isaya 55 vs. 11).

15.MIFUNGO YENYAMA IPFUMO KUNA MWARI. Kana ukafunga zvinhu zvako iwe woga usingazviisi kuna Mwari hapana chaunenge waita. Munhu waunofunga kuti deno ari pabasa raMwari haasiye waunowana aripo, Mwari anenge atoisa wake waanoda. Munhuzve wausingadi kuti abate basa raMwari uchimuvenga ndiye waunowana aripo achibata basa. Saka siyanai netsika yokuvenga munhu waunenge wawana achibata basa mutendeuke mumutsigire nokuti ndiye anenge atoitwa mufudzi wemweya wenyu. Saka siyanai nekupedza nguva yenyu muchivenga munhu adiwa naMwari pabasa rake.

16.MAZION HAMUTENDERWI KUPAMBA FUMA DZISIRI DZENYU. Satan chine tsika yokuonesa munhu chinhu chakashata sechakanaka. Chinhu chakaita sekutora fuma yomufi uchiita yako, ingava hama yako chaiyo yakaita semukoma, munun’una, muzukuru kana sekuru, chero maiwirirana zvakadini kana munhu iyeye angofa musaita tsika yokuda kutora fuma yake muchizoiita yenyu.

Kana mangoita saizvozvo maita tsika yadiaborosi, nokuti diaborosi ndiye anoti kana achiropafadza oti; wapusa wapusa, zvino ropafadzo yaMwari inoti mirira nguva ikwane uye zvose unozozviwana musure mokunge wabaira, wabata uye wafadza Mwari. Iyoyo ndiyo inonzi ropafadzo yaMwari inofumisa (Zvirevo 10 vs. 22). Satan ndiye oga ane tsika yokuti munhu abudire masiriri fuma isiri yake, ingava yomufi kana yaMwari chaiyo.

17.UNGAPARIDZA SEIKO UINE MASHOKO AKASHATA ANOKUTEVERERA? Vose vakaiswa pabasa raMwari, ringava rokuparidza shoko raMwari ungava uri:

i. Elderii. Mufundisiiii. Chairmaniv. Mukuru wetabhera

Hazvibviri kuti uite basa raMwari uine mabasa akashata aunopomerwa, saka unofanira kutanga wabvisa mashoko iwayo . Sekuti kana ukange uine wawakamhan’arira kumapurisa

5

kana kumatare nyaya yacho isati yapera, iwe unofanira kutanga wauyisa nyaya yacho kuno Jerusarema, wozoziviswa kuti chienda undotanga basa musure mokunge watanga kukanganwirana nowawakapesana naye.

Kana zvichitobvira kuti uno-withdrawer nyaya yacho ikoko, ndiko kunenge kuchitova kugona kubvisa mashoko pahana yako. Nokuti kana ukaramba uchiparidza uine mashoko anokuteverera unenge uchifamba munzira tsvene iwe uine tsvina (Isaya 35 vs. 8), nokuti utsvene noutsvina hazvidyidzani.

18.TOWANEPI VANHU VANE HANYA NEBASA RAMWARI. Basa raMwari rinoda vamwe vanhu vanoita sezvikara zvisina hanya, vanoti chero vakaona munhu aresva chero ari Elder kana ani zvake vanongomudzora. Ndivozve vanhu vanongoti kunzwa nokuita. Zvino umwe munhu chero akapiwa task yekuita haapedzi zvinoratidza kushaya hanya nebasa raMwari.

19.NYAYA DZEPAMUSORO DZINODAWO VANHU VAPAMUSORO. Rimwe zuva Kristu achida kuita munyengetero wepakavanda (secret prayer), akati regai ndishare vana Petros nevanakomana vaviri vaZebedi ndiende navo muGetsemani tindoita munyengetero wedu. Akazoonazve kuti hazviiti kuti vana Petros vavepo, chisarai pano nekuti akaona kuti hapana paangatsamidza musoro wake (Mateo 8 vs. 20). Pane zvimwe zvinhu zvikuru (secrets) zvinoda kuti zviitwe nevanhu vakuru saka zvinoda kuti imi maElder muve vanhu vane hanya nebasa raMwari kwete kuti Muranda waMwari vashaye pekutsamidza musoro imi muripo.

Chinhu chakanyanya kukosha pana Kristu ndechokuti, aiti chero zvamuomera sei aingoti Mwari itai kuda kwenyu uye zvaida Mwari wacho aizviziva. Mutumwa akazotumwa nemassage kuti shinga usadzokere sure (Ruka 22 vs. 43). Iye akati iwe umbori ani, iye akati ndini mutumwa handiti bambo vako vakusiya? Asi iye Kristu akati kuda kwenyu baba ngakuitwe. Mutumwa ndiye akazosimbisa Kristu ivo vana Petros varipo izvo mwanakomana wemunhu akashaiwa pekutsamidza musoro wake.

20.KRISTU ANOTI NEAMWE MAKWAI ASATI ARI EDANGA RINO NDINAWO (Johane 10 vs. 16).

MaZion zivai kuti Mwari achatibvunza pamusoro pevamwe vanhu vamunoti havasi maZion, vamunotosiya muchiti havasi vedu. Itai saKristu anoti ndiri mufudzi akanaka, ndakandotora neamwe makwai asati ari edanga rino ndikaafudza, richava boka rimwe nomufudzi umwe (Johane 10 vs. 16).

21.KRISTU AKATEERERA MUNHU AKAMUTI ROHWA TIENDE. Jesu akatambudzwa kwazvo muGetsimane, akarohwa zvikuru (Mateo 27 vs. 26). Vamwe vaimupfira mate, asi iye haana kudzokera sure akati kuna baba vake vakanga vamurega achirohwa, deno zvaibvira mukombe uyu ngauupfuure asi kusava kuda kwangu. Zvino vazhinji

6

kana vkangotukwa havatani kudzokera sure, umwe akarohwa kwete kuurawa sezvakaitwa Kristu ototi chibadge chenyu chitorai.

Zvino Kristu wakatambudzwa nevanhu vakanga vakabata matanda vachimurova, vakamusunga vakamuisa mumba momubati wehondo vakamubvisa nguwo ndokumupfekedza korona yeminzwa (Mateo 27 vs. 28). Chero ava pamuchinjikwa arwadziwa zvikuru nokurohwa aingoramba achiti; ‘ndimi Mwari wangu’(Mateo 27 vs. 46). Haana kumbokaruka ati hamusisiri Mwari wangu nokuti mandirega ndichirwadziwa. Saka nesuwo chero tikasangana nematambudziko akaita sei ngatisadzokera sure kana kufunga kuhedhuka.

22.NDIYANI ANOVENGWA NEHAMA DZAKE? Vanhu vazhinji vanoti vanovengwa nehama dzavo vanoreva nhema, nokuti vamwe vanhu vazhinji vanongoti vakaudzwa zviri pachena (cash talk)vototi kuvengwa izvo kudzorwa. Saka kana uine shoko rokuti ndinovengwa nehama dzangu funga zvakare nokuti, vazhinji vanongodaro izvo hapana pavakambonangwa zviri pachena nehama ikamuti ndinokuvenga asi kuti kungonzwa umwe munhu achiti, ngana anga achikureva achiti zvakati pamusoro pako, iwe wototi kuvengwa.

Munhu akavengwa nehama dzake ndiJoseph zvokusvika pakuti chiporofita chakazviona zvikanyorwa mubhaibheri kuti madzikoma aJoseph ose akamuvenga (Genesis 37 vs. 4). Uye ruvengo rwemadzikoma ake rwaitoonekwa pakuti vainge vasingatogoni kutaura naye nomufaro, kwete imi munoti munovengwa nehama asi dzichitotaura nemi nomufaro dzisina kusunga chisununu. Madzikoma aJoseph akatobharura bhachi rake nokumutengesa kuvaIshmaeri kuratidza kuti vaimuvenga (Genesis 37 vs. 27). Asi chainakidza pana Joseph ndechokuti, madzikoma ake aimuvenga asi baba vake vachimuda kudarika madzikoma ake ose (Genesis 37 vs. 3). Uye iye Mwari pachake akanga ainaye kureva kuti aimuda (Genesis 39 vs. 2). Saka chero hama dzikakuvenga asi ukasarirwa nevanhu vaviri vanoti; baba vokukuzvara naMwari musiki wako unenge uri pakanaka (warm and dry). Chero kana baba vako vakafa, chingozvibvunza kuti vakafa ndichiwirirana navo here. Nokuti baba vako havangakuvengi asi kuti vanenge vachipesana nezvaunenge uchiita, saka vanenge vachikudzora.

Saka zvamunoti hama dzangu dzinondivenga, hadzitauri newe dzakafara here? Ko iwe unotaura navo wakafara here? Zvino chituta chikasangana nechituta chinovenga munhu anochivenga, chichida anochida zvino Kristu akazoti kana muchida anokudai muchivenga anokuvengai mune mubairo weiko, nokuti vahedheni vanoitawo saizvozvo (Mateo 5 vs. 46). Kana hama dzichikuvenga unodziona nokusakudana pamuchato, uye nokusakudana pamabiko muchingosangana parufu chete.

Kana zvakadaro chiziva kuti zvokwadi vanokuvenga asi iwe chiregawo kuvadaro asi kuti vade nokuti pavanenge vachikufungira zvakaipa, Mwari anenge achitokufungira zvakanaka (Genesis 50 vs. 20). Uye Mwari haavengi vanhu vanokuvenga asi kuti hama idzodzo dzinokuvenga

7

dzichararamiswa newe, sezvakaita Joseph akazoraramisa madzikoma ake aimuvenga nepwere dzawo (Genesis 50 vs. 21). Hama dzenyu dzinokuvengerai kupinda Zion, zivai kuti hadzifi asi kuti imi ndimi muchatodziraramisa.

23.KUTYA KUNOURAYA KUTENDA (FEAR KILLS FAITH) Chakashatira kutya ndechokuti hakuurayi chimwe chinhu, asi kuti chinouraya kutenda. Kana munhu angopindwa nomweya wokutya acharasa kutenda, zvino kana wangorasa kutenda hazvichabviri kuti ufadze Mwari (Hebrews 11 vs. 6).

Vose vamunoona vasingabati vanotya, vanenge kuti kana ndikabata ndichasara nei uye ndichazodyei kana Mwari wacho akasazondidzorera. Mwari akatipa 365 days pagore, akanyora shoko rake rokuti usatya 365 times mubhaibheri, kureva kuti hapana zuva raunofanira kuvidza usina kumbotaura shoko rokuti usatya. Inofanira kuva slogan yedu yokuti usatya kuvanhu, ndiyo bhuku yomurairo isingafaniri kubva pamiromo yenyu. Asi muudze vanhu kuti kana Jehovha achiti usatya hazvirevi kuti hauchafi kana kufirwa nokuti rufu murairo unobva kuna Mwari. Hapana muporofita angati haufi asi unonzi mazuva ako ndiwo awedzerwa asi uchafa. Saka imbai (sing), paridzai (preach), porofitai (prophesy) uye taurai shoko rokuti usatya kuvanhu nokuti muchandobvunzwa kudenga kuti wakaudza vanhu vangani kuti usatya.

Shoko rokuti usatya rakatobva kuna Mwari, nokuti ndiye anoti musatya vavengi venyu kana nzara nokuti ndichakugutisai imi nevana venyu (Genesis 50 vs. 21). Asi kutya kwakanaka kana uchiziva wokutya nezvokutya. Kuziva wekutya, kuziva kutya Mwari nokuziva kuti kana ndikasakwira Jerusarema kundonamata mambo handinganisirwi mvura (Zekaria 14 vs. 17), uye nokuziva kuti ndinofanira kutanga zvoushe hwokumusoro (Mateo 6 vs. 33). Uye handifaniri kuenda pamberi paMwari ndisina chinhu (Exodus 34 vs. 20b).

24.SAMERE WOMUBHAIBHERI NOMURANDA WAMWARI SAMERE VAKACHENGETEDZA ZVINHU ZVIVIRI ZVINOTI KUZODZWA NOKUTENDA.

Kunonzi kuzodzwa ndiko kwamakaitwa imi vadzidzisi, kunzi:i. Elderii. Mufundisiiii. Muvhangeriiv. Mudeaconv. Muchumairi

Saka unofanira kuchengetedza kuzodzwa kwawakaitwa. Asi chinofanira kuti munhu wose agone kuchengetedza kutenda, nokuti kana ukarashikirwa nokutenda hauchagoni kuchengetedza basa rako. Kutenda kunozodzingwa nokutya (fear). Ndiyo nyaya yakakunda muranda waMwari Samere akaitaura paSote akati; ‘ini ndakachengetedza kutenda, ndiyo nyaya yakaita kuti agone kuchengetedza kuzodzwa kwaakaitwa(2 Timotio 4 vs. 7).

Saka umwe noumwe ngaave neshungu dzokuti achengetedze kutenda kwake chero akura sei ari paZion ngaavavarire kuti apinde muguva aine kutenda kwake. Ndiyo nyaya yakagonekwa

8

naSamere womubhaibheri akati kuvana vaIsraeri, kune here ane chikwereti neni nokuti ndakachengetedza kutenda uye kuzodzwa. Asi zivai kuti denga haripindwi nokuti munhu akazodzwa, asi kuti nokutenda. Saka kana ukarasa kutenda warasikirwa nedenga.

Sauro akanga akazodzwa asi arasikirwa nako akanzi waita sebenzi (1 Samuel 13 vs. 13). Amwe mapenzi anoita saEsau akatendesa udangwe nokuda soup, akasazohuwanazve chero akazohutsvaka nemisodzi (VaHeberu 12 vs. 17). Ndizvo zvakafanana nevamwe vadzidzisi vamunonzwa vachiti handichadi basa, chitsvimbo chenyu ichi, vanenge vatotengesa udzidzisi, chero mukazomunyengerera kuti adzokere paudzidzisi kudenga anenge asisiri mudzidzisi. Saka chengetedzai kutenda nokuti denga hamungaripindi.

25.BVISAI U- RASTA(DREAD) MUMOYO YENYU. Chakakosha pamaZion kutendeuka pamoyo yenyu kwete kutendeuka kwenhema (fake), kwekugera musoro asi bvudzi repamoyo musingageri, bvudzi repamoyo kureva mabasa akashata. Amwe maZion maraster pamoyo yavo, unotoona nemabasa avo. Tinogona kusvora maraster atinoona tichitarisa bvudzi ravo, izvo moyo yavo yakatonaka. Vanhu vamunoona sevakashata nemazibvunzi, ndivo vanodiwa naMwari, God’s people look very queer.

26.DO GOOD THINGS HAPPEN TO BAD PEOPLE? Vanhu vazhinji vanorwa nokuitira vanhu vakanaka zvinhu zvakanaka. Mwari anoti itai zvakanaka kuvanhu vose vakanaka nevakaipa nokuti ndizvo zvinoropafadzisa. Musaita sevanhu venyika vanovenga mwana wavo wavakazvara zvokusvika pakuti muvakidzani ari nane pamwana wavo.

27.TINOFANIRA KUONESA NHAMO DZEDU NHAMO. Chinonzi kuonesa nhamo dzedu nhamo, kureva kuti mweya yakaipa inosimudzwa nevanotivenga ipedzisire yoti, munhu uyu taida kuti abude Zion asi tamukonewa, kana kuti taida kuti arambwe nomukadzi asi tamukonewa kana kutizve taida kuti abude basa asi tamukonewa. Ikoko ndiko kunonzi kuonesa nhamo dzedu nhamo. Kana tikagara tichifadza Mwari tinenge tagara zvakanaka (warm and dry). Nhamo dzedu dzichaona nhamo, asi vasingamufadzi vachatambudzwa nenhamo dzavo.

28.MUSADA NYIKA NEZVINHU ZVAYO (Jacob 4 vs.4). Tiri munyika ino asi hatisi venyika ino (Varoma 12 vs. 2), saka musadokwairira zvenyika ino asi idai Mwari nemoyo yenyu yose, nokufunga kwenyu kwose, nesimba renyu rose (Marko 12 vs. 30). Zvose zvinonakidza kunyika zvakaita semabhora kana mafilms zvinovengwa naMwari. Ushamwari hwenyika hunovengana naMwari (Jacob 4 vs. 4). Kana ukarega zvose zvinofadza kunyika uchiuya kuungano wava noukama naMwari.

9

Ashaikwa paungano, ashaiwa chaatakwairira pano paJerusarema nokuti Mwari wakaisa matiri mweya wekutishuva norudo (Jacob 4 vs. 5). God loves us jealously, kuita semukadzi anoti ada murume wake anoita godo rokuti arege kuva noumwe mukadzi anoswedera pamurume wake.

29.TINOTADZA NOKUFUNGA, NAMABASA NOKUREVA, ASI TINOITWA VATSVENE NEZVIBAIRO.

Tose tinotadzira Mwari nemabasa nokureva nokufunga, asi chinotiita vatsvene pamberi paMwari zvibairo (Psalms 50 vs. 5). Jobo aiziva kuti vana vake havanzwi uye anga asingazivi kuti kwavainotamba vainge vasina here zvakashata zvavaireva nokufunga zvinotsamwisa, saka aiti kana vadzoka obaira kuti vanatswe (Jobo 1 vs. 5). Tine kumwe kufunga kwatinoita tichiona sekuti hakusi kutadza.

Umwe munhu anogona kuchiva mukadzi womunhu asi ozoti hazvina basa nokuti ndangogumira mukuchiva chete. Izvo Kristu anoti; aninani angotarisa mukadzi womunhu akamuchiva aita upombwe naye (Mateo 5 vs. 28).

30.HAKUNA MUNHU AKAIPA SEMUNHU ANOPINGA PROGRESS. Munhu anovengwa naMwari munhu anopinga zvinhu zvinofambisa shoko raMwari. Pane maElders anopinga vafundisi, kana vafundisi vanopinga machairman. Chero ani zvake anopinga munhu anofambisa basa raMwari, iyoyo ndiyo inonzi sabotage.

31.VANHU VACHATI TINOKARA (GREEDY), IZVO KUNENGE KURI KUKURA( GROWTH) . Kana tazoropafadzwa maZion, vanhu vachaona sekuti tiri greedy or selfish izvo kunenge kuri kukura, vazhinji vachanyunyuta. Tichavaka maflat pano uye tichaita mota zvokuti tichaita sevanhu vanodada, izvo tinenge taropafadzwa. Mwari paakaropafadza Joseph akaramba achikwirira pazvinhu zvake zvose (Genesis 39 vs. 2). Saka kana maropafadzwa muchafuma zvokuti hama dzenyu dzichati; mune zvikwambo izvo anenge ari maropafadzo. Asi zivai kuti, we are not in a competition with others, but we are in cooperation with them.

32.OUR CHURCH HAS PROVED TO BE THE BEST. Hatidi kuti kereke yedu ifananidzwe nedzimwe kereke nokuti yazviratidza kuti ndiyo iri best. Zvose zvatichaita mukereke yedu zvicharamba zvichingova best. Ticharamba takasimbirira pane zvakanaka zviri best not good or better.

33.GOD CREATED A WORLD OF INDUSTRY AND A MAN OF INDUSTRY. Mwari achisika nyika akaisika iine industry yokuti munhu aite mubato wemaoko ashande achibuda ziya kuti afume. Saka makaona achitsveta Adam akamuisa mumunda weEden kuti aurime nokuuchengeta (Genesis 2 vs. 15). Abrahama aiva munhu aishanda aiva neborehole drilling company (aichera matsime emvura okudiridza miti nemiriwo uye aiita cattle ranching nokupfuwa makwai nembudzi.

10

Isaka mwana wake akauyawo akafukura matsime emvura aive afutsirwa nevaFiristia akaita irrigation akadiridza zviyo akakohwa rune zana mugore renzara (Genesis 26 vs. 12). Asi Abrahama aiva nevana vaviri, dangwe rake rainzi Ishmael waakadzinga nenyaya yousimbe hwekuda kuita mudyandigere, asingadi kuzvipfuwira, kuzvirimira, kuzvivezera (Carpentry). Kuzvivakira (building), nokuita mabasa ose okuzvishandira nemaoko mukazvitarisa nhasi vana vaIshmael vanorarama nokutenga vachitengesa nomutengo uri pamusoro.

Rudzi rwemaIndia ndivo vana vaIshmael vanhu vakadai vane usimbe vanongokwereta mari mubank votonotsvaka chinhu chokuhodha sekunotenda mota kuSouth Africa, kana kunotenga donje ririmwa nevamwe votengesa nemari iri pamusoro-soro, profit yavawana ototenga chero magonyeti. Muchiona vanhu vakadai munoti vane zvikwambo izvo kurarama nokujuta vamwe (utsotsi). Izvo havadi kushanda fuma yakadai haisi permanent, asi pfuma iri permanent ndeyokuzvishandira uchibuda ziya.

Vana vaIshmael vaitenga chero munhu, ndivo vakatenga Joseph aitova mwana wavo nokuti aiva werudzi rwaIsaka. Ishmael aiva mukoma waIsaka (Genesis 37 vs. 27). Saka hatidi munhu anopinda Zion sevana vaIshamael vanorarama nokutenga nokutengesa vaine usimbe hwokusada kuzvishandira vachirarama nevamwe. Zivai kuti nyika ino yakasikirwa basa (industry), nesu vanhu takasikirwa basa. Mwari akasika nyika yekuti pamusoro payo munhu anogona:

i. Kuurima kana kuumba hari.ii. Kufudzira mombe kana mbudzi nemakwai nokupfuwa huku.iii. Kurima miti, nemiriwo uchitengesa.iv. Kuchera gold nezvimwe zvicherwa zvose zvinowanikwa muvhu.v. Kuchera migodhi yemvura yokudiridza

Zvakawanda zvinhu zvatinogona kuita hatingazvipedzi. Asi zvakadaro ndipo paunoona umwe munhu akangogara pasina kana chaanoita. Saka shandai mudye zveziya renyu, kwete kuita zvemudya ndigere (merchandisation not an industry), saka musararama sevaIshmael, asi raramai sevaJudha vana vaIsaka vanoshanda vachibuda ziya.

34.KURIDZA MABHOSVO KUITIRA MWARI, KWAKANGOFANANA NOKURIDZA NGOMA KANA VHUVHUZELA.

Pane vakadzi vevakomana vemabhosvo vane shoko rokuti deno varume vedu vapiwa mari nokuti vanoridza mabhosvo. Zivai kuti kuridza mabhosvo kwakangofanana nokuridza ngoma kana kuridza vhuvhuzela, zvino kana munhu akaridza vhuvhuzela angati here ndoda mari, isu tinoziva kuti kuridza bhosvo, kuimba, kutamba, kuridza vhuvhuzela zvakafanana nokuti tinenge tichizviitira Mwari.

11

Asi kana uchida kuridzira mari enda hako kune vaimbi vokunyika vanoridzira mari kwete Mwari. Vasati varidza vanototi kuvanhu tipei mari nokuti tinoridzira mari kwete Mwari. Zvino isu tinoridzira Mwari, saka kana watsveta bhosvo chiita project kana kushanda zvinoita kuti muwane mari. Kana mukadaro muchafamba nemota, asi imi vakadzi musaswera makagara pamumvuri asi shandai muchibetserana nevarume venyu.

35.NGATIZIVANEI, KUTI ZVAWAKAGARA PANO PAMBUNGO NDEIPI ARCHIEVEMENT YAWAKAITA URI PANO.

Tinodawo kuti tizive (ngatizivanei)kuti ko zvatakazokutora tichikuunza muoffice waiitei chaungati ndakarashikirwa nacho. Asi chatinoda kuziva ndechokuti nemibato yemaoko iri pano chaungati wakadzidza chii? Nokuti pano tine:

i. Capentryii. Building iii. Brick moldingiv. Gardening v. Cattle, goats, sheep ranchingvi. Poultryvii. welding

Uye kana uchida kudzidza chikoro chaicho pano tine:i. Primary Schoolii. Secondary schooliii. High schooliv. Technical College (School of Music)

Uye pano tine magetsi emvura yamungashandisa mahara. Saka munofanira kudzidza kuti uve nezvaunogona kwete kugara pano usina chaunacho asi iri shara ude. Chero uri mudzimai wemukomana wemabhosvo kana mabharani unofanira kuva nemubato wemaoko waunodzidza. Chatisina pano chatinoziva i-school of driving, asi zvimwe zvose tinazvo.

36.BONDE IS NECESSARY BUT NOT IMPORTANT. Mwari akaita masikati neusiku, masikati akaitirwa kuti munhu ashande kwete kuvata. Usiku ndehwokuti munhu azorore, zvino mapenzi anoti chero masikati zuva rakacheka nyika otosvinurira bonde, asingashandi. Chero manheru haasi okungosvunurira zvebonde. Tangai mabikira vana, vovata mozopinda mubedroom menyu motanga maplanner basa ramangwana, momboita bible study, mapedza mozoitawo zvebonde.

37.AN IDLE MIND IS A DEVIL’S WORKSHOP

12

Kana munhu akaswera asina chaanoita pfungwa dzake dzinoswera dzichitapiwa nadiabhosi. Kana ari mukadzi akaswera asingaiti basa anoswera achitamba nadiaborosi. Saka shandai mugare muri busy muchaona chero pfungwa dzadiaborosi dzichitiza mamuri. Ukaona mukadzi akangogara asingashandi tsveta pasi nokuti mukadzi anoswera akavata anoshandiswa nasatan. Chero murume wako anoti:

i. Anoridza mabhosvoii. Anonyora muoffice

Odzoka oshaya mubato wemaoko waanoita tsveta pasi. Chatinoitira kuti mushande ndechokuti kana mashanda muchagona kupa, iko kupa kune mufaro kupinda kugashira (Mabasa 20 vs. 35). Asingadi kushanda anomirira kukumbira asi ukazvishandira uchapa. Wose asingadi kushanda chaanoda kugashira. Zvino ukamirira kugashira uchafa uri shuro uye kana matanga kuita mabusiness enyu musatarira kuti mari yamawana modya asi ichengetei kuti business rirambe richifamba.

38.LET’S LEARN TO SUFFER FOR STRANGERS LIKE CHARITY ORGANISATIONS. Kunonzi kushandira nyasha, kushandira chikafu kana zvinhu zvinodyiwa nevadariki (strangers), vakaita se:

i. Varwere vanouya panoii. Varombo vanouya panoiii. Nherera dzinouya panoiv. Shirikadzi dzinouya pano

Kana uchishandira vanhu vakaita sevava, wakangofanana nomunhu anongoshandirawo Mwari, ndiko kunonzi kushandira nyasha. Imi ropafadzo yenyu kana youya haibvi kuvanhu asi inobva kunaMwari mbune. Zvino chinozotishamisa ndechokuti vacho vanoshandira nyasha ndivozve vanodazve zviya zvashandirwa nevarombo, saka isu tose tinoshanda pano chinangwa chedu (aim/mission)ndechokushandira vanongouya. Aninani anoda kuzvishandira haakodzeri kuva pano.

39.VANHU VAKAFA NOKUDYISA VAKAWANDA PANE VAKAFA NOKUSHAIWA CHIKAFU. Munozviziva here kuti ukanwa mvura yoga unorarama mazuva maviri usina kana kudya chikafu? Hagari achitiza Sara aine mwanakomana wake Ishmael ava nenzara akasvika patsime reShuri akamwa mvura akararama (Genesis 16 vs. 7). Zvino munhu anodyisa chikafu (over-eating).

40.YOU START SMALL AND GROW BIGGER. Kana uchida kuita muzvina bizimusi unotangira pasi uchikura. Vanhu vazhinji vamunoona vachikura pamabusiness vakatangira pasi, vamwe vachitotengesa matomatisi asi vakazokura. Business rokuchengeta huku rinoita kuti munhu azotengawo chero ndege chaiyo kana arigona.

13

Saka chero ukatanga business ripi zvaro usakara kudya iro risati rakura kana uchida kuti ubudirire.

41.MUSAITA MUCHOHWE NEVAKADZI VEVANHU. Ukaona munhu anoita muchohwe nomukadzi womunhu anotsvaka kunyenga mukadzi iyeye. Chero ukaona murume anoita majokes nemukadzi womunhu chingoziva kuti chaanoda kusvinuka. Saka remekedzai madzimai evanhu muchiziva pokugumira.

42.VAKOMANA MUSANYENGERA VASIKANA ZVOKUTAMBA MUSINGADI ZVOKUVAROORA.

Kune vamwe vakomana vanonyenga vasikana vakawanda asi vasingadi kuvaroora. Zvino ikozvino tave kuda kutevererana tichibata matsotsi orudzi urwu. Chamunofanira kuziva ndechokuti kana ukanyenga musikana uchitamba naye watovhiringa upenyu hwake nokuti wamutambisira nguva yake zvokuti chero Mwari pachake haafari nazvo.

43.MUSADHEERERWA NEVAKADZI VENYU. Chinoita kuti varume mudheererwe nevakadzi venyu kusada kushanda. Zvino kana usingadi kushanda, kana mukadzi akakuti ndipowo chakati hauna kwaunochiwana nokuti uri simbe. Ipai vakadzi venyu zvavanoda, kana mukadzi achida bonde mupe. Kana wakaneta usamutsamwira kana kumufundumwarira nokusunga chisununu iye akukumbira bonde. Kana wakaneta ko kungomubata muviri wake nokumupa kiss hayo, uchimuudza zvakanaka kuti nhasi ndakaneta kwete kumufuratira nokuti mukadzi ukamunyima bonde achirida anoona sekuti ndasemwa kana kuti pane umwe wawavakutofunga.

Asi chero iye mukadzi akakunyima bonde usamumanikidza, iro bonde i-game isinganzi nhasi ndakaguta saka kana iwe murume usina simba ingomubata-bata uchimuita kuti aone rudo rwaunarwo kwaari.

44.MUSATONGWA NEVAKADZI ASI INZWAIWO MAZANO AVO. Kana uri murume unofanira kuva nefungwa dzechirume, chero uri mudoko unofanira kuplanner basa. Asi kana mukadzi akakupawo mazano hakusi kukutonga, mateererewo nokuti ndiye mubatsiri wako (Genesis 2 vs. 18). Kana mukashanda chero vana venyu vachakura vachiti:

i. Ndichambonokama mombe dzeduii. Kunofudza mombe nembudzi dzenyuiii. Vachichovha mabhasikoro avoiv. Vachikwirawo mota dzenyu

14

Kwete kuona mombe panext door penyu pasina. If you fail to plan, you are planning to fail.

45.WIRIRANAI NEVAKADZI VENYU. Ko zvamunopesana nevakadzi venyu muchivadiki kudai mati mapedza danha navo here? Kopai kuchembere dzinokwegura dzichiwirirana nevakadzi vavo. Saka kana mukadzi akati ndipe chakati chero bonde mupe.

46.VOSE VANOPA MWARI VANOZIVA KUTI VAKAPIWA NAMWARI (1 Makoronike 29 vs. 14)

Out-giving is giving more than what you get. Zvino kana tiri pana Mwari tinomupa kuti iye agotipavo (Ruka 6 vs. 38). Vanhu vose vamunoona vachipa Mwari vanoziva kuti ndiye akavapa, benzi roga ndiro rinoona sokuti Mwari ishamwari yokungopa iyo isina chainopa. Hana chaiye wakakumbira mwana kuna Mwari akapiwa, asi wakazodzokazve nomwana uya, achimupa kuna Mwari kuti agare naye paShiro (1 Samuel 1 vs. 20). Asi vose vakamuona achiisa mwana wake kuna Mwari vakamuona sokupata izvo aiziva wakamupa (1 Samuel 1 vs. 27-28). Mwari aona kuti Hana anogona kupa akazomupazve vamwe vanakomana vanomwe (7).

47.MAELDER NDIMI MUNOFANIRA KUGASHIDZA VANHU KUTENDA. Munhu anonzi Elder ndiye anofanira kugashidza vanhu kutenda. Isu tinofungidzira kuti maElder muri vanhu vanoziva Mwari. Saka chiitai kuti vanhu vamunofudza vazivewo Mwari wamunoziva imi. Munofanira kuzivisa vanhu Mwari kubudikidza:

i. Nomunziyoii. Nokunamataiii. Nokutenda

Munofanira kuva vaimbisi muchikwira nevanhu mumakomo vachindogashira mweya mutsvene. Kana mouya paungano yokuchinja tsamba, tinoda kuona kuti munenge muine vanhu vangani vakandorira nomweya mutsvene. Musanakirwa nokuwisa madhimoni musingaisi mweya mutsvene muvanhu. Mweya mutsvene unouya nokududzira, nokuimba nokunamata zvine simba. Minamato yenyu inofanira kuita musoke-musoke, ndiko kuti vanhu vagashire mweya mutsvene.

48.THERE ARE SOME PIGS WHICH THINKS THAT THEY ARE MORE SPECIAL THAN OTHERS Muboka rinoshanda pamwe mune vamwe vanoti chero tichishanda pamwe uye tichishanda basa rimwe asi ndinoda pay yakasiyana nevamwe, ukamubvunza kuti wakasvika Form 4 here anoti handina, ukamubvunza kuti pano pakereke wakaitei anoti handina, saka unobva wazoona kuti zvokwadi munhu uyu ane fungwa sedzenguruve, dzokuzviona seakakosha

15

kupinda vamwe vaanobata navo. Ngatishande pamaprojects edu tibudirire nokubuda ziya kwete kuda kumirira kupiwa nekereke.

49.MUSAROONA MUSATI MAZIVANA Kana vakomana nevasikana madanana musatanga maroorana musati madzidzana. Chikaranga chinoti chimbomirai munda hauperi nezuva rimwe, kureva kuti musamanya kuroorana musati madzidzana. Vanhu vazhinji vakazondopesana mudzimba izvo vakangomanyira kuroorana vasati vazivana. Saka zivanai kubva

i. Umwe neumwe kwaakabvaii. Zvaanogona kuita nemaoko akeiii. Zvinomuraramisa , kwete kungodanana nokutoroorana

50.KANA UCHIDA KUFARA IPA KWETE KUMIRIRA KUPIWA (Mabasa 20 vs. 35) Kana uchida kugara uchifara shanda ugopawo kwete kumirira kupiwa. Vose vane usimbe vanoswera vakavata izvo kunonzi ndichazorarama nokupiwa. Saka usamirira kupiwa asi shanda ugopawo.

51.EVERYONE’S WIFE IS SOMEBODY’S SECRETARY, TREASURER AND ADVISER. Kana muchitsvaka vakadzi vekuroora tsvaka mukadzi anogona kuita mabharani wako, anogona kukuchengetera mari uye anoku-adviser zvinovaka kereke yaMwari nemusha wako. Kana zvichinzi tsvakai vakadzi vanogona kukubatsirai, vanofanira: (a) Kukunyorerai (i) zvamaka planner kuita pamba nekukurangaridzai (ii) zvamunofanira kuitira mwari e.g kubatira mwari kuenda kunonyengeterera varwere .(b) TreasurerNdiye anofanira kukuchengetera mari yako nekuziva kuti zvataiwana toishandisei asi achiziva kuti tinofanira kutanga zveUshehwekumusoro (Mateo 6 vs. 33), asi zvose izvi zvinoitwa muri mumaoko a-Treasurer kureva mudzimai wako.(c) AdviserMukadzi anofanira kuku-adviser zvinhu zvinokuyananisa naMwari sekubatira Mwari nekuenda kumaungano, uye anoku adviser zvinobetsera musha wenyu kuti uvakike. Anoti adviser kurima kuita maprojects uye ane plan yekuti kana tikarima tinobudirira tichawana chikafu uye vana vachaenda kuchikoro uyezve tichibatira Mwari. Ndiwo mabasa emudzimai, ndiko saka muchinzi musavasiya pamatare nekuti ndipo pavanowana dzidziso yavanozokuyeuchidzai nayo, kuti musi uya takanzi kudii padare.

52.VARUME VEKARE VASIYANA NEVAMAZUVANO PANE ZVAVANO TARISA KANA VACHIDA MUKADZI WOKUROORA.

16

Vekare vaitarisa masungirwo aiitwa dhuku nevakadzi, votomuwanira izvozvo. Umwe aitarira masungirwo ebhande chairo obva atoti ndatowana wokuroorwa naye, vakadziwo vaitarisawo magererwe emurume, vamwe vaichivawo (dharakishoni)Asi ikozvino hazvichashandi, chototariswa nevarume vamazuvaano vanoda kuona kuti unogonawo chii pane zvomubato wemaoko.

53.EDEN NDIYO MBUNGO YEKUTANGA. Adam akanzi uchadya cheziya, akanzi rarama nekurima ari mumunda weEden (Genesis 2 vs. 15). Zvino kana tichigara paMbungo tinofanira kurarama tichishandisa maoko. Kana tikagara tichiti Mwari achatipa tinofa nenzara uye tisina chinhu. Hatina kuona Mwari achituma makunguwo kunopa Adam chikafu, asi kuti akanzi shanda ugodya. Eria oga ndiye akavigirwa chikafu nemakunguwo (1 Madzimambo 17 vs. 6). Asi isu tose tinonzi tizvishandire tigodya saAbraham akashanda akaropafadzwa.

54.MUNHU ANE AIDS UNGAMUZIVA SEI? Munhu ane Aids unomuziva sei? Munhu ane Aids unomuona nokusatya kuenda pabonde nemunhu waasina kuroorana naye. Izvo chinoita kuti asatya ndechokuti anoziva kuti Aids haibatwi kaviri, saka kana watovanayo hapasisina chokutya .Saka musanyengerwa nokusimba kwomunhu nokuti amwe mapiritsi anosimbisa vanhu ivo vachitorwara. Saka vose vamunoona vane zvivindi zvokusvinuka zivai kuti vane Aids saka vari kutotsvaga vokuzora Aids dzavo.

55.JERUSAREMA IS THERE TO SPREAD GOSPEL NOT AIDS Mwari achivaka nzvimbo inonzi JERUSAREMA aiitira kuti shoko rake (GOSPEL) rifambe, ripararire nenyika. Zvino diaborosi chinopinda mupfungwa dzevamwe vanhu voona pano paJerusarema senzvimbo yekusvinukira izvo voda ku-spreader Aids yavo. Saka paJerusarema ndepekutora shoko kwete kutora Aids nokuti kana ukasvinuka pano watotora Aids nokuti irowo Jerusarema is an Aids centre yokuti ukangotamba uchisvinuka watozvizora Aids.

56.A PROVERB 31vs. 10-31 WOMAN Mukadzi wakanaka anofanira kugona kubata basa nemaoko ake uye achizviita nomufaro (Zvirevo 31 vs. 13) . Zvino mukadzi benzi anongoonekwa nousimbe. Uye vana mai kana muchida kuti Mwari aropafadze mabasa enyu batai nemufaro kwete kufundumwara muchiita basa.

57.ANOMUKA HUCHIRI USIKU NOKUPA MHURI YAKE ZVOKUDYA (Zvirevo 31 vs. 15) Mukadzi wakanaka haasweri akavata asi anomuka uchiri usiku achiita basa nokuona kuti munhu wose pamusha ipapo awana zvokuita, ndiko kupa vashandiri vako basa ravo. Zvino simbe inonakirwa nokuvata kana yomuka yofamba isina kupa vana vayo zvokudya .

58.ANOTAMBANUDZIRA MAOKO AKE KUNE CHOKURUKISA (Zvirevo 31 vs. 19) 17

Mukadzi kwaye anogona kuruka angava madhoiri, majuzi kana misoro yevanhu achitsvaka mari . Ruoko rwemukadzi rwunofanira kubata chinorukwa kuti awane chokuchengetesa mhuri kwete kumirira kupiwa zvose nomurume iwe wakangogara.

59.HAATYI CHANDO PAMUSORO PEIMBA YAKE (Zvirevo 31 vs. 21). Mukadzi asina usimbe haatyi chando. Kana kwayedza anomuka oita basa otomutsawo murume wake kwete dzimwe simbe dzinotovhunza murume kuti munomukirei iko kwayedza izvo usimbe nokunakirwa nemachira.

60.MURUME WAKE ANOZIKANWA PAMASUWO EGUTA (Zvirevo 31 vs. 23). Munhu akawana mukadzi wakanaka anosimudzirwa zita rake nomukadzi, asi akawana dhunyasi yemukadzi anotosvibisirwa zita nomukadzi, saka madzimai itai zvinoita kuti zita romurume wako rizikanwe pane zvakanaka. Chero uchibata basa zvinosimudza zita romurume wako kuti zita racho riropafadzwe.

61.UNOSHAMISA MUROMO WAKE NOUCHENJERI NOKUDZIDZISA NOUNYORO (Zvirevo 31 vs. 26).

Mukadzi akangwara kana otaura anotaura zvine uchenjeri kwete kungovhotomoka. Chero achidzidzisa vamwe anoita nounyoro kureva kuti asina hasha. Saka madzimai gonai kutaurawo zvakanaka kwete kuzikanwa nepamuromo.

62.NGATIITE TSIKA YOKUGARA TAKAZIVANA KWATINOSWERA. MaZion ngatiite tsika yokuti umwe noumwe azikanwe kwaanenge aswera, izvi zvinotibatsira kuti tizive svunu padzinosvinukira uye kuti tizive nenguva dzavanosvinuka uye zvinokubatsirai kuti musapomera navanhu zvakashata zvavanoita nokuti kana munhu akanzi aba imi maswera muchimuona pabasa munomupupurira kuti inhema haana kuba nokuti munenge maziva kwaaswera. Murume umwe nemumwe anofanira kuziva kwaswera mukadzi wake , ukaona achiswera kwausingazive anenge achisvinuka .

Kana pari paJerusarema paMbungo zvakakosha zvikuru kuti uzikamwe kwawaswera kuti zvigozokubetsera pabhodho pachikafu nokuti vanopa chikafu havadi munhu asingazikamwi kwaanga ari. Zivai kuti wose wamusina kuziva kwaanga ari panguva yebasa, patabhera kana pasvondo, zvose zvakashata zvabuda musi iwoyo ndiye anenge azviita. Kana huri upombwe ndiye ahuita kana kuri kubiwa ndiye akuita, kungava kusvinuka nomutoo upi zvawo ndiye anenge akuita. Saka ngatigare tichizivana nokuzihwa kwataswera.

63.GARAI MUCHISHANDA MAZUVA MATANHATU PAVHIKI (Exodus 20 vs. 9). Munozviziva here kuti kumuka uchizvishandira nemaoko ako murairo waMwari uri pamirairo ine gumi (Exodus 20 vs. 9). Kureva kuti kana ukadarika zuva rimwe pamazuva matanhatu iwayo watoputsa murairo waJehovha. Asi tinoda kuti pamazuva matanhatu aya, mazuva mana

18

umuke uchishandira zvako zvemhuri yako, mazuva maviri woaita okushandira Mwari (charity days), Mukadzi benzi anoti kana murume wake achakavata iko kwayedza oti chimbozororai. Kana kuti kune umwe mukadzi anoti kumurume akakasira kumuka, omuti munomanyirepi kwamamukira kudaro, kuchakasviba.

Mukadzi iyeye ibenzi nokuti haana mano okuvaka imba yake (Zvirevo 9 vs. 13), saka maZion ngatidzidze kumuka mazuva matanhatu aya pavhiki tichishandira mhuri dzedu uye tichishandirazve Mwari wedu (Zvirevo 31 vs. 15).

64.WAITA SEBENZI NEKUTI WATADZA KUCHENGETA MURAIRO (1 Samere 13 vs. 13). Vanhu vachinzwa Sauro achinzi waita sebenzi vakafunga kuti aita upombwe kana kuti aita chimwe chivi nekuti pachikaranga chedu munhu anonzi apata (aita sebenzi) mukadzi wemunhu abatwa nechikomba kana murume wemunhu aita upombwe. Zvino chinonzi upenzi hakusi kuba, kuroya, kupomba kana kuita chimwe zvacho chamunofunga asi kuita sebenzi, asi kuita sebenzi kusachengetedza murairo waJehovha. David akaita upombwe, akauraya asi haana kunzi waita sebenzi asi Sauro nekuti akatadza kuchengeta murairo waJehovha akanzi waita sebenzi (1 Samueri 13 vs. 13). Saka zvatakutorai saAbrahama akanzi naMwari handingakuvanziri zvandinoita (Genesis 18 vs. 17).

Saka isu Jerusarema hatingakuvanziriyi zvinoda Mwari wedu saka takudanai kukupai bhuku yemurairo (Joshua 1 vs. 8). Saka kunonzi kuita sebenzi kusandochengeta murairo waMwari hakusi kuti maElder oga ndiwo asingachengeti murairo waJehovha kuti azonzi waita sebenzi, chero uri:

i. Mufundisi.ii. Chairman.iii. Muvhangeri.iv. Muporofita.v. Teacher weruwadzano.vi. Teacher wemasvohwani.vii. Teacher weSunday School.

Ukasachengeta murairo waMwari ndiwe unonzi benzi, dhunyasi chairo.

Jerusarema rinoti takupai mufundisi kana Elder iwe wondoita sebenzi. Vamwe venyu takambozama chose kumbovadana tichivadzidzisa nekuvadzora asi havatendeuki, saka chatichangoita kutora nhumbi dzemufudzi benzi (Zakaria 11 vs. 15). Kana ari Sauro akatonzi Jehovha akanga achida kusimbisa ushe hwako kureva uElder, ufundisi kana udzidzisi hwako, asi haungagari nekuti waita sebenzi ukatadza kuchengetedza murairo waJehovha unobva Jerusarema.Benzi rinodzokorora same mistake ungano yoga yoga. Izvozvi takati Elder kana mufundisi asauya kuungano asina mukadzi wake nachairman wake nezviTimotio nezviDorcus zvako nevaporofita vako asi imi hamutendeuki munouya ungano yoga yoga musina vakadzi

19

venyu, tikakubvunzai kuti mufundisi aripi Elder oti handizivi. Takazama kuti mubetserane basa mose asi benzi haridi.

Saka Tendeuka mundosvinurira basa raJehovha nekuriita (Jeremiah 1 vs. 12). Mundofambira basa raMwari nekuti muri vafambi vaMwari (song). Iye Mwari akakuitai vafudzi vevanhu vake vaanoda zvekuti akasvika pakuuraya mwana wake umwe oga (Johane 3 vs. 16). Saka unoda kuti afudziwe nevanhu vane zivo nenjere (Jeremiah 3 vs. 14), kwete kufudza vanhu neleft hand ndiko kuita sebenzi. Chero zvichiuraya kubata basa raMwari endai mundofa, chero zvichisiya usisina gumbo ngarinogurika uchibata basa. Zivo nenjere dzacho ndidzo dzatinokupai pano, ndiyo nyaya yakanzi naMwari Abrahama zvondomutuma kunofudza vanhu handingamuvanziri zvandinoita (Genesis 18 vs. 17). Uye hatidi kuti mundoita semapenzi nekuti benzi munhu akavanzirwa zivo (information), zvino imi tokupai asi mondosvika mondopata. Saka chengetedzai mbeu yaMwari kureva shoko raMwari ratinokupai pano mukandoriita ndiko kuchenjera kwenyu (Deuteronomio 4 vs. 6), asi ukasanorichengeta nekuriiita uchaita sebenzi uye Ushe hwako haungagari.

65. ABRAHAMA ACHAVA RUDZI RUKURU RUNE SIMBA NENDUDZI DZOSE DZENYIKA DZICHAROPAFADZWA NAMWARI (Genesis 18 vs. 17).

Ukaona pfuti ikapuwa benzi kureva kuti uElder hukapuwa benzi rinosvika richindovharira maprograms aMwari nekuti ndini ndine simba. MaElders musashandisa simba rakatakupai nekuti munenge muchiti hapana anondivhunza saka morishandisa pakuvhara program dzaMwari sekuti:

i. Nhasi hakuna Svondo.ii. Muziro hakuchina.

iii. Kana kuvhara basa pasina murairo yaMwari yabatwa.Umwe Elder kana mufundisi anoti ndavhara toda kuona anosara achinamatisa vanhu ndiko kuita sebenzi (1 Samueri 13 vs. 13).

Saka kana mapiwa simba musanosvika monoita misuse of power muchivhara maprogram aMwari. Isu hatingakuregi uchitungamirira vanhu nekuti unenge uri gonzo rafira mberi wavharira ropafadzo dzenyika yako yose nekuti iwe uri Abrahama vanhu vanofanira kuropafadzwa nemauri (Genesis 18 vs. 17). Protocol yeropafadzo inofamba seizvi, engine yeropafadzo iri paJerusarema ichiisa magetsi eropafadzo muna Elder zvichienda kuna mufundisi nevadzidzisi vose kusvika asvika muvanhu kureva kuti vanhu:

i. Vanofanira kupora kubudikidza nemunaElder.ii. Kutendeuka kubudikidza naMwari.

iii. Vane nhamo vachichema zvichifamba kubudikidza nemauri.Zvino munyika menyu mukatungamirwa nebenzi hamuropafadziki munofa muri shuro.

Saka ukangoona nyika yenyu ichitungamirirwa nebenzi rinovharira maprograms eJerusarema, imichitoitai sezvinodiwa Jerusarema kuti muropafadzwe nekuti Mwari unoti handingaparidziri

20

vakarurama pamwe nevasakarurama (Geneisis 18 vs. 26). Mukasadaro munofa mose muri shuro.

66. NYIKA IMWE NEIMWE INE MA GROUP MAVIRI RAMWARI NERINOTEVERA BENZI (BAD LEADER).

Mukangoona mudzidzisi wenyu achirwa nemaprograms eJerusarema musamutevera asi mudzidzisi wekutevera ndiye unoita kuda kweJerusarema. Mudzidzisi benzi munomuona bata anoti handina, izvo kushaya mhindu zvino munhu asina mhindu denga haapindi (Mateo 25). Kuungano haauyi ndiye anonzi bad leader, munofa muri shuro imi nemudzidzisi wenyu.

67. CHII CHINOITA KUTI MUNHU WOSE ASADA KUNZI SHURO? Mukazvitarisa pamhuka dzose hapana yakangwara seshuro asi hapanazve munhu anoda kunzi uri shuro. Izvo shuro yakangwara pamhuka dzose zvekuti ngano dzose dzakaitwa nanambuya dzinotiratidza kungwara chinoshamisa shuro yakangwara asi haina chinhu. Zvino zvinobetserei kungwara iwe usina chinhu. Saka kana mukaita tsika yenyu yekutevera mudzidzisi asingachengeti murairo waMwari uchafa mose muri shuro musina chinhu. Hatichadi kuti unzi Elder kana mufundisi wedu usina chinhu (uri shuro). Saka chatinoita kungotora nhumbi dzemufundisi benzi (Zakaria 11 vs. 15). Saka imi vaporofita vanhu vatiri kuda kuti mundonyanya kubata mudzidzisi benzi usingachengeti murairo waMwari nekuti unouraya vanhu neushuro ava vanomusvinurira vanenge vaita upombwe havana basa nekuti vachangofa neAIDS.

Asi shuro dzinoshupa nekuti dzinoramba shoko raMwari. Zvino yasvika nguva yekuti shuro dzibude pachena, maZion chaiwo achiropafadzwa nekuti imba yamira. Mwari ane zvinhu zvikuru zvaanoda kukupai saka musabuda masiriri muchiti wakapfuma uine mombe nhatu chete nekuti muchapfuma.

68. ABRAHAMA UNONZI NDAKUTSAURA KUTI URAIRE VANA VAKO NEVEIMBA YAKO (Genesis 18 vs. 19).

Ukaona waitwa mudzidzisi wakatsaurwa naMwari kuti udzidzise vanhu, chero ukanzi teacher weruwadzano wakatsaurwa kuti udzidzise ruwadzano kana uri teacher wemasvohwani wakaiswa kuti udzidzise masvohwani ndizvo zvimwe nateacher weSunday School wakaiswawo kuti udzidzise vana. Benzi rinoti ndakaiswa paudzidzisi kuti ndinwe nekudya huku nezviropa zvembudzi kana kuti ndigare pachair asi kuti wakaisirwa kuti udzidzise vanhu kuchengetedza murairo waJehovha kuti uyu mudzidzisi kana mai veruwadzano vanga vari tsotsi, matsotsi ose achaonekwa nekusakara. Favour yaMwari yava kubuda zvino pachena.

69. TIRI VAFAMBI VAKO. MaZion muri vafambi vaJehovha. Munofamba muchifambira zveshoko rowedenga. Makasiyana nevafambi venyika vanofamba vachiita zvenyika vaya vakazotumidzwa zita rokuti fambi. Imi munofambazve muchiuya Jerusarema nguva nenguva. Munofanira kuzviita zvokuti

21

kana venyika vachizviona vati maZion openga. Zvakanaka nguva dzose kuti kana mouya Jerusarema muuye nevamwe kwete kuuya moga.

70. ELDER ANOFANIRA KUZOINDA JERUSAREMA OZIVA ZVOSE ZVIRI MUNYIKA YAKE. Mwari unoti anzwa kudanidzira kweSodoma akati ndichaburuka zvino ndione izvo zvavaita (Genesis 18 vs. 19). Elder unofanira kuburuka kumaTabhera ake ose achiona zvavanoita kuti ndizvo zvinodiwa Jerusarema here kuitira kuti kana obvunzwa Jerusarema arege kuti izvi handizvizivi. Unofanira kuona zvakashata kana zviripo wozvigadzirisa vachiri kunyika yekwavo. Zvose nezvisina kukwana zvakwaniswa.

71. NGUVA YAKWANA YOKUTI MUZIVE VAKARURAMA NEVASINA KURURAMA (Maraki 3 vs. 15).

Imba yapera zvino yasvika nguva yokuti zvichibuda pachena avo vaishumira Mwari zvemazvirokwazvo nevaimubatira vaine utsotsi. Zvichatobuda pachena Mwari achizviratidza. Hazvibviri kuti avo vakanga vachibata sezvinoreva murairo vafananidzwe neavo vakanga vasingadi vachirwa nemurairo. Abrahama wakabvunza Mwari mubvunzo usina kumbobvunzwa nemunhu pasi pose. Achiti zvinoita here kuti vakarurama vavhenganiswe pamwe nevasina kururama (Genesis 18 vcs. 23 – 25). Hazvibviri kuti kana vakanga vasingabati pavanoitwa shuro vabatanidzwe nevakanga vasingabati . shuro dzose zvino dzichabuda pachena zvichionekwa kubva zvino.

72. MUNHU AKABEREKWA NAMWARI HAATI ZVIVI NOKUTI MBEU YAMWARI INOGARA MAARI (1 Johane 1 vs 9)

Munhu anonzi aberekwa naMwari anenge azvarwa patsva. Kunonzi kuzvarwa patsva kusiya mabasa akaipa awaizikanwa nawo woita zvinoda Mwari. Kuzvarwa patsva kwakasiyana nokuzvarwa namai vokubereka nokuti kuzvarwa namai ndiko kwakanzi kuzvarwa nembereko yezvivi. Uye kuzvarwa patsva hakusi kubhabhatidzwa nokuti umwe munhu akabhabhatidzwa asi muzvivi haabudi, nokuti haana kuzozvarwa patsva.

Asi Pauro anoti, munhu anoti handina zvivi murevi wenhema (1 Johane 1 vs. 8), nokuti vanhu vose vakatadza vakasasvika pakuhwinya (Varoma 3 vs. 23). Kureva kuti munhu wose akambotadza asi azvarwa patsva chero achiita zvivi zvinoitika by accident. Ukaona chivi chaunoita waita zvokuronga, kuti ndinoda kumbonomwa doro kana kuti ndoda kumbosvinuka ndizvo zvinotaridza kuti hausati wazvarwa patsva. Ukaona uri muZion anoti ini ndine chivi changu munongochiziva, zivai kuti haasati atendeuka uye mbeu yaMwari kureva shoko raMwari harisi maari.

73. MBEU ISHOKO RAMWARI (Ruka 8 vs. 11) Kana ukangonzwa pashoko rowedenga pachinzi mbeu panenge pachirehwa shoko rowedenga. Ndiro mbeu inoti ikagara mumunhu haaiti zvivi nokuti shoko rowedenga rinodzora munhu. Saka ivai neshoko rowedenga kuti mugogona kukunda zvivi.

22

74. MWARI HAAPO KUTITSVAKIRA MHOSVA ASI ANOTSVAKA KUTI TITENDEUKE. Mwari achitipa murairo wokufamba nawo hazvirevi kuti anotsvaka pkutibatira. Mwari akasiyana nevatongi vanongotsvaka mhosva pamunhu asi shungu dzaMwari ndedzokuti chero watadza utendeuke usiye tsika iyoyo yakaipa. Saka chero tichibata basa raMwari umwe noumwe ngaatendeuke asiye kuipa kwake. Zivai kuti Mwari anofarira kutendeuka kwedu ndikosaka achirega munhu achitadza asingamurovi ipapo, izvo anomirira kuti atendeuke.

75. ZIVAI DIVI RAMURI Munozviziva here kuti kune vamwe vanhu vanonamata Mwari weZion asi vari divi waElder wenyika yavo anotorwa neJerusarema? Umwewo anonamata asi ari divi ramufundisi zvokuti chero kukanzi toda vanhu Jerusarema, mufundisi akati hapana vanhu, hapana anoenda iye anotorega. Vamwe ndivo vanonamata vakazembera pavaporofita vomunyika mavo zvokuti chero muporofita iyeye akati ngatiite tsogoro iko kuine ungano munhu iyeye anotosiya ungano achiteerera muporofita.

Saka zvibvunze kuti zvaunonamata, uri kudivi raani? MuZion chaiye anotsvaka kuda kweJerusarema kwete kuramba achitevera Elder anorwa neJerusarema.

76. MUNHU ARI PRAYERLESS NDIYE ARI DEFENSELESS Munhu asnganamati haana chinomuvhikira uye haana chinomurwira chero pokuvanda haana. Ukaona uchinzi uri prayerless, hazvirevi kuti haunamati asi kuti unonamata munamato usina simba (defenseless). Zvino chinoita kuti usanzi uri prayerless, kunamata uchisvikawo panzvimbo tsvene patakanzi naMwari tishanyire (Deute 12 vs.5). Chero Mwari achiti kwirai Jerusarema munonamata mambo kuti munisirwe mvura (Zekaria 14 vs. 17), hazvirevi kuti kumisha kwedu hatinamati asi kuti munamato wemvura unoda kuti mumbosiya zvikomo zvokwenyu kuSamaria (Johane 4 vs. 20), munonamata defensive prayer muri paJerusarema.

Vose vasingadi kukwira Jerusarema vanonamata asi vanoita madefenseless prayer kureva munamato usingabetseri. Saka ukaona chero ukaona munamato wako usingapindurwi tsvaka kuti hazvidi here kuti umbosvika paJerusarema kuzotora simba (Psalms 84 vs. 7).

77. RESPONSIBILITIES OF A LEADER PAKEREKE. Munhu anonzi mutungamiriri munhu akaita sa:i. Elderii. Ministeriii. Chairmaniv. Headmasterv. Ruwadzano Teachervi. Masvohwani Teachervii. Sunday School teacherviii. Timotios and Dorcusesix. Vaporofita

23

Ndimi vanhu vanofanira:i. Kuva vaimbisi Ndimi munofanira kundogona kundoimbisa vanhu nziyo dzechikuru nedzomugidhi. Hatidi kuona munhu anoinda mberi kwevanhu asingagoni morari kureva mugidhi. Saka chero ari teacher weruwadzano kana wemasvohwani tsvagai ane morari kwete anofundumwarira vanhu.

ii. Kuva vasimbisi Ndimi munosimbisa murairo yose inobva Jerusarema nokukokera ungano dzose dzinodikwa vanhu, muchivaudza kuti kuenda Jerusarema ndiko kunoita kuti tinisirwe mvura naMwari (Zekaria 14 vs. 17).

iii. Kuva maAuditors Ndini vanhu vanofanira kuongorora mabhuku aMwari nezvipo zvake kuti zviri kupinda nomutoo wakatendeka here (2 Makoronike 3 vs. 10).

iv. Kuva vadudziri veTabakoni nemurairo waMwari Munhu anogara achimira mberi kwevanhu anofanira kugona kududzira tabakoni, kududzira tabakoni kwakasiyana nokududzira murairo, asi izvi zvose unofanira kuzvigona. Kana uchirira uri muporofita, chiporofita chako chinofanira kupinda mutabakoni. Chero uri teacher weruwadzano, masvohwani kana Sunday school, uteacher hwako ngahupinde mutabakoni.

v. Kusvunurira shoko raMwari Munhu wose ane basa pakereke anofanira kusvunurira shoko raMwari nokuti iye Mwari anosvunurura kuti shoko rake riitike (Jeremiah 1 vs. 12). Saka enda munosvunurura shoko rose nomurairo waMwari kuti zviitike.

78. CHENJERAI MUVENGI ANOKUSHA MBEU DZAKE VANHU VAVETE (Mateo 13 vs. 25) Jesu anoti kumukushi akanga akusha Mbeu dzake, muvengi ndokuzouya usiku akakusha mashawi muzviyo. Mbeu yairehwa ishoko raMwari (Ruka 8 vs. 11), muvengi ndiye munhu anoti shoko rowedenga rataurwa iye ozouya nemashoko ake anopesana neshoko raMwari. Saka ukaona chero munhu anoda kuita makuhwa newe wabva patabhera mutize kuti usazotorerwa shoko rowedenga.

79. KUREGE KUVA NOMUNHU ANOTI NDINOITA BASA ASI ZVICHIVHIRINGA PROGRAM DZAMWARI

Kune vadzidzisi, vamwewo vaporofita, vamwe vana mbuya nyamukuta vanobatira basa iri kudzimba dzavo vamwe vari kuchitatu, kuchishanu kusvondo, kupfigamwedzi kana kuungano. Raviro hadzifaniri kuitirwa kudzimba dzavanhu asi panzvimbo dzinozikanwa kuti dzinoitirwa raviro.

80. KUTAMBA MUGIDHI IRAVIRO YAZVOKWADI.

24

MuZion wose anofanira kutamba mugidhi ndiwo murairo. Iwo mugidhi pachawo iraviro inoporesa, kana ukatamba ziya rikabuda ukaramba uchitamba mweya yetsvina inobva yatiza. Muranda waMwari Samere akati kuvanhu jakukai, vakajakuka vakapora. Musaswera muc hiita zvegym muchitsvaka kugwinya, asi tambai mugidhi chete. Vamwe vanoimba pamugidhi kusvika inzwi ratswetera, ko iwe rako risingadarowo rakaita sei?

81. SHUVAI KURIRA. Vanhu vose ngavashive kurira. Kudzungudza pachako kunopawo kuti usimbe muviri, asi kurira chero usingaoni hako pasina chaunodudzira ikoko kurira kwakanaka (1 Vakorinte 14 vs. 3). Kurira kunosiyana, vamwe vanopiwa mweya wokungorira chete vasingadudziri.

82. MWARI ANOGONA KUCHINJA ROMBE KURI RIVEWO MUNHU PAVANHU (1 Samere 2 vs. 8)

Mwari anochinja munhu anga achizikanwa ari shuro, asina chinhu kumuitawo munhu pane vamwe vanhu. Takamuona achichinja upenyu hwevamwe vanhu vaiva shuro vatatu (1 Madzimambo 17 vs. 8), Eria aiva shuro zvokusvika pakushaiwa chikafu chokudya uye pachake aiva shuro yokutanga. Akanzi chiinda unoraramira Zerefati. Shuro yepiri ishirikadzi yeZerefati iyo yakanga yatarisana norufu nokuda kwekushaya , asi yakazoteerera shoko rayakaudzwa. Shuro yetatu muzukuru weshirikadzi, vose vanhu ava vakanga vatarisana norufu vachizikanwa nokushaya, Mwari akachinja upenyu hwavo vakava vanhu pavanhu. Kumbirai Mwari muchiti asakusiyai muri shuro paanochinja upenyu hwevamwe.

83. MUFUNDISI ANOFUDZA VANHU NEZIVO NENJERE ANOBVA AKAVERTA VANHU VAKE. Mudzidzisi anofudza vanhu nezivo nenjere kubva pana Elder, mufundisi nachairman anofanira kuuya kuungano yembeu akavheta vanhu vake vose. Kana muchivheta munovheta sezvazvinodiwa Jerusarema. Mudzidzisi umwe noumwe anofanira kuvhetwa kaviri:-i) Mabatiro ake Jerusarema kuti wakauya Jerusarema katatu sezvinodiwa nomurairo here.ii) Mabatiro ake kunyika kuti unouya here kusvondo , kuChitatu , kuChishanu nokupfigamwedzi.Kana achiuya kuungano dzeJerusarema anenge apasa ,asi kana asingauyi Kuzvitatu nezvishanu kunyika monyora kuti wafoira kunyika. Verting iyi inofanira kutanga pana elder kusvika kune wamavoko nokuzvitimotio. ChiTimotio chose chinofanira kuonekwa kuti chinoAuditor mabook here, asi chinofanira kuzviita paine mukuru wetabhera kwete kuita choga.

84.MUPOROFITA ASINA KUMBORIRA PANORIRA VAMWE VAPOROFITA ZVIKANYORWA PASI PAJERUSAREMA CHIMBWAMUPENGO

Muporofita wose paZion anofanira kuzoporofita abva kuchikoro chevaporofita, sezvakaita vana Sauro, akatanga ambondorira paboka revaporofita (1 Samuel 10 vs. 6). Saka chero uchirira, rira wambobva panorira vamwe. Muporofita chimbwamupengo anorira ari one man among the blind, achirira oga asina kubva kuchikoro chevaporofita. Chikoro chevaporofita chatinoreva ndiyo Ungano yevaporofita. Saka endai munobata vaporofita vose vanorira vasina

25

kubva pano paUngano yevaporofita, ndizvo zvimbwamupengo. Vabatei muvauyise Jerusarema, vaporofita vakadai vakaita sechizai chegondo.

85.ENDAI MUNDOPOROFITA KUTI VANHU VAPFUME, VAPORE, VAUYE KUNA MWARI UYE KUNOKOKERA VANHU VAUYE KUUNGANO.

Imi muri vaporofita vaMoses, kureva vaporofita vaSamere anova Nehemiah watinaye nhasi. Saka chiendai mundoporofita vanhu;

i. kuti vaite mari (vapfume), kureva kuti magodo aite nyama (Ezekiel 37 vs. 4). Mwari ndiye anoita kuti vanhu vaite varombo kana kuti vaite vapfumi (1 Samuel 2 vs. 6). Saka kana mukaona murombo muudzei zvinoita kuti apfume, ipa kuti ugopiwawo (Ruka 6 vs. 38).

ii. Kuti vapore, vanhu vanofanira kupiwa raviro dzekuti vapore nekuti Kristu ndiye akarohwa shamhu kuti tipore nemavanga ake tinoporeswa (Isaya 53 vs. 4). Saka kana mukaona munhu anorwara bvunzai Mwari kuti ko uyu anorwara sei iye Kristu akatakura matenda edu ose? (Isaya 53 vs. 4). Asi kuti munhu apore anofanira kugona kudura zvaakatadzira Mwari nekukanganwira vakamutadzira, kuti Mwari vamukanganwire kutadza kwake nekuti hakuna anopora asina kukanganwirwa naMwari.

iii. Kuti vauye kuna Mwari, kureva kuti maZion vaswededzei pedo naMwari vari kunze vapinde Zion (Isaya 2 vs. 3, Isaya 14 vs. 32).

iv. Endai mundokokera vanhu kuti vauye kuungano, sezvaiita vaporofita vana Zachariah vaiporofita vanhu kuti endai Jerusarema munonamata Mwari kuti munaisirwe mvura (Zachariah 14 vs. 17). Vana muporofita Joere vaikokera vanhu, kuti tsaurai zuva rekuzvinyima zvekudya, natsai ungano (Joere 2 vs. 15). Kana kuita sezvaiita vana muporofita Isaya vaiporofita vanhu kuti shoko richabva Jerusarema nemurairo uchabva Zion (Isaya 2 vs. 3).

86.DON’T PROPHECIZE FROM IMAGINATIONS Vaporofita musaona vanhu vakasviba, woti zvavasviba vanoroya, kana kungoti mukaona chembere yakwegudzwa naMwari moti inoroya. Porofitai zvamapiwa naMwari kwete zvamunoona, zvamunofunga kana zvamunonzwa.

87.MWARI ANOFARIRA MUNHU ANOTEERERA KUDARIKA MUNHU ANOGONA 1 Samuel 15 vs. 22).

Panyika ino munhu akatanga kugona ndiSatani, kuchizotevera nyoka. Asi nyoka ndiyo Satani. Asi zivai kuti, all ability as long as God is not concerned is nonsense, kureva kuti kugona kwose kusina Mwari hakuna maturo. Chero uchigona kuparidza, kutamba, kuridza ngoma, usafunga kuti anotodonhera masiriri kugona kwako, nekuti ndiye akakupa kugona ikoko.

26

Saka Mwari ndiye anotigonesa asi kuteerera kunobva kwauri ndiko kunonakidza Mwari. Saka chero ukagona kuparidza, kutamba chero kuita chii zvacho paZion, hazvibatsiri kana usingagoni kuteerera. Samere akatozoti, kuteerera kunokunda chibairo (1 Samuel 15 vs. 22). Nyaya yekuteerera ndiyo inokundikana vakadzi vose vamunoona vanogona pano paZion, asi vanozofoira pakuteerera murume, saka zvinobetserei kugona kuKereke usingagoni kuteerera murume wako.

88.MUDZIDZI HAAKUNDI MUDZIDZISI WAKE (Mateo 10 vs. 24) Chinoita kuti Mwari asafarire munhu anogona kungava kuparidza, kutamba ishoko rokuti ndiye akamudzidzisa. Teacher wechikoro (wechalk) haashamisiki nekugona kwemwana wechikoro nekuti ndiye akamudzidzisa. Ko zvino mwana wechikoro benzi anozvikudza nekugona kwake achifunga kuti teacher vanomudira kugona. Saka Mwari haafariri kugona kwedu asi kuteerera kwedu.

89.MUSABATA BASA RAMWARI MAKASVINURIRA MUBAIRO . Kana tichibata basa raMwari ngatisasvinurire reward (mubairo), asi ngatishande takasvinurira kuti basa ripere. Macompanies anobrocker nenyaya yekuti vashandi vacho vanenge vachishanda vakasvinurira salary kwete basa. Saka svinurirai basa, kuti muriite nekuripedza. Kristu unoti zvekudya zvangu kuita kuda kwewakandituma nokupedza basa (Johane 4 vs. 34).

90.MUSATAMBIRA MWARI MAKATARISA KUTI VANHU VANOTI KUDII ( 2 Samuel 6 vs. 16). Kana muchitambira Mwari, itai saDavid aitamba asingatarisi vanhu nekuti akatamba kusvika nhabwa yadonha (2 Samuel 6 vs. 16). Zvinoratidza kuti David aiitira Mwari nekuti dai aiitira vanhu aitoita careful kuti nhambwa isadonha pamberi pevanhu.

91.MUFUNDISI AKANGWARA ANOTARISAWO ZVINOITWA NEDZIMWE NYIKA Mufundisi akangwara anotarisa magonero anoita dzimwe nyika, onoshandisa system kana iri yekubatisa ondoitawo saizvozvo. Kana kutokwereta chairman kana muporofita kana vana mbuya nyamukuta vedzimwe nyika vachimubetsera. Chero uri chairman hautenderwi kuita zano ndoga unotogona kutogara zvako pasi uchishandisa umwe waunoona kuti ane chipo chekududzira vanhu murairo. Saka musadya machampions, mabudisei pachena mumashandise.

92. KUTSIVA NDEKWAMWARI (VaHeberu 10 vs. 30) MaZion munozviziva here kuti kana muchinge matadzirwa, kutsiva hakusi kwenyu, ndekwaMwari. Umwe angati handitsivi izvo haazivi kuti inzira zhinji dzatinotsiva nadzo kune vanenge vatitadzira. Matsivire atinoita ndeaya;

i. kusunga chisokana ukaona uchisungira munhu chiso uchangotadzirwa watotsiva nokuti wamuitira zvakaipa.

27

ii. kutsamwira munhu akutadzira kwenguva refuukaona uchitora nguva refu wakachatsamwira munhu akutadzira watotsiva. Nokuti Jehovha unoti, musavidza zuva makatsamwa (VaEfeso 4 vs. 26)

iii. kuti gumbo rangu harifi rakatsika pamusha paNgana, kutsiva ikoko.Ukaona wosvika paextend yokuti gumbo rangu hachafi, wapika mhiko yokutsiva, izvi zvinotodudzira kuti hapachina kana kukwazisana, saka watotsiva.

iv. Kumwe kutsiva kunyima munhu sadza chairo kana mvura yokumwav. Kuti kana waisimbosupporter munhu iyeye, hauchamusupport, kutsiva.

93.KUTI SIMBA RISAPERA, CHENGETEDZAI KUTENDEKA (1 Timotio 1 vs. 12) Simba richapuwa anoporofita nekudzungudza nereuElder rinongopiwa chinhu chimwe chekuti kutendeka. Kana wangokonewa kutendeka zvose zvauchaita uchazviita usina simba. Ndizvo zvamakapiwirwa simba basa Mwari aona kuti makatendeka. Vamwe varume vakada vakadzi vavo vangoona kutsvuka pameso vakatoti ndikokutendeka, zvino ikozvino vongochema. Vana vakatoita vakawanda chose, asi nemunhu asina kutendeka.

Saka kana ukabata basa raMwari usina kutendeka simba rinopera. Ndizvo zvatakaona pana Samson achibata basa raMwari asina kutendeka akakaruka awira mukadzi akanyengerwa nemukadzi waDelila, simba rikapera akaurawa nevaFiristia (Vatongi 16 vs. 20). Saka kuti simba risapera, chengetedzai kutendeka.

94.VAKADZI ZVIISEI PASI PEVARUME VENYU (1 Petro 3 vs. 1) Kristu unoti saizvozvo imi vakadzi ivai pasi pevarume venyu; kunyangwe kana vamwe vasingateereri shoko, vadzorwe nomufambire wavakadzi vavo pasine shoko rinorehwa, kana vachiona mufambire wenyu. Iro shoko rowedenga chairo rinotoda kurehwa nemunhu akatendeka. The moment yaunorasha kutendeka simba rotopera. Saka madzimai musambofa makaita mistake yekuzviisa pamusoro pevarume venyu. Mukada kuzviisa pamusoro pevarume venyu munenge moda kuva musoro pamusoro pemusoro.

Saka chero uri teacher weRuwadzano kana ruwadzano rwupi zvarwo, kutisimba risapera zviisei pasi pevarume venyu. Kuparidza kukuru kuzviisa pasi vanhu votendeuka nekuona kuzviisa pasi kwenyu. Chinotadzisa vazhinji kutendeuka kuona musoro pamusoro peumwe musoro muchiita masimuka tienzane nemurume mumba. Chero varume vane musoro wakaona vanodzorwa nekuzviisa pasi.

28

95.VAKADZI IVAI NEMUPFEKERO UNOYEMURIKA (1 Petro 3 vs.3). Vakadzi vazhinji vasiri vechiZion, vanofunga kuti vayemurike vanofanira kupfeka simbi muhuro nemunzeve. Asi chinoita kuti vakundwe nemadzimai edu kunaka nekushambidzika ndechekuti isu edu madzimai anopfeka pasina mazisimbi iwayo muhuru nepanzeve.

Rimwe zuva vasikana vanoisa pamberi pamambo wePersia, mambo achida kutsvaka mukadzi wekuroora. Vamwe vanhu vakaenda vakapfeka maear rings, nezvuma muhuro asi mambo akashara Estere angoona mapfekero (Estere 2 vs. 9). Iwo mangwere-ngwere anoisa pamombe kuti dzisarashira. Saka madzimai ivai nemupfekero uye mufambiro wakanaka nekuti actions speaks louder than words. Kana uri chimumumu ita action, vanhu vaone ku kuzvininipisa votendeuka.

96.PRODICAL SON WAS BROKE AND BROKEN (Ruka 15 vs. 19). Mwanakomana wekurashika akazoti apererwa nemari yose, zhara ikamuruma zvekusvika pakudya nenguruve nekurara padzaivata akazoti azvifunga (he come to his senses) akati kumba kwababa vangu kune zvekudya akatendeuka akanoti sorry baba ndakatadza. Saka chero ukaita murombo sei ukabata chete uchapfuma asi tinoda kuti vaporofita vatange ivo vapfuma vazonopfumisa vanhu.

97.THERE IS A VERY THIN LINE BETWEEN REVENGE AND PUNISHMENT. Munozviziva here kuti pane kamusiyano karipo pakutsiva (revenge) nekuranga (punish). Zvakafanana nokuti kana mwana wako akatadza haungamuregi achitadza usingamurangi uchiti nokuti zvakanzi musatsiva. Kurangwa kwomunhu atadza anofanirwa izvozvo senzira yekumudzora, hakuna kushata. Zvakatonyorwa mubhaibheri zvichinzi usarega kuranga mwana, nokuti ukamurova neshamhu, haangafi (Zvirevo 23 vs. 13).

98.NDIANI WATINOFANIRA KUFADZA KANA TASVIKA PATABHERA? Vanhu vazhinji vanotya kubata basa raMwari vachitya kuti pamwe ngana angazotsamwa. Angava Elder kana mumwe mukuru ari mberi kwake anenge akasunga. Vamwe vafundisi kana machairman nezviTimotio chaizvo vanenge vachiti pamwe Elder wedu haazvidi. Izvo chamusingazivi ndechokuti kana tasvika paTabhera yaMwari munhu wekutanga watinofanira kufadza kana kutya ndiMwari pachake.

Saka kana uri chairman usatya kubatisa vanhu mirairo uchiti pamwe ngana wangu ari mberi kwangu haangafari nazvo. Tapedza kufadza Mwari tinofanira kufadza vanhu vaJehovha vauya pamberi pake. Tinovafadza nekuvaparidzira uye nemorari. Tazopedza tofadza vawokeri kureva avo vatinoda kutendeusa. Saka pazvinhu zvose tinofanira kutanga kutsvaga zvoushe hwekumusoro (Mateo 6 vs. 33).

29

99.MADZIMAI MAZHINJI OGONA KUITA CHITATU CHEUNGANO PAJERUSAREMA. Ruwadzano mava kugona kufadza Mwari wenyu nekukurumidza kuuya kuzoitazoita Chitatu chevhiki yeungano. Kunyanya vemadhorobheni. Asi kwangosarawo vamwe vashoma vane vafudzi vasina hanya. Vanongouya kuungano pamwe chete nemadzimai avo. Saka madzimai (ruwadzano) gonai kuitira Chitatu chevhiki yeungano paJerusarema.

100. IPAI MA CHAMPIONS ANOGONA BASA RAMWARI MIKANA YOKUBATA BASA. Pane machairman mamwe akangwara, anopa mukana kune vane zvipo zvekududzira nekubatisa basa rotofamba, asi vamwe vanodya machampions, vachimatsikirira. Asi vamwe pakupedzisira hapana chinofamba voda kuita zvavo vachida kutsaudzira zvinenge zvataurwa Jerusarema kana muTabakoni. Saka imi zviTimotio endai mundovaudza pachena kuti mambo akakuudzai pachena isu tiripo – kureva kuti kundosimbisa zviri muTabakoni (2 Samuel 18 vs. 12). Nokuti tinoziva tose kuti hakuna chinovanzirwa mambo. Nyange tikazviita takavanda sei.

101. IPAI UNAZVO KUTI MUGOKOMBORERWA. Kana tichipa ngatipei anazvo, kuitira kuti ugokomborerwa. Kana ukapa street kid, wapa asina, saka unenge warikomborera iwe. Asi kana ukapa Mwari, wapa kune ane zvizhinji kuti agokuropafadza.

102. ANINANI ANORAMBA KUITA MURAIRO WAMAMBO NGAAKURUMIDZE KUPIWA MHAKA (Ezra 7 vs. 26).

Kana murairo ukatemwa, ukatongwa iwe ukaramba kuuita nokuubata unonzi ngakuitwe emergency mhosva, uye kuiswa mujere romweya wakaipa. Saka ngatiitei saDavid wakaita murairo waJehovha mufaro wake (Psalms 119 vs. 92).

104. FARAI KANA MAPIWA NGUVA YAKANAKISISA YOKURUMBIDZA MWARI Munozviza here kuti kana mukatenderwa kuita tabhera, svondo, chitatu kana chishanu mapiwa nguva yakanakisisa uye yakakosha nokuti vamwe vanga vachiida asi vaishaiwa. Vamwe vanga votoda kutanga, vakanzwa shoko rerufu vakatorega, vamwe vanga voitanga vakanzwa shoko rourwere vakatorega. Saka imi maiwana nguva iyi musaitambisa nokuti yakakosha.

Vamwe vakatambisa nguva iyi yokunamata vakazoidemba vorwara kuti dai zvangu ndainamata. Vamwe vakaitambisa vakazoidemba vafa kudenga kuti deno hangu ndainamata ndisingaitiri vanhu vaMwari zvakashata panyika (Ruka 16 vs.24).Vamwe vakatambisa nguva yokuwanikwa chaiyo vakazoidemba vatova neAIDS. Saka kana mapiwa nguva yakanakisisa yokuita chinhu chakanaka musaitambisa nokuti muchazoidemba mberi kunouya.

30

105. ITAI SAMUFUNDISI CHINHARA WAIDZDZISA MWANA WEMUNHU WOSE VaChinhara panguva yavo youfundisi vakanga vasingamiriri kungodzidzisa vana vavo voga asi vaitotsvaga mwana woga woga womuZion aipinda pachikoro chavaigara pedyo nacho chePamushana vachimudzidzisa kuti kana ukaita zvevasikana haupasi chikoro. Zvino vamwe vafundisi unonzwa vachiti ‘Ini ndinongogona wangu wandakabereka’ asi iye mufundisi wevanhu vose.

Umwewo ndiye anongongwarira kudzidzisa vana vevamwe asi vake ndivo vane misikanzwa paTabhera ipapo. Kana vana vake vakadzidziswa nevamwe oti, ini vangu havanzarwo (which is very wrong). Saka itai saVaChinhara vaingodzidzisa vose vavo nevasiri vavo.

106. VAKOMANA KANA MOROORA VAKADZI TSVAKAI VATSIGIRI KWETE ZVIGUMBUSO

Chinhu chinonyanya kusimbisa i. uElderii. ufundisiiii. uvhangeriiv. uDeacon,v. uchumairi, inyaya yeutsigiri hunobva kumudzimai wako.

Vazhinji vane mabasa aya havasi kushanda zvakanaka nokuda kwekupedzwa simba nevakadzi vavo. VaChinhara ufundisi hwavo neuElder hwavo hwakanyanya kusimbiwa nemukadzi wavo nokuti aivatsigira. Saka masvohwani ari kuwana mazuva ano kumbirai kuti Mwari akupei vakadzi vatsigiri kwete zvigumbuso.

107. MWARI ANOCHENGETA MUNHU ANOZVICHENGETAWO Hongu Mwari ndiye anotichengeta nokutipa makore okurarama panyika asi unonyanya kupa makore akawanda kumunhu anozvichengetawo, kunyanya yokusaita upfambi. Mukatarisa maElders akura zvikuru pano paKereke, mukanovabvunza kuti chii chakaita kuti vasvike pazera iri ravanaro munonzwa vachiti iva nemukadzi wako umwe wemumba, usaita vekunze. Ndizvo zvinoita kuti Mwari ati chokwadi munhu uyu ane shungu yekurarama, otokuchengeta kusvika wamera imvi.

108. MUNHU ASINGATYI AIDS NDIYE ANAYO Munhu ane chirwere cheAIDS mazuva ano aachaonekwi nekuonda kana mapundu kumeso kana kuyerera vhudzi, nokuti mushonga nemapiritsi azvo zvawanda. Asi kana uchida kuona kuti munhu uyu ane AIDS unongoona nekusaitya.Aids inobatamunu rwakawanda kana ukaramba uchihura ichitowedzera kubloomer.Munhu anenge ava neAIDS anenge ongotsvaka

31

bonde nemunhu wose-wose nokuti hapachina chaachatya. Saka maZion (watch out) kuvanhu vakadai.

109. VACHINHARA FINCH VAKAKONEWEKWA NANAMUNERI Elder Chinhara vaigara pedo nechikoro cheDutch ivo vachipinda Zion. Saka vana Muneri vaigara vachichinjana kuuya pamba pavo vachida kuti vaite Elder wechechi yavo vakavakonewa kusvika vafa. Vamwe vaitouya nezvinhu zvakaita senhumbi vachivapa iri nzira yokuti vade chechi yavo, asi ivo vaingoramba vachiti ini ndiri weZion yekwaMutendi.

Zvino mazuva ano vamwe votohedhuswa nokuda kwefufuro. Umwe muporofita anotonzi kana ukauya ukaporofita kuchechi kwedu tinokupa chakati, otoenda asingazivi kuti ototevera nzira yemakudo. Saka kopai kuna Elder Chinhara vakafa vachipinda Zion, vakaramba kuhedhuswa nezvisina maturo.

110. KANA NGUVA YEBASA RAMWARI YATANGA ITAI TOOLS DOWN Kana nguva yebasa raMwari yatanga chero wanga uri mumunda chero wanga uchiita basa ripi zvaro, chitosiya utange zvoUshe hwekumusoro (Mateo 6 vs. 33). Kana nguva yeChitatu yakwana chero wanga uri kumusika uchitengesa madomasi, chimbovhara musika wako umhanye kunonamata Mwari akakupa musika iwoyo uye waunoda kuti afambise business iroro.

Kana vhiki yeUngano yasvika, chero uri pabasa gara wakumbira kuvakuru vebasa rako kuti uuye kuna Mwari akakupa basa iroro. Nyangwe uri mbuya nyamukuta, kana nguva yekuUngano yakwana ita tools down uuye kuUngano kwaunoitwa empowered, kureva kuwedzerwa simba rokubata basa rako reumbuya nyamukuta. Kana uri muporofita kuTabhera kwako, Ungano yasvika chimbosiya zvekuporofita ikoko umhanye kuUngano kuti unotora chiporofita chitsva kumukuru wevaporofita.

111. VAKAROPAFADZWA VANOFIRA MUNASHE (Zaruro 14 vs. 13) Kana ukafa usinganamati wafanana nemunhu afira mudondo musina vanhu, unoshaiwa anokuviga. Vakaropafadzwa vanofa vachinamata nokuti vaunonamata navo vachakuviga uye vachadzokazve kuzokunyaradza, hauzovigwi sedhongi. Jobo ainamata neshamwari dzake, musi waawirwa nedambudziko rekurohwa nemaronda, shamwari dzake vana Erifasi vakauya kuzomunyaradza (Jobo 2 vs. 11). Jobo akanga angowirwa nedambudziko reurwere chete kwete rekufa asi shamwari dzake dzakamhanya kuzomudemba. Zvino zvavakamunyaradza asina kufa achingova nemaronda, chifungai kuti ko kuzoti afa.

32

112. VAFUNDISI HUYAI KUUNGANO YEMBEU MAPEDZA KUVHETA VANHU VENYU. Mufundisi akangwara unozouya kuungano yekupiwa mabasa atopedza kuvheta vanhu vake vanoda kupiwa mabasa atovapasisa kana kuvafoirisa kana vongouya kune vanoverter Jerusarema unenge wongopresenter zvawakatoita uchitit uyu takamufoirirsa nokuti haaonekwi kumapfigamwedzi kana kuti haabati. Ndiko kunonzi kungwara kwamufundisi. Munofanira kugona izvozvo nokuti ndimi munozovhunzwa pamusoro pavanhu murimizve vafudzi vemweya yavanhu (Vaheburu 13 vs. 17).

113. VAKADZIDZA VOSE MAKADYA MABHUKU HAZVICHANETSI KUTI MUCHENGETE BHUKU YOMURAIRO (Joshua 1 vs. 17).

MaZion mazhinji akaenda kuchikoro kureva kuti vakadya mabhuku. Saka kana makarava mabhuku akawandisa muchanetseka neiko kurava nokuchenegeta bhuku imwe yomurairo (Joshua 1 vs 8). Kureva shoko rowedenga kureva kuti ndimi munofanira kugara makadzidzisa vamwe chembere nemadhara muchivadzidzisa bhuku yomurairo. Muite saJoshua akarava bhuku yose yemurairo waifamba naMoses iri bhuku yezvakatemwa nezvakatongwa (Joshua 8 vs. 34).

114. GOOD SENTENCES ABOUT ZION Jehovha akavamba Zion (Isaya14 vs. 32), avamba Zion akarivaka (Psalms 102 vs. 16), iye anogara paZion (Psalms 132 vs. 13), uye anoda Zion, ane ngoni neZion (Psalms 102 vs. 16). Uye ane godo neZion (Zakaria 8 vs. 21). Zvino pane vamwe vanhu vakavamba matabhera, asi havasi kumavaka, havagaripo patabhera pacho. Umwe anopinda Zion asi haana ngoni neZion racho, haana hanya nezvinoitwa paZion pacho. Haana godo neZion chero akanzwa vanhu vachinyofura Zion, haana zvaanoita. Saka une shoko ripi neZion? Ugoona vazhinji kwose kwavanoenda, kungava:

i. Kunezve careii. Kune zvemisangano yasabhukuiii. Kumisangano iv. Kuclubv. Kumisangano yakasiyana siyana

vanondogara pasi. Vamwe vakatozonzi vanaMukotami nokuda kwekungokotamiswa pose pavasvika, zvino pano paZion munopiwa pokugara, wapedza kupiwa pokugara woshanja, wova stubborn, chero ukanzi shanda, haudi, ukanzi huya haudi.

115. SABHUKU ANOSVODA KUSHAIKWA PARUFU, ASI MAMINISTER EZION ANOSHAIKWA PARUFU.

Rufu murairo waMwari, uye chinonzi chiZion kuvigana nokutakurirana mitoro. Basa raElder, minister kana mudeacon rinosanganisira kuviga vanhu. Zvino tinotoshamiswa, kana mufundisi weZion achishaikwa parufu kana kushaikwa paungano, muchikundwa nevanhu vekunyika vanoziva kuvigana.

33

116. MWEYA WA1913 HAUNETI, HAUZORORI (Isaya 62 vs. 1). Ukaona uri mudzidzisi kana muporofita, anoti kana achibata basa anoti, ndaneta kubikira vanhu raviro, kana kuti ndaneta kuporofita vanhu zivai kuti haashandi nemwaya wa1913, nokuti mweya wa1913 hauneti kana kuzorora. Ndiwo wakafambisa Muranda waMwari Samere kuinda Joni netsoka, ndiwo wakamupasurisa masango.

117. MURANDA WAMWARI MAKES INSTRUCTIONS HAPPEN. Kana mapiwa mainstructions hazvina kunzi chiindai mundoita pass on the instructions,kureva kundotuma umwe, asi kuti go and make the instructions happen. Zvino imi munoda kungopfuudza zvose, izvo basa renyu ndere kuona kuti zvanzi zviitwe zvaitika, uye maitikire acho ndeekutotanga iwe kuzviita, zvinhu zvotofamba. Kana manzi batai wototanga kubata iwe. Saka kana uchibata basa raMwari, make instructions happen.

118. USANYARARA KANA HAMA YAKO ICHIITA ZVAKAIPA (Jakobho 5 vs. 19). Ani nani unonyararira hama yake kana ichiita zvakaipa, unoroya. Kana vanhu vanzi batai, shandai, rimai kana kuti itai mhindu, ndizvo zvamatumwa kuti mundovadzidzisa imi mosvika monyarara, ndiko kunonzi kuroya ikoko.

119. KUNAMATA KUNE NZIRA DZAKWANDA. Kunamata kune nzira dzakawanda, pamwe unonamata:

i. Uchibatira Mwari (Mapisarema 50 vs. 14, 50 vs. 23). ii. Nekuisa zvegumi kuimba yaMwari (Maraki 3 vs. 10, Makoronike 31 vs. 10).iii. Nekubaira (Genesis 22 vs. 2).iv. Uchigwadama.v. Uchiita basa, uchitoti apa wakazira uku uchitoita basa.

Zvakaita sekuti muri paJerusarema, mune muziro hamungamiri basa ramunofanira kuita, asi Mwari unotonyanya kufarira muziro unobatwa munhu ari pabasa rake.

120. JEHOVHA HAANGAITI CHINHU ASINA KUMBOZIVISA VARANDA VAKE VAPOROFITA, ZVAKAVANZIKA (Amos 3 vs. 7).

Hapana chinhu chinoitwa naMwari asina kumbozivisa vaporofita vake:i. Elder.ii. Minister.iii. Muvhangeri.iv. Chairman.

Ndimi munofanira kutanga kutora muTabakoni zvinenge zvabva kumuporofita muchizvisa kuvanhu. Sekuti vanhu vanzi vabvise chegumi, vauye kuungano. Saka kana imi mukazorega kuzivisa vanhu zvinodiwa naMwari, vanhu vakazopinda mudanger, mhosva yava yako. Vanhu vazhinji vanopinda mutsaona asi Mwari anenge akuzivisai vaporofita kare, kana Mwari

34

achikuratidzai danger ari kuti budirai kure, saka pachibuda raviro dzekuita, kana mukarega mamboudzwa mukazowana chinokuwanai yava yenyu.

121. VAPOROFITA NEVADZIDZISI NDIMI NHARIRIRE (Ezekiel 33 vs. 6). Munhu wose ane basa pakereke yeZion inharirire. Basa renyu nderokuzivisa vanhu danger inouya nekuvapa raviro dzekunzvenga nadzo rufu, kana dambudziko. MaElder, vaporofita muri maelectrician, paTabhera, kana panyika paita manyongori zvotoda imi Elder kuti mudzake mumene mundogadzirisa manyongori iwayo. Nekuti Tabhera yeSodoma neGomora yashata Mwari akadzaka omene (Genesis 18 vs. 20). MaElders, vafundisi, vavhangeri paridzai, vaimbi imbai, vatambi tambai, mose muri nharirire. Saka ukatarira munhu asingabati, iwe ukanyarara munhu iyeye anondotsva nezvake, asi iwe wanyarara unondotsvirawo kunyarara nekuti Mwari unoti ropa remunhu iyeye ndicharibvunza mumaoko enharirire (Ezekiel 33 vs. 6). Saka imi makaitwa nharirire musandovata, endai mundodzidzisa zvose zvamanzi mundodzidzisa. Uye musavanza zvose zvinoitika kunyika dzenyu nekuti muPrista unozvida chero zviri zvivi, musazvivanze nekuti hamusi imi munosuka zvivi.

122. KANA NZIRA DZOMUNHU DZICHIFADZA JEHOVHA UNOMUYANANISIRA NAMAPFUMO AKE (Zvirevo 16 vs. 7).

Munamato wedu paZion ndewekuti vavengi veZion vave pasi, asi shungu dzedu ndedzekuti kana Mwari achifara nesu neimba yatakamuvakira, ngaatiyananise nevavengi vedu. Tinoda kuti Mwari ashandure moyo yevavengi veZion kuti vafarire murairo waJehovha, uve mufaro wavo (Mapisarema 119 vs. 92). Moyo yavo ngaishandurwe ichidokwairira Jerusarema nemirairo yose. Tinoda kuti chiso chomunhu kana murairo worehwa asununguke tichiva pamwe.

123. USAZVIFADZA UCHITI UROYI NDICHINAHWO KANA WAPINDA ZION. Varoyi vazhinji vakapinda Zion vanofunga kuti uroyi vachinahwo izvo hwakatochipiswa namachipisa uroyi. Vaudzei kuti chiregai kubuda mudzimba nokuti hazvichashandi. Samson chaiye wakafunga kuti kana VaFiristia vauya ndichabuda senguva dzose, izvo haana kuziva kuti Mwari abva kwaari (VaTongi 16 vs. 20). Saka uroyi chitsvetai nokuti hwakachepeswa namachipisa uroyi.

124. IMBA YANGU ICHANZI IMBA YOKUNAMATIRA (Mateo 21 vs. 13). Kristu unoti imba yababa vangu ichanzi imba yokunamatira. Nehemiah unoti Tabhera dzangu dzichava dzokunamata. Kwete kuita basa rekuita gumbwa gumbwa nekutsvaka mashoko nenyaya dzisina basa muchisiya kuita the main issue yekunamata. You are not commissioners

35

of inquiries but you have been commission to go and preach the word of God (Mateo 28 vs. 19).

125. ANOVENGA HAMA YAKE MUURAYI (1 Johane 3 vs. 15). Kuvenga vanhu vanovengana zvavo, asi anozovengawo hama yake muurayi, ruvengo runoitwa nomunhu asati aziva Mwari ruri nane pamunhu anoti ndinonamata achivenga hama yake. Ikoko ndiko kunonzi kuroya chaiko. Love one another kuti kana Mwari akazotuma umwe neraviro yako usarega kuiita uchiti yauya neanokuroya.

126. MAMWE MAELDERS NEMAMINISTERS MA NAPKIN, MA TOILETS KANA MAPUMPERS.

Napkin, pumper neblair toilets zvinhu zvinochengeta svina. Madzimai mazhinji ane tsika yokuviga svina mumanapkin. Ndizvo zvakaita amwe maElder nevadzidzisi vanodurirwa zvinhu zvikuru asi vachigara nazvo vasingazvisvitsi kumuPrista. Iko kuviga zvinhu zvakaora, ndiko kuva manapkin, zvino kuva handkerchief kuri nane nokuti inopukutiswa ziya chero pavanhu. Saka kana ukaona usingasvitsi zvinhu kumuPrista unenge uchizviita iwe muPrista mukuru.

127. IVAI MACOMMISSION OF GOSPEL KWETE COMMISSION OF INQUIRY. Isu tinotumwa kundoparidza shoko raMwari (Mateo 28 vs. 19), kwete kufamba uchiita gumbwa gumbwa (fault finding). Kutsvaka kuti uyu ngana azoroiwa nani? Kana ukafamba uchiita zvokutsvaka zvakaipa ndipo pakuzoti zvawanzwa wochenjeta, izvo zvichifanira kukwira kumusoro.

128. IKOZVINO KUNE VANHU VONONGOTUMWA NAMWARI IVO VASINGATENDI. Mwari anotuma vanhu chero vasingatendi saThomas, ndivo vanozonzi vachazviona asi havangazvidyi. Thomas akanga asingatendi, nokudaro haana shoko raakafamba achiparidza, uye haana kana bhuku imwe yaakanyora. Kureva kuti akanga asingatendi zvose zvairehwa nokuitwa naKristu, saka aiti ini handidi zvangu zvokufamba ndichirevera vanhu nhema.

Chakakonesa Thomas kuparidza ishoko rokusatenda. Zvino vanoparidza nhasi vanongotaura chero nezvavasingatendi, saka muchiona zvavanoparidza zvisingaitiki kwavari. Shoko rinoti maZion yava nguva yokuti muropafadzwe, vose vasingatendi chero vakafamba vachizvitaura ivo vasingazvitendi hazviitiki kwavari.

129. KANA MUNE KUTENDA MUCHATI KUGOMO IBVA APA UENDE APA ZVICHIITIKA (Mateo 21 vs. 21).

36

Shoko rowedenga kana richiti, muchati kumakomo ibvai, achibva, makomo anorehwa haazi awa atinoziva nokuona, asi kunorehwa nhamo dzinoita semakomo. Nhamo dzedzinza (generational cursings), vamwe vakazofunga kuti kwairehwa makomo atinogara tichiona. Nhamo dzemadzinza kunyangwe dzichiita sedzakomba, kana muchitenda muchadziti, ibva muzita raJesu dzichibva. Munozviita zvichiitika, kana mukazviita muzita raMwari waEnginasi, Samere naNehemiah musingaiti sevafarisei vanongodana zita raJesu pasina.

130. MUDZIMAI HAAWANIRWI KUNGOWADZA. Pane danger kuwana mukadzi iye mumusoro make achingofunga kuti awanirwa kuwadza. Saka vasikana musangofunga kuti munowanirwa zvokuwadza asi kuti munowanirwa kubatawo badza. Muranda waMwari Samere aidzidzisa vanasikana vake kuti endai munozviisa pasi pevarume venyu, munoita ushamwari negwenzi (kunamata), uye munoita ushamwari nebadza, ndizvo zvinoita kuti mugogara zvakanaka pavarume venyu.

131. MUPRISTA OGA NDIYE ANOTENDERWA KUITA ZVAAFUNGA NEZVIBATWA ZVASARA PAIMBA YAMWARI (Ezra 7 vs. 18).

Ikozvino kereke yasvika pakuti kana yaona zvibatwa zvaunganidzwa kuti zvishande paimba yaMwari zvikashanda, pakawana zvinenge zvasara, muPrista oga ndiye anotenderwa kuona zvaangaita nazvo. Kana pasara masaga matatu echibage, muPrista ndiye achaona kuti zvopiwa ani kana kuti zvoinda kupi. Kereke yosvika pakuti tichibata semadonor.

132. YASVIKA NGUVA YOKUTI MWARI ANZWIRE ZION NGONI (Psalms 102 vs. 13). David anoti; imi muchasimuka mukanzwira Zion ngoni, nokuti yavapo ndiyo nguva yokurinzwira tsitsi, zvirokwazvo nguva yakatarwa yasvika (Psalms 102 vs. 13). MaZion time is up,kuti Mwari achitinzwira tsitsi. Nguva yose iyi tanga takamirira kuti Mwari aite kuda kwake, zvino time is up, we have to remind Mwari kuti nguva iya yazosvika nokuti imba tatopedza, saka maZion tinofanira kuti tichiropafadzwa.

Mwari aimbosvoda kutiitira favour , asi ikozvino toda kunamata kuti Mwari chiregai kusvoda kutiitira favour. Tinoda kunamata kuti Mwari chizviratidzai pachena. Saka pose pamunonamata yeuchidzai Mwari, nokuti nguva yokuti achitinzwira tsitsi (ngoni)yasvika.

133. NGAVANYADZISWE VADZOSERWE SHURE; IVO VOSE VANOVENGA ZION (Psalms 129 vs. 5).

Nguva yakwana yokuti vose vanovenga Zion vachinyadziswa uye vadzoserwe sure, kunyanya iwo maZion anosunga zvibadge. Ko munhu anosvava sei, anosauka sei iye achipinda Zion, izvo

37

hakuzi kuti munovenga murairo asi kuti munenge muchivenga Zion, vose vanovenga murairo inorehwa vanenge vachivenga Zion. Kana ari David unoti dai murairo wenyu usakava mufaro wangu ndingadai ndakaparara nedambudziko rakandiwira (Mapisarema 119 vs. 92). Saka dai David asina kufarira murairo waMwari angadai akaparara nedambudziko rake. Zvamunoona nyika dzose dzakaita saana America, Britain, Canada neAustralia dzichivenga Zimbabwe haisi nyaya yokuti dzinovenga mastreets nemakomo emo, asi dzinovenga murairo weZimbabwe wokuti ivhu kuvanhu.

Zvino munhu anovenga Zion, munhu anoti kana mirairo yorehwa iye oivenga, izvo hakusi kuvenga Zion asi kuvenga murairo weZion. Vose vanopinda Zion vanofanira kunakirwa nemirairo. Saka vose vanovenga Zion vachasvava, asi vanovenga Zion kureva murairo especially vachipinda Zion vachanyanya kusahuka.

134. DON’T WITHHOLD YOUR BLESSINGS FROM GOD/DON’T DELAY GOD TO BLESS YOU.

MaZion munozviziva here kuti ndimi muri kunonosa ropafadzo dzenyu nokusava ready (kugadzirira). Saka handei tinotaridza kuti takura, taridzai kuti:

i. Mwari akakupai fuma nokubvisa zvegumiii. Hamuzovengi vanhu here?

iii. Munozopa nherera here?iv. Munozoramba muchinamata here?v. Munozoenda Jerusarema here?

vi. Uye kuti kana mapuwa mari hamuzoendi kumahure nemari yacho here?vii. Hamuzoendi kumabhawa nemari yacho here?

viii. Hamuzoendi kunosvinuka nemari yacho here?Once Mwari angoona kuti hauzozvigoni anotoita withhold your blessing or delay. Munozviziva here kuti zuva nezuva Mwari anotuma vatumwa neropafadzo? Kana vakawana musati mava ready vanodzokera nadzo. Saka musazvinonosa kuropafadzwa nokuda kwekunonoka kugadzirira.

135. KUSHANDA KUNODA MWEYA WAMWARI. Kushanda kwose kunoda mweya waMwari. Chero uchida kuona kuti munhu uyu ane mweya waMwari chero asingariri, unongomuona nokutendeusa vanhu. Ikozvino kana munhu atendeuka tinoda kuziva munhu amutendeusa uye vanhu ivavo tinofanira kuva saluter.

136. JORODHANI RINOVHURWA NORUDO.

38

Chinhu chinovhara jorodhani, kushaya rudo. Kana mukangova norudo muchaona vanhu vachingouya voga kukereke.

137. CHIPOROFITA CHIKURU. Vanhu vazhinji vanofunga kuti kuporofita kungorira bedzi, izvo ukaona uchigona kutinhira munhu Jerusarema ndiko kunonzi kuporofita kukuru.

138. MUPOROFITA NDI ELECTRICIAN. Ibasa remuporofita kuona patsva fuse achigadzirisa. Ukaona Elder wako atsva fuse, kureva kuti asingachaiti sezvinodiwa neJerusarema, ibasa remuporofita kumuudza kuti Jehovha unoti gadzirisai pamakawa, nekuti vamwe vaporofita vanosiya maElder. Ukaona muporofita unosiya Elder munyonganisi muporofita anofanira kutumira munhu kuna Elder, kana Elder akatsva fuse gadzirisa.

139. MOSES AIDA KUTI VANHU VOSE VAPOROFITE ASI MWARI AKARAMBA (Numeri 11 vs. 29).

Chishuwo chaMoses ndechekuti munhu wose aporofite (Numeri 11 vs. 29). Asi Mwari akati munhu wose haangadzungudzi, asi Mwari akadurura zvemweya wake pamusoro penyama yose (Mabasa 2 vs. 17). Kwete kuti tose tidzungudze, asi ukaona uri chirema chekusagona kutamba, kuimba kana kubvumira une dhimoni.

140. MUPOROFITA WENHEMA HAANA MUNHU WAANOTENDEUSA, ACHIUYA NAYE JERUSAREMA.

Izvozvi kana tichichinja tsamba youporofita, tinoda kuziva kuti wakatendeusa vanhu vangani. Ndiyo nyaya yaiitwa naSamere paMutarara, munhu aizopuwa tsamba anoonekwa kuti anorira zvinoitika kureva kuti aigona kutendeusa vanhu, kutora vanhu kunze uchivaita maZion. Vari muno muZion uchivavharira kuti vasabude Zion nekuvasimbisa. Asi chinangwa chikuru chekuporofita kuti mutore vanhu kunze muchivapidza Zion kana vapinda Zion chivaudzai kuti kune Jerusarema kwete kungotendeusa vanhu vasingatsiki Jerusarema.

Itai sechiporofita chaMajuta chaitendeusa mabig shefu chichivapinza Zion nekuvazivisa Jerusarema. Zvino vamwe vaporofita vava maoff-layers vakambozikanwa kare vachiporofita zvinoitika nekutendeusa vanhu asi izvozvi angova mazuru akapinda nyoka. Zivisai vanhu Kristu wedu waEnginas Samere naNehemiah, itai chiporofita sechaJohane chaitendeusa nekubhabhatidza vanhu zvekuti aive otogara kurenje kusvika afa uye endai mundodzosa vakadzokera shure.

39

141. KURIMA NDIKO KWOGA KUNOFUMISA (Genesis 26 vs. 12). MaZion zivai kuti hakuna imwezve nzira inofumisa munhu kunze kwekurima. Kurima ndiko kwakaropafadzisa Isaka, wakadzvara zviyo munyika iyo akawana gore iroro rune zana, Jehovha akamuropafadza (Genesis 26 vs. 12). Isaka akava mukuru, akaramba achiwedzerwa kusvika ava mukuru kwazvo (Genesis 26 vs.13). Wakanga ava nefuma yamakwai, neyemombe nemhuru huru, vavengi (VaFiristia)vakadzivira matsime ose e-irrigation akanga acherwa naAbrahama, Abimereki akadzinga Isaka kuti watipfuura kwazvo nesimba (Genesis 26 vs. 15).

Saka zivai kuti fuma yose iri muvhu. Venyika vakatozoti ivhu iri ramunoona ndiro rinonzi Zimbabwe. Zvose zvinowanikwa muvhu, motokari, mombe, makwai, ndege chaidzo dzinobva mukurima (muvhu). Saka mukanorima muchakohwa bvisai chegumi chazvose zvamarima. Ringava donje, chibage, nyimo, nzungu ndiko kuti muropafadzwe. Asi mukarima mukasabata chegumi hamuna chamunobudisa. Kana muchida kuzviona makarima kangani asi hamuna chinhu, machena bvudzi nekurima asi muri shuro. Asi kana morima izvozvi chibatai chegumi, muchatenga mota, mombe chero ndege uye vamugere navo vachakugodorai vachiti mune zvikwambo, imi vaudzei kuti iropafadzo yaMwari.

Vanhu vachasvika pakuda kukudzingai vachiti ibvai kwatiri munotikurira nesimba (Genesis 26 vs. 15), simba kureva fuma. Saka musatamba nevhu, nekuti chero mari chaiyo inobva muvhu, simbi dzinogadzira mota dzinobva muvhu. Hembe dzatinopfeka dzinobva muvhu. Asi ukarima zvinoda kuti Mwari akuropafadze kureva kubata chegumi, ukasabata chegumi unorima pasina. Iro shoko rokuti kurima kana kuti rima ukarishandura rinoreva kuti mari. Zvichireva mukurima ndimo mune mari

142. JEHOVHA UNODA MASUWO EZION KUPFUURA POSE PANOGARA JACOB (Mapisarema 87 vs. 2).

Anonzi masuwo eZion iJerusarema, Jehovha unoda Jerusarema kupfuura pose panogara Jacob (Mapisarema 87 vs. 2). Zvino pane vamwe vanopinda Zion asi havadi kuuya Jerusarema zvekuti zhira dzeJerusarema dzinotoshuva kutsikwa netsoka dzavo, zhira dzeJerusarema dzinochema nekuti hakuna kana umwe akaendako (Mariro aJeremiah 1 vs. 5). Saka farirai kuuya Jerusarema nekuti zuva rimwe pavazhe dzaJehovha rinopfuura ane churu pakunaka. (Mapisarema 84 vs. 10).

143. RURIMI RUNESIMBA PAMUSORO PERUFU NEUPENYU (Mapisarema 18 vs. 21). Kana zvichinzi rurimi rune simba pamusoro peupenyu nerufu kureva kuti imi maElder endai munodzinga varoyi, nezvidhoma, nemadhimoni nezita raJesu, asi Jesu wedu ndowaEnginas naSamere naNehemiah. Ukangoraira nezita raJesu wedu, satani nemadhimoni ake zvinofa.

40

KuMozambique takaona nyoka 400 nemazai adzo zvichifa neshoko, nemvura yedu machipisa uroyi, netsvimbo dzedu. Saka endai mundodzinga mweya yakaipa, kuti ibva munhu ave mupenyu.

144. IT’S NOW TIME TO DISPOSSESS (DISARM) WEALTH FROM THE POWERFUL OR AND MIGHTIER NATIONS (Deuteronomio 9 vs. 1)

Yasvika nguva yekuti tichindotora fuma ine vaEgypita ichipinda mumaZion. Musaite zvekunopamba asi endai mundorima, marima mukabata chegumi, Mwari uchakuropafadzai (Genesis 26 vs. 12). Muchaona kuti muchava nemombe dzavainadzo nekudya zvavanodya nemota, nemabusiness avainavo. Zvose izvozvo zvichava zvenyu nekuti vachakutengeserai. Ndiyo nyaya yainzi naMoses inzwa iwe Israeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde munyika kundopiwa ndudzi dzinopfuura pavakuru nesimba, dzive dzako (Deuteronomio 9 vs. 1).

Saka nyika yose ichazviziva kuti maZion afuma, muchavakurira nesimba zvinhu zvose zvava zvenyu. Chero vedzimwe kereke muchavatorera vanhu neku:

i. Rima nesimba.ii. Paridza nesimbaiii. Porofita nesimba.

Chichaita kuti vanhu vatize vachiuya paZion kuona green grass kureva kuti munenge muchifudzira vanhu pashoko rowedenga. Vanhu vose vachaona kufuma kwenyu, nekuti vose vachaona kufuma kwenyu. Muchavakurira nesimba vachiti maZion mune zvikwambo asi iri ropafadzo yaMwari.

145. STEPS AND STOPS OF A RIGHTEOUS MAN ARE ORDERED BY GOD (Mapisarema 37 vs. 25) .

MuZion chaiye mafambire ake ose, uye tsika dzake dzose dzinotungamirirwa naMwari. Munhu uyu zvakashata zvake zvinomiswa naMwari achitomira ipapo. Kana ukanzi stop kuvengana namudzidzisi wepaTabhera pako wotomira usina kumbotsvaka kuti pfungwa dzako nemoyo wako unoti kudini chero munhu uyu akakutadzira zvikuru, kana Mwari angokuti stop wotorega kumuvenga wotomufarira. Kana pane zvinhu zvawakaita ukanzi stop uchifanira kuzviita ukanzi naMwari zviite unofanira kuzviita. Chero iwe mufungwa mako uchiona sezvinokuvengesa, iwe zviite iye Mwari ndiye uchakurwira.

146. KANA URI PADAMBUDZIKO MWARI ANOKUTUMIRA ZVIKEPE ZVINOKUVAMBUSA.

Mumwe murume akanga apinda padambudziko achida kuyambuka rwizi rukuru zvino mvura yakawanda yaida kuuya ipapo. Murume uyu wakadana Mwari kudenga akati ndakakumirirai

41

kuti munditore ndiyambuke rwizi. Saka pakauya chikepe chokutanga vene vechikepe vakati shamwari hende iye akati ndakamirira Mwari kuti anditore varume vaya vakaenda, zvimwe zvikepe zviviri zvikauya achiti ndakamirira Mwari.

Muchinda uyu akafa nemvura achingovapo. Afa ava kudenga akapopotera Mwari achiti makakona nei kuuya kuzonditora, Mwari akati ndakauya wani katatu kwauri ndiine zvikepe ndikati pinda iwe ukaramba. Zvino munozviziva here kuti kana uri padambudziko Mwari une tsika yokungotuma chero munhu waatuma. Chero waunovengana naye chaiye, saka ukasatenda batsiro yemunhu iyeye unongofa nedambudziko rako. Zvakanaka ndezvekuti mungova nerugare nemunhu wose (VaHeberu 12 vs. 14), kuti aninani wangotumwa naMwari wava padambudziko umugashire urarame.

34.BASA RAMWARI RINODA VANHU VANOITA SEVAVHIMI VANOPANANA MAIDEAS. Pabasa raMwari tine zvakawanda zvatinofanira kuita tichishare nevamwe, especially zvatakakoniwa kuita e.g. sekutendeusa vanhu. Unofanira kuzoudzawo vamwe kuti ndine munhu wandaida kutendeusa ndika mukoniwa. Vamwe vanokupa mazano ekuti unodai kuti umutendeuse. Sezvinoita muvhimi kana akatadza kubata mhuka anouya kune vamwe vake ovaudza kuti ndanzvengwa, ivo vomuudza kuti dai wadai waibata. Saka nesuwo ngatiite tsika iyoyp yeku share maideas kuti basa raMwari rifambe.

35. MASVOHWANI ENDAI MUNOTENDEUSA VEZERA RENYUMasvohwani (go and set up road blocks) kuita road block kuita migidhi. Mukaita migidhi munenge mateya kubata vamwe vezera renyu nokuti pamigidhi munoridza ngoma nekuimba muchitamba. Zvino mangodaro chete munoona masvohwani achiuya.

36.MAZION IVAI NERUDO KUREVA KUTI DANANAI Kana tikapinda Zion tisingadanani hatiwani denga. Pano paZion Samere akamboisa murairo wekutsvodana kuti kana vanhu vasvika pakereke vatsvodane kuratidzana rudo. Murairo uyu wazomiswa vanhu vodura chivi chokudya vanhu, Samere akati chiregai zvekutsvodana asi rambai muchidanana. Jesu anodzidzisa vanhu rudo kuti ida wokwako sezvaunozvida iwe (Marko 12 vs. 30). Zvekuti pano paZion tinototi dai taita katikasi yekudzidzisa vanhu vanoda kutendeuka tichibvunza kuti zvawati unoda kutendeuka rudo unozorugona here. Nekuti kupinda Zion kunoda munhu anogona rudo. Irwo rudo pacharwo runovhura jorodhani.

37.KANA TICHISHANDIRA NYASHA TICHAITIRWAWO NYASHA Kana tichishanda basa pano paJerusarema tinenge tichishandira nyasha. Chinonzi kushandira nyasha kushandira vanhu kuti vadye e.g. stranger - mufambi nenzira watisinei naye, nherera nechirikadzi. Dzimwe chirikadzi tinogara nadzo kumisha yedu tikadzibetsera kurima kana nechikafu tinenge tashandira nyasha. Zvino hakuna munhu unoshandira nyasha asingaitirwiwo nyasha naMwari.

42

38.GOD ADMIRES OBEDIENCE MORE THAN ABILITY Kugona chinhu hakuna kushata, asi ukagona usingateereri hazvikupi chinhu kubva kunaMwari. Mwari unonyanya kuda munhu anoteerera kudarika munhu anogona chinhu. Kana ukaita chinhu ukachigona iwe usina kupiwa instruction yekuti uchiite hapana zvaunenge waita. Chero Samere akati kuna Sauro, ko Jehovha ungafarira kugona kwawaita kubaira kukunda inzwi rake here? (1 Samere 15 vs. 22). Kureva kti Mwari haatapirirwi nemunhu anogona asingateereri. Umwe elder unogona kuti ini ndinogona kuwisa mademon nekutendeusa vanhu asi iye Jerusarema haaendi, saka mweya unokugonesa ndewaani iwe usingateereri shoko rekuenda Jerusarema? Saka kugona kunonyanya kufadza Mwari kana wazogonawo kuteerera.

39.ELDER ANOTI MUNHU AREDZVA ACHICHEMA NHAMO YAKE HAANA MWEYA WAMWARI.

Maelders munganzwa seiko tsitsi nevanhu vamunofudza imi musina kuwana nguva yokunzwa nhamo dzavo. Munofanira kudzidza kuita anonzi matestimonies. Chinonzi testimony inguva yaunopa kuvanhu uchinzwa zvinovashupa nokuvatambudza. Kana muchida kuona kuti elder uyu une mhepo unonzwa achiti, ini handidi vanhu vanoredzva nhamo dzavo. Uyu haana mweya waMwari asi ane mhepo. Izvo basa remaelders ndere kurwadziwa nedambudziko remunhu, kana ukarwadziwa pamwe chete naye ndiko kuti uzogona kumuchemera nhamo kuna Mwari kuti agodavirwa. Saka maelders gonai kupa vanhu nguva yokuchema nhamo dzavo muchiita matestimonies. Chenjerai maelders kundotsvira nyaya yokuti hamuzivi:

i. Shirikadziii. Chembereiii. Nherera,

dziri munyika menyu. Uye futi ndimi munofanirazve kuziva vasingabati murairo vari munyika menyu. Saka garai makaziva vanhu muchivapa nguva yokuchema nhamo.

Compiled by: Muchuweni, Mushonga, Renias, Leavson, Nation & Zireva

43