unomboti jesu ndiani

23
Mhenenguro yamagwaro matsvene

Upload: mufundisiruvimbo

Post on 18-Nov-2014

877 views

Category:

Documents


16 download

DESCRIPTION

Iri ibhuku rinoongorora uzere hwezvinoreva kuuya kwaJesu Kristu panyika uye kuti iwe sedungamunhu zvinokubata papi. Verenga uzvinzwire. Kana paine vanoda kuturikira kuti bhuku iri riwanikwe muchiNdebele, chiNdau, chiTonga nezvimwewo ngavandiudze tibatsirane kuti shoko risvike kunavose. Mutauro haufanire kutadzisa vanhu kusvika pakuziva chokwadi cheshoko raMwari. Jesu akati , "Uchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungura." Johane 8:32.

TRANSCRIPT

Page 1: Unomboti Jesu ndiani

Mhenenguro yamagwaro matsvene

Page 2: Unomboti Jesu ndiani

Unomboti Jesu ndiani

Ruvimbo Muchemwa

2

Page 3: Unomboti Jesu ndiani

Zviri mukati

MavamboChitsauko 1: Jesu ndiani?

Chitsauko 2: Iwe zvinokubata papi?

Chitsauko 3: Udzamu hwemaonero

Chitsauko 4: Hapana manzvengero

Chitsauko 5: Nevavengi vake vakabvuma

Chitsauko 6: Ndiye Musiki

Chitsauko 7: Ndiye anoita kuti nyika ishande

Chitsauko 8: Haana rudzi kana dzinza

Chitsauko 9: Mupenyu nekusingaperi

Chitsauko 10: Ndiye achatonga vanhu vose

Chitsauko 11: Agere kudenga

Chitsauko 12: Ane simba pamusoro perufu

Chitsauko 13: Ngirozi dzinomunamata

3

Page 4: Unomboti Jesu ndiani

MavamboSemwana wemutema ndiri chizvarwa chenyika yeZimbabwe uye ndiri mutauri wemutauro wedu weShona, ndaona zvakafanira kutanga chikwata ichi chezvinyorwa zviine dingindira guru rekuti: Mheneguro yamagwaro matsvene. Chikwata chemabhuku kana kuti zvinyorwa chandinofunga kuti chichava nemabhuku akati kuti maererano nekubatsirwa kwandichaita naShe mukunyora nekudzidzisa. Chinangwa changu ndechekuraira, kudzidzisa, kutsiura nekukurudzira vanhu mune tsika nemagariro ane humwari zvichienderana nerayiro yatinowana mubhaibheri shoko raMwari.

Ndasarudza kuzviita nemutauro wedu kuitira kuti vaya vanofarira mutauro wedu wakanaka, unotapira seuchi, vawane rairo yakadai nemutauro wedu, uye pasava nemukaha wemutauro mukunzwisiswa kweshoko raShe. Kushandisa chirungu kwega handiko kunoburista pachena hurongwa hwaMwari muupenyu hwevanhu, kana neShona kana Ndebele kana umwewo zvawo mutauro tinokwanisa kujekesa nekujekerwa nezvakavanzika zveshoko raMwari.

Chimwe chinangwa ndechekubatsira vazhinji vasingazive kana kunzwisisa chirungu vakaita sevakwegura nevamwewo kuti vanzwisise shoko raMwari. Ndinoda zvakare kuwedzera zvekushandisa nezvekuverenga kuvadzidzisi vazhinji vedzidziso yechikristu mumachechi mazhinji vanodzidzisa zvidzidzo zvavo nemutauro weShona asi vasina zvinyorwa zvakawanda zveShona zvekuverenga pavanenge vachigadzirira. Kazhinji kacho vanoguma voita zvekuturikira kubva muchirungu zvinova zvinoda nyanzvi dzemitauro kuti zvinyatsobuda nemazvo sezvo dzimwe nguva kuturikira izwi neizwi kunokonzera kushanduka kwezvanga zvichirehwa pakutanga nekuti dzimwe nguva panenge pashandiswa nyaudzosingwi, dimikira, tsumo kana fananidzo inoenderana nemutauro iwoyo uye nevatauri vemutauro uyu.

Iri bhuku rekutanga rine musoro wenyaya wandinofunga kuti mubvunzo unobata munhu wese zvake ari panyika nekuti muonero kana kuti munzwisisiro waunoita Jesu Kristu une chekuita neunhu hwako, magariro ako, mafungiro ako uye nekudyidzana kwako nevanhu vakakukomberedza. Ndinovimba uchava nekukurudzirwa nekuvandudzwa pamweya nebhuku iri.

Mwari ngaakuropafadze paunoriverenga

4

Page 5: Unomboti Jesu ndiani

Muzita raJesu Kritsu

Mufundisi Ruvimbo Muchemwa

5

Page 6: Unomboti Jesu ndiani

Chitsauko 1

Jesu ndianiIshe Jesu vaidzidzisa dzimwe nguva nekubvunza mibvunzo yakakosha ine mhinduro dzaibatsira vaibvunzwa nesuwo nhasi kuti tinyatsoongorora mafungiro atinoita pamusoro paMwari, nemagariro edu muukama hwedu naMwari. Pamibvunzo yaibvunzwa naShe ndinonyanyoda mubvunzo watinowana pana Mako 8:27b, "Vanhu vanomboti ndini ani?" Uyu mubvunzo mukuru muupenyu hwevanhu vose kusvikira pakuguma kwenguva. Chikonzero ndechekuti mafungiro nemaonero aunoita Jesu ane chekuita nekuti uchapedza upenyu husingaperi uri kupi, kudenga kana kugomba remoto. Kubva kuvanhu vaiva vapenyu pamazuva aJesu kusvika nevachavapo pakudzoka kwake zvisinei nekuti ndevenyika kana dzinza ripi, mubvunzo uyu ucharamba wakakosha.

Zvakakosha kuti tive netsananguro nekunzwisisa kwakakwana pamusoro paIshe Jesu Kristu. Hapana anganzvenge Ishe muupenyu hwake zvachose! Vadzidzi vakapindura mubvunzo uyu vachiti, "Vamwe vanoti ndimi Johane Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eriya kana mumwewo wavaporofita vakare."(Mako 8:28). Izvi zvairatidza kuti vanhu vaivapo munguva yaJesu vaiziva kuti aiva nechekuita neshumiro yaMwari. Vaisava nemubvunzo nekudanwa kwake, asi kuzarurirwa kana kuti kunzwisisa kwavo kwaingova kwepamusoro. Vaitoda kuzarurirwa naMwari kuti vanyatsoona zvese Jesu zvaaiva uye zvaachiri nhasi nekusingaperi.

Vaimuita muporofita asi ushumiri hwake hunopfuura nekure kure pakungova muporofita, nekuti ndiye anotopa vanhu hushumiri nechipo chekuva vaporofita. "Saka zvakanyorwa kuti, 'Kristu zvaakadzokera kudenga shure kwekukunda satani akapa vanhu zvipo zvakawanda....Vamwe akavapa zvipo zvoupositori, vamwe achivapa zvouporofita, vamwe zvouvhangeri, navamwe zvohufundisi, noudzidzisi." (VaEfeso 4:8,11). Tarira kuti mupositori Pauro paanonyora tsamba iyi anotaura kuti Jesu akadzokera kudenga. Munhu haagone kudzokera kwaakanga asiri pakutanga. Jesu akagara ariko kudenga kubva rini narini kusvikira panguva iyo Mwari vakamupa kwatiri kuti ave munhu pakati pevanhu semuenzaniso wakakwana kwenguva dzose kuti umwari neutsvene, nekururama zvinokwanisika nemunhu wenyama akaita sewe neni kana tazvipa zvakazara mukutungamirirwa naMweya Mutsvene.

6

Page 7: Unomboti Jesu ndiani

Regai tiongorore kurarama kwake nekusingaperi. Ndiye anonyorwa nezvake nemudzidzi waaidisisa, Mupositori Johane achiti, "Pakutangatanga kwaiva neShoko. Shoko iri rakanga riri kuna Mwari uye raiva Mwari. Kubvira pakutanga raingove pamwechete naMwari...Shoko rakazova munhu, akagara panyika pano ari pakati pedu, azere nechokwadi nenyasha, tikaona kubwinya kwake sekwemumwechete akaberekwa waBaba. (Johane 1:1-2, 14). Mundima iyi yamagwaro matsvene, Johane anoshandisa izwi rekuti 'Shoko' sezita kwete izwiwo zvaro rinoreva izwi rataurwa kana kunyorwa. Ndinodaro nekuti pese paunoona vhesi iyi mubhaibheri remutauro upi zvawo uchaona kuti izwi rekuti 'Shoko' rakanyorwa richitanga nevara guru zvinoratidza kuti izita. Izvi zvinotsigirwa zvakare naJohane paanonyora muna Zvakazarurwa 19:11, 13 achiti, " Zvino ndakaona denga razaruka ndikaona bhiza jena, rakatasvwa nomunhu anonzi Nyakutendeka naChokwadi...Ainge akapfeka mbatya dzakanyikwa muropa uye zita rake rainzi 'Izwi raMwari." Izvi zvinoratidza kuti rimwe remazita aShe Jesu ndiro rekuti Shoko raMwari, kana kuti Izwi raMwari. Izvi pazvinoshandiswa mundima mbiri idzi hazvirevi shoko rakanyorwa mubhaibheri asi zvinoreva Jesu Kristu.

Saka taona kuti pakutangatanga Jesu aivepo, aive ari kuna Mwari, uye aive Mwari. Kana zvichinzi pakutangatanga zvinoreva kuti kare kare muupenyu husingaperi hwatisingagone kuverenga nemazuva kana namakore, kunyange vatumwa, vanhu, zuva, mwedzi, nyenyedzi, mhuka, zvimerwa nezvimwe zvese zvakasikwa zvisati zvavapo. Ndosaka rimwe remazita ake riri iro rekuti Alpha naOmega zvinoreva Muvambi NeMupedzisi wezvinhu zvose (Zvakazarurwa 1:17-19).

Ndiye akatumwa naMwari Baba kubva kudenga kuti ave chibayiro chezvivi zvedu. Ndiye Mwanakomana mumwechete akaberekwa waBaba. Shoko raMwari rinomupa mazita akawanda anoburitsa zvinhu zvakasiyana-siyana pamusoro pake. Isaiah 9:6-7 inoti iyo, "Takaberekerwa mwanakomana, mwanakomana akapiwa kwatiri, zita rake richanzi Gota, Anoshamisa, Mwari Samasimba, Baba nekusingaperi, Muchinda weRugare. Ushe huchava pamafudzi ake uye umambo hwake hauzoperi, agare pachigaro chaDhavhidi achitonga nekururamisira nekusingaperi."

Fungai kuti izvi zvainyorwa makore mazana mapfumbamwe (900) Jesu asati aberekwa nemhandara Maria. Cherechedza kuti rimwe remazita aJesu ndiMwari Samasimba kana kuti Mwari WeMasimba Ose. Zvinoreva kuti Jesu haasi Mwanakomana waMwari chete, ndiye Mwari Mwanakomana. Chero vanhu pavanobhabhatidzwa vanobhabhatidzwa muzita raBaba, nere

7

Page 8: Unomboti Jesu ndiani

Mwanakomana, nere Mweya Mutsvene (Mateu 28:18-19). Ndizvo zvinopa zvakare zita rake simba pamusoro pemweya yakaipa, zvirwere kana rufu nekuti zvese zvinosuduruka kana zita raJesu radanwa nekutenda uye nesimba raMweya Mutsvene, mukuda kwaMwari.

Dai zita raJesu raingova zita remuporofita haraikwanisa kuita izvi. Dai raingova zita remumwe vevashumiri haraikwanisa kuita izvi nekuti chero nhasi ukadana zita raEriya uya wekuenda kedenga nechamupupuri mushure mekunge ngoro yemoto yamuparadzanisa naErisha, hapana chinoitika. (Vamwe vanoimba kuti Eriya akaenda nengoro yemoto asi shoko rinotaura kuti ngoro yemoto yakaparadzanisa Eriya naErisha iye ndokutakurwa nechamupupuri achienda kudenga)! Tarisa 2 Madzimambo 2:11. Chero ukadana zita raIsaya, Jeremia kana umwewo zvake wavaporofita kana vaposotori vakatumwa naShe, hazviunze dzikinuro asi zita raJesu chete ndiro rine simba rekudzikinura vanhu nekuvaponesa kubva kuzvivi neutapwa hwese hwavangange vari mahuri!

Jesu aiva munhu akazara, uye ari Mwari akazara. Ngatimboongorora umbowo hweumwari hwake. Johane 1 watatarisa pamusoro aburitsa pachena kuti aive naMwari pakutangatanga, uye aive Mwari. Isaiah 9:6-7 yatamboona yamupa rimwe remazita rekuti Mwari Samasimba.

"Zvinhu zvose zvakasikwa naye. Kunze kwake hakuna chimwe chinhu chakaitwa.Maari maive noupenyu husingaperi.Upenyu uhwu hwakava chiedza kuvanhu vose. Upenyu hwake ndicho chiedza chakavhenekera murima, rima rikatadza kuchidzima." (Johane 1:3-5). Pauro anowedzerawo umbowo hwake achiti, "Kristu ndiye mufananidzo chaiwo waMwari asingaonekwe. Aivapo Mwari asati ambosika kana nechinhu. Kristu pachake ndiye musiki akasika zvose zviri kudenga nezviri panyika nokuti Mwari akasika naye zvose zviri mudenga nezviri pasi zvinoonekwa nezvisingaonekwi, pamwechete namasimba emweya, namadzishe navatongi, Mwari akasika naye zvose kuti zvive zvake." (VaKorose 1:15-16).

Kana pachinzi zvinhu zvose zvinoreva zvose kubva padenga nenyika, mhuka nezvimerwa zvose, shiri, hove dzemhando dzose, vanhu nengirozi. Zvinoreva kuti ndiye Musiki, ndiye Musikavanhu. Ndizvo zvaiita kuti ambomisa kushanda kwesimba rinonyudza vanhu vakada kufamba pamusoro pemvura (law of density) paakafamba pamusoro pegungwa nesimba rinowisira zvinhu pasi

8

Page 9: Unomboti Jesu ndiani

kana zvakandwa mudenga (force of gravity) paakakwira kudenga vadzidzi vake vachiona.

Jesu ndiye ega munhu wenyama aikwanisa kuregerera zvivi. Mwari ndivo vega vane simba iri, zvichireva kuti iye mumwe weutatu hwaMwari hunoti: Mwari Baba, Mwari Mwanakomana naMwari Mweya Mutsvene. "Jesu zvaakaona kukura kwerutendo rwavarume ava akati kumurwere uya, 'Mwana, zvitadzo zvako zvaregererwa.'...Zvino chiregai ndikuratidzei kuti Mwanakomana ane simba panyika rokuregerera zvitadzo." (Mako 2:5,10).

Vakafa vose kubva pakutanga kwerudzi rwavanhu munguva yaAdamu naEva vemarudzi nemitauro yose vachamutswa nekutongwa naJesu, zvichisanganisirawo nevaya vanonamatwa, nevanonamata vakafa, pamwechete nevaya vakatanga zvimwewo zvitendero vakaita saMahommed akatanga chitendero cheIsiramu naBhudha akatanga chitendero chechi Bhudha nevamwe. Saka kana vadzimu vachizotongwa naJesu (2 VaKorinde 5:10) hazvina musoro kuti ndivaite varevereri pakati pangu naMwari nekuti kana ivo vachazvidavirirawo pamberi paJesu Kristu pamusoro pezvavakaita panyika pakumutswa kwevakafa (Johane 5:24-28). Zviri nani ndirevererwe naJesu anova Murevereri neMutongi panguva imwechete. Uye haana kana chitadzo chimwechete chaakaita pamakore makumi matatu nematatu aakagara panyika. Hakuna akafanana naye.

"Ndinokuudzai zvechokwadi kuti nguva ichauya, uye yatosvika yekuti vakafa vanzwe izwi roMwanakomana waMwari. Avo vanorinzwa vachararama. Baba sezvo vane upenyu mavari, vakaitawo kuti Mwanakomana ave neupenyu maari. Vakamupa mvumo yokutonga nokuti ndiye Mwanakomana womunhu." (Johane 5:25-27). Jesu achatonga vapenyu nevakafa nekuti ndiye mwanakomana womunhu. Anova zvose Mwanakomana waMwari nemwanakomana wemunhu zvichiburitsa pachena umunhu neumwari hwake. Semwanakomana wemunhu anoziva zvese zvinosanganikwa nazvo nevanhu muupenyu, nemhando dzose dzemiedzo nekuti naiye akaedzwawo mune zvose akakunda (VaHeberu 2:14-15, 18).

Jesu pachake anotaura nezvekutonga kwaachaita vanhu achiti, "Musashamiswa neizvi nokuti nguva iri kusvika yokuti vose vakafa, avo vari mumakuva, vachanzwa izwi rake. Vachamuka vose. Vaya vanenge vakarambira mukutadza kwavo vachamuka vachipinda mukutongwa." (Johane 5:28-29). Ndinofarira paakati 'vose vakafa' nekuti hakuna anosara kunyange vakuru vemakambani, vatongi venyika, vapfumi nevarombo, vakafunda nevasina, vatema

9

Page 10: Unomboti Jesu ndiani

nevatsvuku, varefu nevapfupi, vakobvu nevatete, vatorwa nezvizvarwa zvenyika iyoyo, vashandi nevashandirwi, nhapwa nevakasununguka, vose vachamira pakutongwa naJesu.

Iwe unomboti Jesu ndiani? Unomuziva here nekumupa rukudzo saMwari Samasimba uye seMutongi wevapenyu nevakafa?

Chimwe chinoratidza uMwari hwake ndicho chokwadi chekuti zvinhu zvose zviya zvinonzi nenyanzvi dzesayinzi mitemo yakangovapo (manatural laws) zvakaita sekubuda nekunyura kwezuva, zuva rega rega pasina pamwe patinoti hamheno rikabuda nhasi, simba rinowisira zvinhu pasi kana zvakandwa mudenga, simba rinonyudza zvinhu mumvura, nekutenderera kwenyika yedu nedzimwe dzichitenderera zuva pamazuva akatarwa pagore zvinoita kuti tive nechiyero chenguva, nekutenderera kwemwedzi uchitenderera nyika mumazuva anotipa mwedzi nezvimwewo, zvose zvinoramba zvichishanda sezvazvinoita zvisingashanduki zvekuti semuenzaniso pave nerimwe zuva pfupi pane mamwe, kana rimwe gore pfupi pane mamwe. Uye hapana kubonderana kwenyika (maplanets) kana nyenyedzi nezuva mudenga. Zvose zvinochengeteka nekushandiswa naShe Jesu. Zvasiyana nemagetsi kana injini dzemota nezvitima zvakagadzirwa nevanhu zvinombofa, kudhinguka kana kupera simbi dzemukati. VaHeberu 1:3 "...Ndiye akabata zvinhu zvose neizwi rake rine masimba..."

"Iye akavapo zvinhu zvose zvisati zvasikwa, naizvozvo zvinhu zvose zvinoshanda nokubatana pamwechete nekuda kwake." (VaKorose 1:17).

Umwe umbowo hunobva kumweya yakaipa yaiva muvanhu Jesu vaaisangana navo. Yaimuziva kubva pakutanga payakasikwa dzichiri ngirozi dzaiteerera dzisati dzanyengerwa narusifa atava kuti satani ikozvino mushure mekunge apandukira Mwari pamwechete nechikamu chechitatu chengirozi dzose (Zvakazarurwa 12:7-10; Isaiah 14:12-23; Ezekiel 28:12-19).

Kana nasatani wacho pachake aimbomunamata kudenga nekumurumbidza sezvo aive iye kerabu kana kuti ngirozi huru yerumbidzo nenzira imwechete iyo ngirozi Mikairi iri kerabu kana kuti ngirozi huru yehondo uye Gaburieri iri ngirozi huru yekutumwa nemashoko kuvanhu. Mweya yakaipa (dzinova ngirozi dzakapanduka) yaichema payaiona Jesu achiuya iye asina chaambotaura, ichibvunza kuti sei ainge auya kuzoiparadza nekuitonga nguva isati yakwana. Zvinoratidza kuti Jesu achatonga zvakare ngirozi kana kuti achazadzisa mutongo wakapiwa kare

10

Page 11: Unomboti Jesu ndiani

padzakapandukira Mwari wekuti dzizokandwa mugomba remoto. Mutongo uyu ndiwo unoita kuti satani nengirozi dzakapanduka (mweya yakaipa) vaite zvese zvavanogona kunyengedza vanhu kuti vaendewo navo kugomba remoto!

VaFarisi, vaprisita vakuru nevamwewo vairambawo havo kucherechedza ukuru hwake nekutomubvunza kuti ainge apiwa nani simba, asi mweya yakaipa yaimuziva nekumutya, nekumuteerera. Kunyange muna Rigiyoni maive nemweya yakaipa mizhinji haina kumukutsira asi kutoti yakademba kuti dai Jesu aibvumira hayo kupinda munguruve.

Kana nengirozi dzichiri pabasa radzo radzakasikirwa rekunamata nekushumira Mwari, dzisina kupanduka pamwe nasatani paakakandirwa panyika nechikamu chechitatu chengirozi dzose, dziri pasi paIshe Jesu. Zvinoreva kuti Ishe Jesu vari pamusoro pengirozi dzakapanduka (mweya yakaipa/ madhimoni) nedzisina. Zvinoonekwazve nekupemberera kwadzakauya kunoita panyika panguva yaakazvarwa. Vafudzi vakanzwa dzichiimba kuti "Mbiri ngaive kuna Mwari vokumusorosoro kudenga, norugare ngaruve panyika kuna vose vanofadza Mwari." Ruka 2:13-15.

Ndima iri pamusoro iyi inotaura nezvehondo huru yengirozi kana kuti ngirozi zhinji dzakauya kunomurumbidza pakuzvarwa kwake. Zvinoratidza kukosha kwake. Ukaenzanisa izvi nekuti pamwe pese panouya ngirozi mutestamende yekare neitsva panonyanyouya ngirozi imwechete kana mbiri asi apa pakauya gurumwandira rengirozi. Unobva waona kuti Ishe Jesu vaisangova munhuwo zvake. Guta reSodoma neGomora rakaparadzwa nengirozi mbiri chete. Kana Dhanyeri paakaratidzwa zviono zvake kwakangouya ngirozi imwechete, ikazonunurwa neimwe ngirozi imwechete payakanga yorwisana nemasimba emuchadenga. VaHeberu 1:4-6 inoti, "Mwana iyeyu akava mukuru kungirozi dzose sezvo nezita raakapiwa riri guru kupinda ngirozi dzose...Kuzoti Mwari oda kutuma Mwana wake panyika akati, 'Ngirozi dzose dzinofanira kumunamata.'"

Umbowo hwese hwandashandisa muchitsauko chino chinangwa chahwo ndechekuti unone kuti Mwanakomana mukuru kudenga napanyika. Mukuru kuvanhu vose vati vamborarama pasi pezuva. Mukuru kupinda ngirozi. Mukuru kupinda vakuru vana makumi maviri nemana vekudenga (Zvakazarurwa 4:4, 10) vagere pazvigaro zvoushe zviduku zvakakomberedza chigaro chaMwari. Mukuru kupinda madzitateguru emarudzi ose. Denga richapindwa nevanenge vasuka nguwo dzavo muropa rake uye vanenge vakanyorwa mubhuku reupenyu uye vakanyorwa zita rake

11

Page 12: Unomboti Jesu ndiani

pamhanza dzavo (Zvakazarurwa 22:3-4). Ndiye ega achava nechigaro kudenga parutivi rwechigaro chaBaba zvisina mumwe munhu achazvigona.

Tine chokwadi nekuda kweumbowo hweshoko raMwari kuti Jesu akatosvika kudenga nekuti Johane anonyora nezvake ari kudenga muna Zvakazarurwa uye Stephani paaiurayiwa nekutemwa nematombo akaona denga razarurwa nechigaro chaMwari uye Ishe Jesu Kristu vamire parudyi rwaBaba. Jesu tine chokwadi nekwaari zvatisingagone kuziva pamusoro pevamwe vakavamba zvimwe zvinamato kana pamusoro pemadzitateguru edu. Tinogona kuvasusukidza kana kuda kutevera nzira yevamwe vaiedza nepavanogona napo kufadza Mwari as hatizive pari zvino kuti zvakavasvitsa kupi uye kuti ikozvino mweya yavo iripi. Ndizvo zvairehwa naShe Jesu Kristu vachiti kuita kuti rimwe bofu ritungamirire mamwe mapofu. Zvinokonzera kurasika nekuwira mugomba remoto.

Kurudziro yangu mudikani ndeyekuti, Wadii wauya kuna Jesu Kristu, nzira nechokwadi neupenyu? (Johane 14:6).

12

Page 13: Unomboti Jesu ndiani

Chitsauko 2Iwe zvinokubata papi?Kana Ishe Jesu zvavaitaura kuti ivo naBaba vamwechete uye vanoshanda pamwechete zviri zvechokwadi, zvinoreva kuti hapana munhu pasi pezuva akamborarama kana achararama munguva inotevera angange asina chekuita navo Ishe Jesu Kristu.

Ndizvo zvinorehwa naMupositori Johane achiti iye, "Pakutangatanga kwaive neShoko. Shoko iri raive riri kunaMwari uye raiva Mwari. Kubvira pakutangatanga raingova pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakasikwa naye. Kunze kwake hakuna chimwe chinhu chakaitwa." Johane 1:1-4. Unoona kuti Johane anoreva zvinhu zvinobatika zvakaita semiti, makomo nemasango nemhuka neshiri dzedenga, nehove nezvisikwa zvemunyanza uye achirevawozve zvisikwa zvaMwari zvemweya zvinosanganisira ngirozi dzichiri kuna Mwari nengirozi dziya dzakapanduka pamwe nasatani (Zvakazarurwa 12:9-12) dzatave kutumidza kuti mweya yakaipa kana kuti madhimoni. Zvose zvakasikwa naKristu uye hapana chimwechete chakaitwa chisina kuitwa naye. Izvi zvinoreva kuvapo kwaKristu makare kare Adhamu asati asikwa, uye nengirozi dzisati dzasikwa. Ndizvo Ishe Jesu zvavanoreva vega vachiti "Zvechokwadi kubvira Abhurahamu asati azvarwa ini ndaivepo." (Johane 8:58).

Shoko rinorehwa naJohane pamagwaro ekutangatanga echitsauko chekutanga chebhuku raJohane hakusi kubatanidzwa kwemavara kunotipa izwi kana kuti shoko pamutauro wedu, asi anoshandisa 'Shoko' serimwe remazita kana kuti zvinhanho zvaiva naIshe Jesu Kristu. Ndizvo zvinoratidzwa nekushandisa kwaanoita vara guru paanoti 'Shoko' kana kuti mune mamwe mabhaibheri ane kuturikirwa kumwewo achiti 'Izwi' ipo pana Johane 1:1. Iye Mupositori Johane ndiyezve anonyora muna Zvakazarurwa achiti "Ainge akapfeka mbatya dzakanyikwa muropa uye zita rake rainzi, Izwi raMwari." Zvakazarurwa 19:13. Aitsanangurwa apa ndiye Ishe Jesu Kristu paachauya mukuguma kwenguva kuzobvuta vatsvene vake nekuzopindira achidzikinura vaJudha pahondo yeAmagidhoni.

Vatendi vazhinji kunyangwe nevamwe vanyori nevaimbi pasi rese vanobvumirana kuti pachava nekutongwa pakuguma kweupenyu hwedu. Vanhu vanongopokana chete kuti kutongwa uku kuchaitwa nani uye nenzira ipi. Shoko raMwari bhaibheri rine mhinduro izere pamusoro penyaya iyi. Rinoratidza pachena kuti achatonga

13

Page 14: Unomboti Jesu ndiani

vapenyu nevakafa ndiShe Jesu Kristu, zvoreva kuti zvisinei nekuti munhu aiva werudzi rwupi, achigara munyika ipi pasi pezuva, zvisinei nekuti aitevera chitendero chipi, achatongwa naMwari pakupedzisira. Chinoda kusimbiswa ndechekuti achatonga vanhu muzita raMwari Baba, uye akavamiririra ndiShe Jesu.

Mabasa Avapositori 17: 30-31 inoti"Naizvozvo Mwari haana kucherechedza nguva dzekusaziva kwevanhu, asi ikozvino anoraira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke, vabve munzira dzavo dzakaipa. Nokuti akatema zuva raachatonga nyika nokururama nomunhu waakagadza akasimbisa shoko rake nokumumutsa kwaakamuita kuvafi." Munhu anotaurwa nemashoko aya akamutswa naMwari kuvafi ndiye Ishe Jesu Kristu. Ndiye achatonga vanhu uye achazviita nekuti akagadzwa kuti adaro naMwari. Handisi kushora zvimwe zvitendero asi ndine urombo nevanozvitevera nekuti vavambi vezvimwe zvitendero vakaita savana Bhudda, vana Mahommed akatanga chitendero chemachawa nevamwe vakaita savana Branham, havana kugadzwa naMwari sezvakaitwa Ishe Jesu asi kutoti naivowo vachatotongwa naye.

Zvakanaka sei kuenda kudare redzimhosva uchiziva kuti gweta richakumiririra pamutongi ndiro zvakare richange riri mutongi wacho. Izvi ndizvo zvichaita vanenge vakaponeswa vakasuka nguo dzavo muropa negwayana nekuti Ishe Jesu vachava mumiririri pamwechete nekuva mutongi wevese. 1 Timoti 2:5 inoti "Nokuti kunongova naMwari mumwechete nemurevereri mumwechete pakati paMwari navanhu, Jesu Kristu akaberekwa ari munhu." Pauro paanoshandisa mazwi ekuti 'akaberekwa ari munhu' anoratidza kuti ainge asingori munhu chete asi kuti aiva Mwari mumunhu, kana kuti Mwari akauya ari munhu kuti azviratidze kuvanhu nenzira iri nyore kuti vanhu vanzwisise. Johane anodarozve pana Johane 1:14 achiti, "Shoko rakazova munhu, akagara pakati pedu, azere nechokwadi nenyasha, tikaona kubwinya kwake kwaakagamuchira soMwanakomana mumwe chete waBaba."

Vese vanoda kuita kuda kwaMwari nekufadza kana kushumira Mwari vanokwanisa chete kuita izvi nemuna Jesu Kristu. Ndiyo yega nzira yakaitwa naMwari pachavo yekuti vanhu vakanga varasika vagonezve kuyanana naMwari sezvo ari iye akaripa muripo wakakwana wezvivi zvose zvepasi rose. Johane 6:28-29 "Zvino vakati kwaari, 'Todiiko kuti tiite mabasa aMwari?' Jesu akapindura akati, 'Kuda kwaMwari ndokwokuti imi mutende kuna iye waakatuma." Hakuna mumwe munhu kubva kuna Adhamu nevaporofita vose vaishandiswa naMwari kana umwe wavapositori

14

Page 15: Unomboti Jesu ndiani

vakaparidza vhangeri pasi rose akamboti vanhu vaikwanisa kufadza Mwari nekutenda kwavari ivo kana nekuvateerera. Vose vaiiti vanhu vatende nekuteerera Mwari, asi Jesu aiiti vanhu vatende kwaari nekumuteerera iye pachake.

Haukwanise kufadza Mwari uchiramba ushe nehumwari hwaIshe Jesu Kristu. Hakuna imwe nzira yekusvika nayo kuna Mwari. Hakuna mamwe manamatiro angaitwa nevanhu anogamuchirwa nenzira imwechete naMwari seayo aiitwa naIshe Jesu uri muenzaniso kuvanhu vose kwese kwese. Kuva muKristu kugamuchira zvizere zvese Jesu zvaari, zvaakaita kutiponesa nekutevera nzira yomuenzaniso yamararamiro aiita muhutsvene, kururama nekufadza Mwari. Pane dzimwe svondo nedzidziso dzenhema dzava kubuda munguva yedu yevanhu vanozviti maKristu asi vachirama kuti Jesu akamuka zvechokwadi kubva kurufu, kana kuti Mwana wMwari, kana kuti akanga abva kudenga uye akadzokera kudenga. Zvinoreva kuti vanenge voramba dzidziso yaKristu uye kuita kwakadai kunoburitsa pachena kuti havasi vateveri vaJesu vechokwadi.

Vamwe vanoramba kuti kune vanhu vachaenda kudenga asi Jesu akashandisa mufananidzo waRazaro nemupfumi kuti adzidzise chokwadi chekuti kune denga negomba romoto (Ruka 16:19-31). Pakangofa Razaro pakarepo akabva aenda kudenga akatakurwa nevatumwa, pakangofa mupfumi aive neutsinye (Chivi chake chaisava chekuva mupfumi, asi chekuva neutsinye, nekusava nehany’a nevanotambura), akabva angoenda pakarepo kugomba remoto. Kana Ishe Jesu vanoshandisa zvitsauko zvinoti Johane 5, Johane 14 nezvimwe kutidzidzisa kuti vaienda kudenga kunotigadzirira pekugara. Handizive kuti vanoramba izvi vane ruzivo rwuri nani pane rwaJesu pachake here. Kana ndirini hangu nemhuri yangu, tichabatirira pane zvakataurwa naJesu pamusoro pezvinhu izvi.

Kufadza Mwari kunotangira uye kunoperera pakuita zvakarayirwa newaakatuma nekumutenda kuti akatumwa naBaba, nekutenda kuti rudzikinuro neruponeso zvinongowanikwa nemaari chete. Umwe hutsvene nekururama kungaitwa nevanhu pasina muripo wezvivi weropa raJesu hazvikwani kutichenesa pamberi paMwari uye muporofita Isaya anofananidza utsvene nekururma kwakadai nekupfeka mamvemve kana kuti marengenya pamberi paMwari (Isaya 64:6).

Mamvemve kana marengenya zvinoreva kusakwana nekusachena pamberi paMwari sezvinobuda pamufananidzo waIshe Jesu wemabiko emuchato paanotaura nezvemumwe muenzi akanga

15

Page 16: Unomboti Jesu ndiani

asina kupfeka zvakafanira. Munhu iyeye akakandirwa kunze kwaiva nekuchema nekugeda geda kwemeno (Mateu 22:11). Ndizvo zvatinoita tikada kuuya pamberi pechigaro chichena cheumambo chaShe pazuva rekutongwa tichitungamidza mabasa edu chete pasina kusukwa muropa regwayana. Zvimwechetewo nekuda kuisa chinamato chero chipi zvacho pamberi tisingauye kuna Mwari nemuna Jesu Kristu.

Ishe Jesu pachavo vaiva nesimba rekuregerera zvivi sezvavakaita murume uya wekurembedzwa netambo neshamwari dzake kubva pamusoro pemba ari parukukwe rwake, aiva mhetamakumbo. Ishe vakati kwaari, "Mwana zvivi zvako zvaregererwa." Mako 2:5, 10. Hakuna imwezve nzira yekuregererwa nayo zvivi kunze kweyekuuya nekwaari. Zvivi ndizvo zvinoparadzanisa vanhu naMwari saka kuti zvikwanise kuregererwa chinhu chakakosha pakunamata kwedu nepaukama hwedu naMwari. Shoko rinoratidza kuti maari Jesu ndimo mune kuregererwa uku. Tikava nezvimwe zvinamato zvisina Ishe Jesu mukati nyaya yezvivi haina chinoigadzirisa saka tinozotongwa pakupedzisira tokandwa mugomba remoto (Isaya 59:1-2). VaEfeso 1:7 inoti, "Akatinzwira tsitsi akabvisa zvakaipa zvedu zvose neropa roMwana wake, rinova ndiro rakatiponesa." Kuramba Jesu kuramba Mwari Baba vakamutuma muzita ravo, uye kuramba kuregererwa kwezvivi. Kana tichida nekukudza Mwari, tinodawo nekukudza Mwanakomana.

Hapana imwe nzira yekunamata nayo yechokwadi kunze kweiyi. Johane 3:36 inoti, "Munhu anotenda kuMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi uyo asingateereri Mwanakomana haangagone kuona upenyu (husingaperi) asi kutsamwa kwaMwari kuchava paari."

Nekuda kwekuti Mwari mweya kunamata muzita raJesu hakusi kunamata varungu sezvinotaurwa nevashori nevatuki navaseki. Dai pazvizvarwa zvevatema paiva nemunhu akateererawo Mwari nekuva muteveri wavo sezvakaita Abhurahamu, dai Jesu akazvarwawo pakati pedu. Mwari vakasarudza rudzi urwu nekuti rwakavadawo pakutanga. Asi chikuru ndechekuti akaburuka kubva kudenga kuti auye kuzozivisa nekuratidza Mwari kuvanhu. Hazvaigona kuti ange asina rudzi rwaaiberekerwa marwuri asi pamweya aive Mwanakomana waMwari naMwari Mwanakomana.

Ropa raJesu rine simba rekubvisa kana kudzima zvakaipa zvedu zvose zvoita sekunge tisina kumbenge takatadza pakutanga. Izvi zvinoita kuti pave nezambuko rekuyambuka naro kuvanhu vatadzi kuti vayambuke kunosvika pana Mwari Mutsvene, akarurama. Jesu

16

Page 17: Unomboti Jesu ndiani

ndiye zambuko iroro. Kunyangwe maJudha anotofanira kutendawo kwaari zvoreva kuti tose tafanana pamberi paMwari maJudha nesu vasina kudzingiswa. Shoko raMwari rinoti muna Kristu hakuchina muJudha kana muGiriki kana mutorwa, kana munhurume, kana munhukadzi asi tose tava kugamuchirika zvakaenzana kuna Mwari nemuna Jesu Kristu.

Saka mudikani usarambe uchinyanyokoshesa vatungamiri vedzisvondo wepanyama kana vanozviita vapositori, kana vanozviita vadzidzisi kana vanozviti vaporofita kupfuura Mwanakomana, nekuti vese ava havasati vakamboona Mwari asi Mwanakomana akamuona uye ndiye anonyatsomuziva nekugona kukubatsira kuti newe umuzivewo zvakazara. Johane 1:18 inoti, "Hakuna akamboona Mwari kunze kweMwanakomana wake, mumwe woga wanodisa. Ndiye akaita kuti isu tizivewo Baba."Jesu anoti zvakare ndiye nzira nechokwadi neupenyu muna Johane 14:6 uye anoti pana Johane 4:45b-46, 51 "...Ani nani akanzwa Baba akadzidziswa navo anouya kwandiri. Izvi hazvirevi kuti pane munhu akaona Baba. Uyo akabva kudenga ndiye chete akaona Baba....Ini ndini chingwa cheupenyu chakabva kudenga. Ani nani anodya chingwa ichi achararama nekusingaperi. Chingwa chacho chandichapa ndiwo muviri wangu kuti nyika irarame."

Ukanzwisisa magwaro aya unoona kuti hapana kumwe kwaungaende nako kunze kwekubvuma kuti Jesu ndiye ega pavavambi vezvitendero zvose akabva kudenga uye akadzokera kudenga panyama, amuka kubva kuvakafa. Akamuka panyama nekuti ane nguva yaakati kuvadzidzi vake vamupe chingwa nehove mushure mekumuka kwake vakamupa akadya navo (Ruka 24:40-43). Aida kuratidza kuti ainge amuka nemuviri wake chaiwo nekuti anoti iye chipoko hachigone kudya nekunwa savanhu.

Jesu ndiye egazve akamutsa vafi, airegerera zvivi, akafamba pamusoro pemvura, akakonzera kuti panguva yaaifa makuva avhurike vatsvene vakamuka vakaonekwa muguta vachifamba pakati pevanhu (Mateu 27:51-52). Pauro anoti iye paainyora 1 VaKorinde 15:1-7 panguva iyoyo painge pachiri nevanhu vaive vapenyu paakanyora tsamba iyi, vakanga vari pakati pevanhu mazana mashanu vakanga vaona Jesu panguva imwechete mushure mekumuka kwake, asati adzokera kudenga.

Jesu ndiye ega uyo Mwari Baba pachavo vakapupura pamusoro pake, vakanzwikwa nevanhu vachitaura kubva kudenga, kuti Mwana wavo wavanodisa (Ruka 3:22; Mako 9:7). Izvi tinozviona paya paaibhabhatidzwa naJohane Mubhabhatidzi nepaya paanoshandurwa aenda kunonyengetera pagomo naPita, Johane

17

Page 18: Unomboti Jesu ndiani

naJemisi. Pakushandurwa nekubwinyiswa kwake pagomo Mwari vakamupupurira ivo pachavo vachiti, 'Muteererei'. Vamwe vese vavambi vezvitendero nevakafa vanonamatwa nevamwe havana kumbobvira vapupurirwa naMwari pachake asi kutoti ivo ndivo vanozviti vakatumwa naMwari.

Yambirwa pachiine nguva mudikani paunoverenga bhuku rino. Siya zvakaipa zvako utende kuna Baba nekutenda kuna Jesu (Johane 14:1). Nyangwe waimboitei ukauya nemaari Mwari vanokuregerera. Vanokuchenesa. Vanokusuka neropa rake Jesu risingaperi simba. Rega kuramba uri murima iye Jesu chiedza chenyika akauya. Usazvinyengedze uchiverengera uchiti uchazoshanduka mangwana kana nguva inotevera nekuti hapana anoziva misi nenguva yekudzoka kwake. Nhasi ndiro zuva, ino ndiyo nguva yekuti upe upenyu hwako kwaari. Dziva guru idiva kamwe, kepiri unowana ngwena dzasvinura!

18

Page 19: Unomboti Jesu ndiani

Zvimwe zvitsauko zvese zvinotevera hazvichawanikwa pano mahara. Ndibate pafacebook kana pae-mail inoti: [email protected] kuti uwane bhuku rako pachako rekuverengera paunodira.

Heino mimwe mibvunzo inpindurwa nezviri mubhuku iri:

Shoko raMwari munya here kana kuti ruchiri kushanda ikozvino?

Tinofanira kunamata ngirozi/ vasande/ Maria amai vaJesu here?

Ko Mwari ane tsitsi nenyasha sei akasika dhiyabhori?

Sei Mosesi akapiwa murango wekuti asasvika munyika yechipikirwa yeKenani? Akanga aita sei?

Jesu akatanga kurarama rini? Akatangira Abhurahamu here?

Munhu anoponeswa sei kubva kuzvivi nemukuwirwa nehasha dzaMwari?

Jesu akamboenda kuAfrica here? Mwana anogona kuzvarwa aina amai

asina baba here?

19

Page 20: Unomboti Jesu ndiani

Ndiani akasarudzwa naJesu pachake kuti atore nzvimbo yakasiyiwa naJudhasi mutengesi?

Ko ngirozi imwechete inogona kuparadza vanhu vangani?

Ndiani mukuru Jesu nengirozi? Jesu akaonekwa nevanhu vangani

mushure mekunge amuka kubva kuvakafa?

Jesu akaita zvekupondwa here?

buy book

20