sho65-1127b kuyedza kuitira mwari basa ikwo …download.branham.org/pdf/sho/sho65-1127b trying to do...

61
KUYEDZA KUITIRA MWAR I B ASA I KWO KUSIRI KUDA KWA MWAR I Hama vashumiri, nemi shamwari kunze uko, ndinoti mukana wakanaka kuva pano mangwanani ano. Kuziviswa kwakadaro, saka, handisi kuziva kuti ndichazviita sei kuti ndirarame zvakadaro. 2 Asi ndakangogara apo ndichitaura, Hama Noel neni, handitende kuti ndati ndambosangana nemunhu akanyatsofanana…tose takagadzirwa neforoma dzakasiyana, asi naMwari mumwe chete. SaHama Jack Moore, ivo vakanyatso…Hama Noel vanga vachiti, “Kubvira ndakanga ndiri pano navo…” Uyu mukwasha wavo, uye kuti vakadzidza sei kuvada nokuremekedza huchenjeri hwavo nezvimwe. Uye izvozvo, ndinogona kuti “ameni” kwazviri. Zvinhu zvakanaka zvakawanda…nguva dzatakava nadzo pamwe chete, ivo neni, neHama Brown, Hama Boutliere pano. Vanhu vaMwari vakanaka vandinonyatsoda nemoyo wangu wose. 3 Uyezve ndi—ndiri kuona kuti tose hatisi kudzokera kuva vaduku, saka, ndinongofunga pamusoro penguva zvino iri kutiona tichishanduka kubvira kuda makore makumi maviri apfuura tichipfuura nemumagwenga, nezvimwe zvakadaro sevarume vaive vachiri vaduku. Asi kungoziva kuti kune Nyika kwatisingazochemberi. Tichasangana ikoko zvakare rimwe zuva. 4 Usiku hwapfuura pandakanga ndiri kubva patabhenakeri, paiva nemumwe mudzimai muduku akanga akarara kumashure imomo panhowo, zvino akati, “Hama Branham, makore akapfuura…” Ndinofunga kuti akanga akawoma mitezo. Akati, “Makandiudza…” Ndakanganwa zvakataurwa nemudzimai uyu zvino, zvimwe zvakafanana nokuti, ndinotarisira kuti handizozvitauri nepasiri ipo. Akati, “Kuti kuremara uku kwandaiva nako kwaizova nechinangwa,” kana zvimwewo, kuti aizova nemwana. Uye haana kuzvinzwisisa kuti zvaizoitika sei apo iye ari muchinhano chakadaro. 5 Ipapo paive pakamira murume wechidiki, aiva nechiso chairatidzika zvakarurama, akati, “Ndini mwana wacho wavakaita.” Ndokuti, “Ndini mwana wacho wavakaita.” 6 Uye zvinhu zvakawanda zvakaitika munzira, hatitomborina kana nguva pano yokupedza kuzvikurukura. Tichazviita kune rimwe divi. 7 Zvino ino Business Men’s chapter, handisi nhengo yeripi zvaro sangano, ndinofungidzira kuti mose munoziva, asi ini…

Upload: others

Post on 09-Feb-2020

4 views

Category:

Documents


0 download

TRANSCRIPT

Page 1: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA

IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI

Hama vashumiri, nemi shamwari kunze uko, ndinotimukana wakanaka kuva pano mangwanani ano. Kuziviswa

kwakadaro, saka, handisi kuziva kuti ndichazviita sei kutindirarame zvakadaro.2 Asi ndakangogara apo ndichitaura, Hama Noelneni, handitende kuti ndati ndambosangana nemunhuakanyatsofanana…tose takagadzirwa neforoma dzakasiyana,asi naMwari mumwe chete. SaHama Jack Moore, ivovakanyatso…Hama Noel vanga vachiti, “Kubvira ndakangandiri pano navo…” Uyu mukwasha wavo, uye kuti vakadzidzasei kuvada nokuremekedza huchenjeri hwavo nezvimwe. Uyeizvozvo, ndinogona kuti “ameni” kwazviri. Zvinhu zvakanakazvakawanda…nguva dzatakava nadzo pamwe chete, ivoneni, neHama Brown, Hama Boutliere pano. Vanhu vaMwarivakanaka vandinonyatsoda nemoyowanguwose.3 Uyezve ndi—ndiri kuona kuti tose hatisi kudzokera kuvavaduku, saka, ndinongofunga pamusoro penguva zvino irikutiona tichishanduka kubvira kuda makore makumi maviriapfuura tichipfuura nemumagwenga, nezvimwe zvakadarosevarume vaive vachiri vaduku. Asi kungoziva kuti kuneNyika kwatisingazochemberi. Tichasangana ikoko zvakarerimwe zuva.4 Usiku hwapfuura pandakanga ndiri kubva patabhenakeri,paiva nemumwe mudzimai muduku akanga akarara kumashureimomo panhowo, zvino akati, “Hama Branham, makoreakapfuura…” Ndinofunga kuti akanga akawoma mitezo.Akati, “Makandiudza…” Ndakanganwa zvakataurwanemudzimai uyu zvino, zvimwe zvakafanana nokuti,ndinotarisira kuti handizozvitauri nepasiri ipo. Akati, “Kutikuremara uku kwandaiva nako kwaizova nechinangwa,” kanazvimwewo, kuti aizova nemwana. Uye haana kuzvinzwisisa kutizvaizoitika sei apo iye ari muchinhano chakadaro.5 Ipapo paive pakamira murume wechidiki, aiva nechisochairatidzika zvakarurama, akati, “Ndini mwana wachowavakaita.” Ndokuti, “Ndinimwanawachowavakaita.”6 Uye zvinhu zvakawanda zvakaitika munzira, hatitomborinakana nguva pano yokupedza kuzvikurukura. Tichazviita kunerimwe divi.7 Zvino ino Business Men’s chapter, handisi nhengo yeripizvaro sangano, ndinofungidzira kuti mose munoziva, asi ini…

Page 2: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

2 SHOKO RAKATAURWA

Iri ndiro boka roga randakabatanidzwa naro, ndine kadhireruwadzano, raka…Vanosanganisira masangano ose, vangorivana muzvina mabhizimu. Vave chinhu chakakosha kwandiriuye nekumhando yeshumiro iyo Ishe Baba vedu vakandipa.Yaka…zvanga zvisiri chaizvo zvokuti handidi masangano;inongori shumiro yandakapiwa, uye kana ndisina kutendekapakudanwa uku, zvadaro ndinozova munhu asina kutendekakuna Mwari.8 Uye, ndiri kufunga, ndave kuda kubva kuTucson, zvichidavakawanda venyu makanga muripo, rimwe zuva ndaive, LosAngeles ndichitaura nechapter iyi. Zvino pakanga paine…Ndakanga ndichangobva mukutsiura sangano iri zvakati—zvakati omei. Handi—ndina kushuwa kuti zvinge zvakadaro.Kana ukazviitira izvozvo utsinye, zvino ndinenge ndavemunyengeri. Haufanire kudaro, kwete, kungozvimwairapane mumwe munhu. Asi ndakanga ndataura pamusoropemuti wandakaona muruvanze rweHama Sharrit. Waivanemhando dzinenge shanu dzemichero yakasiyana pauri. Zvinondakati, “Handina kumbobvira ndakaona muti wakadaromuhupenyu hwangu.” Waiva mu…waiva nemagrapefruit,waiva nemaremani, waiva nematangerine, matangelo, maranjisi,zvose zvichikura pamuti mumwe chete. “Zvakanaka,” ndakati,“ini—ini handisi kuzvinzwisisa. Umborimhandoi yemuti?”

“Muti wemaranjisi.”Zvino ndakati, “Saka, uyomugrapefruit?”Ndokuti, “Hongu.”Ini—ini ndokuti, “Chirudzii?”Ndokuti, “Wakadzimikirwa.”Zvino ini ndokuti, “O, ndaona.”

9 Akati, “Ose ndeemhuri yemiti yemaranjisi, uye muti wesewemhuri yemiti yemaranjisi iwo…unogona kudzimikirwa.”10 Ndikati, “Ndanzwisisa.” Zvino ndakatanga kudanidzirazvishoma, munoziva, nokuti ndinohuta-huta nokunzwamanyawi.11 Saka, akati, “Zvaita sei?”12 Zvino ini ndokuti, “Zvakanaka, ndanga ndiri kungofungapamusoro pechimwe chinhu.” Zvino ndakati, “Iye zvino ndinodakukubvunzai mubvunzo.” Ini ndokuti, “Zvino, gore rinouyapanodombera maruva, panenge pasina maranjisi, matangelo,magrapefruit, maremani; ose anenge ari maranjisi nokuti mutiwemaranjisi, haudaro here?”13 Akati, “Kwete, kwete. Kwete, bazi roga-roga rinoberekazvaro.”14 Ndokuti, “Ndaona.”

Page 3: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 3

15 Saka izvozvowo zvanga zvichinzwika zvakanaka, nokutindiri…munoziva kuti ndine…ndizvo munoziva kuti ndinedhigirii kubva kuHartford nemamwe ose mayunivhesiti aya,munoziva. Saka—saka ndiri…ndinotarisa zvisikwa, ndiyoyunivhesiti yakanakisisa yandati ndambowana parizvino,yunivhesiti yeMusiki. Saka kana ndikatarisa izvozvo,ndinowanamharidzo dzangu kubva pamaitiro anoita zvisikwa.16 Uye ndakati, “Zvakanaka, zvinongondiita kuti ndinzwezvakanaka.”17 Akati, “Zvaita sei?”18 Ndakati, “Ndangofunga chimwe chinhu.”19 Saka, zuva iroro, ndakanga ndiri kuparidza nezvazvo.Zvino ndakati, “Zvino, munoona, kereke payakabuda kutanga,yaive…Jesu akati…” Ndakanga ndiri kuparidza Johane15. “‘Ndini Muzambiringa, imi muri matavi. Uye bazi roserisingabereki muchero richatemwa, richapiswa.’”20 Zvino mumwe munhu akanyatsondidzipa pahuropane izvozvo, ndokuti, “Munoona, ndaifunga kutikana wakambozadzwa chaizvo neMweya Mutsvene uyewakaponeswa, makati, ‘havakwanise kubva pazviri.’”21 “Ndizvozvo chaizvo.”22 Akati, “Ko izvo?”23 Ndikati, “Zvino wave kutaura pane chidzidzo chakasiyana.Ari kutaura pamusoro pekubereka muchero ipapo, kweteMuzambiringa; Ari kutaura nezvekubereka muchero, uye kweteUpenyu. Akati, ‘Zvakanaka, chingotemai muti wacho kuitirakuti ugokura, ubereke muchero.’”24 Iye akati…25 Zvino ndakati, “Zvino, uri kuona, muti uyu, pawakatanga,wese waiva Makristu echokwadi, emuBhaibheri. Zvinokwakazouya rimwe davi rinonzi Lutheran, Methodisti, Baptisti,Presbyteriani: maremani nemamwe ose.” Zvino ndakati,“Unoona, rinorarama nezita reChikristu, asi iro…Ririkurarama kubva paMuti uyu, asi riri kubereka mhando yaroyesangano. Waona? Asi” ndakati “kana muti wemuranjisiuyu ukaburitsa rimwe davi pachawo, richabereka maranjisisezvarakaita pakutanga.”26 Zvakaitika kuti, paive pagere kumusoro ikoko, mukuruwerimwe guru…rimwe sangano redu gurusa rePentekosti.Handizive kuti ndingazviite sei kuti munhu wese agonzwisisakuti haisi pfungwa yangu kuti—kuti ndi—ndinopesananedziya hama, hanzvadzi; handizvo izvozvo. Handinzwisiswezvakanyanya kwazvo, uye handizive kuti sei. Maona? Vanhuvanofunga kuti handitombotendi kuti vanhu vanoendakuchechi. Izvozvo zviri miriyoni yemamaera kubva paChokwadi.“Tinofanira kuungana pamwe chete, uye zvichifanira kunyanya

Page 4: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

4 SHOKO RAKATAURWA

patinoona zuva racho richiswedera.” Maona? Tinofanira kuuyapamwe chete mukubatana. Tinogona kutadza…27 Dai ndaigara muguta uye vasina chavaive nacho imomokunze kwe…zvakanaka, imwe kereke (handidi kudana cherorimwe zita), asi chero kereke hayo, kana vachingotenda chinhuchimwe chete bedzi, kuti Jesu aive Mwari, zvimwe zvosezvonge zvakatsveyama, ndinoenda kukereke iyoyo. Kanandikasawana rofu rose rizere rechingwa, ndi—ndichatorahwendefa imwe chete. Maona? Ndinoenda kunoteerera,ndonamata Ishe, ndomuratidza kuti ndiri kuita chikamu changu.NdinoMuda kuti azive kuti ndiri mupenyu. Ndiri—ndiri…ndinoda kuti munhu wese azive divi randiri. Ndinounganapamwe neMakristu, zvino ipapo ndonamata ne—nekushumiraIshe.28 Asi zvakaoma kwazvo, ini…zvaimbondinetsa zvikuru,zvino ndakazoona kuti kunyange Ishe vedu havana kunzwisiswamuzvinhu zvakawanda. Vaiti vakataura chimwe chinhu, uyevaizo…kusanzwisiswa. Ndinofungidzira kuti zvinofanirakungove saizvozvo. Asi avo vakachenjera vachanzwisisa.Maona?Bhaibheri rakataura kudaro. VachaZvibata.29 Saka mangwanani ano pandiri kutaura izvi…Uye ndakati,“Zvino, ivo—ivo vanorarama kubva pazita rokuti Chikristu,asi vanobereka mhando yemuchero usiri iwo. Rine mucherowesangano. Vanoronga chinhu, zvino vari kurarama kubvapachiri, uye vachirarama neUpenyu hwacho chaihwo.”30 Ndizvo zvandakanga ndiri kuedza kureva nezuro manheru,kuti mweya uyu unogona kubhabhatidzwa muMweya uyuuye woramba usiri Mukristu. Maona? Uri kurarama kubvapaUpenyu humwe chete ihwohwo, asi michero yaunoberekandiyo inotaura zvauri. Maona? Ndizvozvo chaizvo. Maona?Vanogona kuita zviratidzo zvose, uye vagonamatira vanorwara,nekupodza varwere, nekuzarura meso, nokudzinga mweyayakaipa, ne—nekuita zvinhu zvose izvi, vachirarama kubvapaHupenyu humwe chete huri imomo, asi richingori remani.Maona? Ndizvozvo chaizvo. “Nemichero, unozivikanwa,” Jesuakadaro. Uye saka zvino tinoona…31 Zvino pandakabva papuratifomu, mutungamiri mukuru uyuakasimuka, akati, “Anga asiri kureva izvozvo.” Akati, “Tinozivakuti tose takadzimikirwa imomo.” Saka, ichokwadi kutitakadzimikirwa, takadzimikirwa pachigutswa, ndizvo chaizvo;asi kwete kudzimikirwa, paMuzambiringa. Saka zvino akati…ndokutanga kuita sokunge—sokunge kunditsvinyira zvishoma.32 Zvino paiva nemuchinda wechidiki ipapo, ndinofunga kutimumwe wevanhu vane hukama nemutambi wemabhaisikopo.Zita rake anonzi Danny Henry, zvino aive mukomanawechiBaptisti. Saka, akauya papuratifomu kuzoisa maoko akepandiri achindimbundira, zvino ndokuti, “Hama Branham,

Page 5: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 5

ndinotarira kuti izvi hazvinzwike sekumhura, asi” ndokuti“ndinotenda kuti izvozvo zvinopotsa zvava chitsauko 23cheZvakazarurwa.”33 Zvino ndikati, “Ndatenda.”34 Zvino akatanga kutaura zvimwewo zvinhu zvino ndokubvaatanga kutaura nendimi, mukomana wechiBaptisti. Zvinopaakadaro, paiva nemumwe mu—mudzimai anobva kunokuLouisiana, aiva muFrench, akaita sokunge mudzimai anemumhumukuru arimufemu, akanyora pasi dudziro yacho.35 Saka, zvino pakanga painemumwemuchindawechidiki aiveakagara nechekuno uku akanga ari muFrench, akanyora pasizvaakanga ataura. Vakaenzanisa zvinyorwa zvacho, zvino zvirizviviri zvaive zvakafanana.36 Uye zvino mumwe mukomana mukuru, aive nevhudzirinenge jena akanga akamira kumashure-shure, paClifton’sCafeteria, akauya achifamba. Akati, “Regai ndione zvinyorwazviya. Ndinoda kuona zvazvakaita.”37 Zvino zvose zviri zvitatu zvaive zvakafanana padudziro.Aive muturikiri weU.N., muturikiri wechiFrench. Zvinochakataura kuti:

Nokuti wakasarudza nzira iyi yakatwasuka uye irinhete, nzira yakaoma, wazviita sokusarudza kwako.

Asi isarudzo yakabwinya zvakadini yawaita, nokutiiNZIRA YANGU.

Maona? Uye ndokuti…uye ndokuenderera mberi zvinondokuti:

Izvi pachezvazvo ndizvo zvacho zvichaita kuti zviitike,uye nokuita pamwe nokuunza, zvichaitika, kukundakukuru muRudo rwaMwari.

38 Munoona, nguva dzose, kunyange muchiFrench, chiito chirimberi kwemaitikiro imomo mu—mu—mududziro. Saka munaizvozvo handina kukwanisa kuti…Mosesi, akaita sarudzo yake,aitofanirwa kuita sarudzo yake. Isu tose tinofanirwa kuitasarudzo dzedu uye nokuita zvakanakisisa sokukwanisa kwedu.Uye Mwari…ndinoremekedza shoko remunhu wese rinopiwariri raMwari. Ini…chingave chiri chii, ndinozviremekedzamemoyo wangu wose.39 Iye zvino, ndinoona imwe hama yechidiki yauya chinguvachapfuura, Hama Stringer, ndinofunga kuti vanobva zasikuLouisiana…kana Mississippi, vatiunzira mifananidzopano yamationa tichitarisa. Wanga uri weMutumwawaJehovha, paAkaonekwa. Vangani vakanzwa nyayayacho? Ndinofungidzira kuti mose muri pano makainzwa.Makazvinzwa patepi, nezvakadaro.

Page 6: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

6 SHOKO RAKATAURWA

40 Zvino, ndakazviudzwa mamwe mangwanani naten o’clock,ndakamira mukamuri yangu kuIndiana. Ndokundiudza kutindaizenge ndiri kuTucson, kuri kuseni-seni mangwanani,ndaizenge ndichibvisa chaguduma (tinochidana ikoko kuti,chidhongi) kubva pagumbo remudhebhe wangu. Zvino Ngirozinomwe dzakauya ndokuputitsa izvi, nepasi pakaputikanezvimwe zvose, ku…matombo akakunguruka kubvamumakomo, zvinoNgirozi nomwe ndokumira ipapo.41 Zvino ndakati, “Saka…” Ndakaudza mudzimai wangu,zvino ari pano pane imwe nzvimbo mangwanani ano,“Chigadzirira zvinhu zvose nokuti hapana nzira yokuti munhuangararama pakadaro,” ndikati, “kubuda mune zvakadaro.Ndiri kuenda kuTucson, basa rangu rapera pano panyika. Ndavekuenda Kumusha kunova naIshe Jesu.”42 “Saka,” akati, “une chokwadi here?”43 Ndikati, “Hongu. Hongu, hapana aigona—aigona kuponapakadaro. Hapana nzira yokuzviita.”44 Ndichangobva kuparidzaMazera Manomwe Ekereke. Ndipopaya pandakafonera gamba redu, duku Hama Jack Moorekuvabvunza pamusoro peizvi, Jesu, muna Zvakazarurwa 1,akamira ipapo nevhudzi jena nezvose.45 Ndakati, “Akanga ari Murume wechidiki.” Zvino ndipopakauya chizaruro chokuti yakanga iri wigi yakapfekwa, kwetekuti iYe; Aive newigi (uye handina kugona kuzvinzwisisa),kuti aive Mwari Wekumusorosoro. Uye vatongi vakare vaidaromuIsraeri, vaifanira kunge vaine musoro muchena. Zvino ruvararwuchenda rwunomirira kuchena. Uye vatongi vokuEnglandkusvika pazuva rino, mumasupreme court ekuEngland,vanopfeka wigi chena pavanobuda, nokuti hapana mumwemurawo uri pamusoro pewavo pano panyika. Maona? Uye ivovatongi vepamusorosoro.46 Zvino ndinorangarira ndakaendako kuArizona nezvimwezvose, ndinoedza nokukwanisa kwangu kwese kuti…Ndaifa nokutya. Ndakaenda kumusangano wekuPhoenix.Uye rangarirai, ndakaparidza mharidzo, Madzichangamire,Inguvai? Munozvirangarira? Ndakataura kuti ndakazviona,ndikati, “Zvisati zvaitika, rangarirai, ZVANZI NAJEHOVHA,‘Chimwe chinhu chiri kuzoitika.’” Zvichida mune matepi achomuraibhurari yenyu yematepi zvino. Zvino imomo ndakati,“Munorangarira zvino zviratidzo zvisingakundike. ‘Chimwechinhu chiri kuzoitika.’ Rangarirai!”47 Zvino mazuva mashoma mushure maizvozvo, ndakangendave kutanga kuhuta-huta, uye ndakafunga, “Chiiko ichi?Ndiri kuzofa here?Kana…Ndinotarira kuti zvinokasika kuitirakuti zvindiperere. Handidi kuramba ndichiendereramberi.”48 Zvino mamwe mangwanani Ishe vakati, “Enda pamusoropeSabino Canyon.”

Page 7: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 7

49 Zvino ndakanga ndiri kumusoro ikoko ndakasimudzamawoko angu, ndichinamata. Ndakanzwa chimwe chinhuchichirova ruwoko rwangu. Waiva munondo. Zvino, munogonakungofungidzira kuti unonzwa sei, wakamira ipapo uri wegazvino herinoi banga muruwoko rwako rakareba kuda sezvizvi.Ndakaridzikisa pasi ndokuritarisa. Raingova banga, rimwerawo…zvino ndinotya banga, zvakadaro. Zvino rakanga riinesi—rakanga riine si—simbi, zvakaita mamwe mapanga aya,sesimbi yepoto kanawo zvimwe, rakapinza zvikuru rakatetepa.Raiva nesimbi yakapoteredza nechepano apa, apo vainge varikurwa vaiwanzo, kuti vasachekane mawoko, uye—uye raivaneparera pamubato pano. Rakanyatsokwana muruwoko rwangunemazvo. Saka,Ndakapukuta kumeso kwangu ndokutarisazve.

Chaipo panzvimbo imwe chete, mumwe musi, ndakaonanjiva duku, chena ichidzika pasi. Ndichakuudzai nezvazvonguva inotevera.50 Zvino ndakanga ndakaribata muruwoko rwangu,ndokufunga, “Izvi hazvinzwisisike. Zvino, Ishe, ini…ndavehere kurasikirwa nepfungwa dzangu? Hapana mumwe aripano. Ndiri mamaera kure nemumwe munhu zvino heunoimunondo uyu. Ndakanga ndakasimudza ruwoko rwangu, zvinowakabvepi?” Uye ndakafunga, “Chinhu chisinganzwisisikezvachose. Zvino honai pano, munondo.” Munoona, kuurova,waive munondo. Zvino ndakati, “Hapana mumwe munhuakamira pano. Ndiri pano pamusoro pematombo aya, pamusorochaipo pegomo.” Uye wakanga usingakwanise kuona Tucsonkubva ipapo, yakanga iri zasi-zasi.51 Ndakafunga, “Zvino, chinhu chisinganzwisisike. Zvino,munofanira kuva munharaunda ino pane imwe nzvimbo,mumwe Munhu anokwanisa kusika nokugadzira munondouye nokuuisa muruwoko rwangu.” Ndakati, “Anongogonabedzi kuva wacho Mwari akasikira Abrahama gondohwe,akagona kusika tsindi dziya,” idzo dzamakanzwa. Zvinondakati, “Hezvinoi zvacho zvokugadzirisa, mhando nhatudzakasiyana dzezviri mauri, uye ndakaubata muruwoko rwanguuri wemazvirokwazvo sechero chipi hacho chinhu chandigabatamuruwoko rwangu.”52 Zvino ndakanzwa Inzwi, rakati, “Uyu Munondo waMambomukuru!”53 Uye ndakafunga, “Zvino, ko Wabvepi? Ndaive ndirimoimomo mumatombo pane imwe nzvimbo.” Zvino ndakaubatamuruwoko rwangu sezvizvi, zvino ndakati, “Munondowamambo muduku.” Zvino ndakatarisa-tarisa, zvino munondowakanga waenda. Zvino ndakati, “Munondo wamambomuduku.” Ndeweku…vanogadza hugamba ne—nemunondo,ndinofunga kuti ndizvozvo, vemauto kana imwewo nzira,vanogadza hugamba nawo, munoziva. Zvino ndokuti,

Page 8: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

8 SHOKO RAKATAURWA

“Zvakanaka, zvichida ndizvo zvawaitirwa. Zvichida zvinorevakuti ndichaisa mawoko pavashumiri, kanawo zvimwezvakadaro, zvokuti, kuvaita vashumiri.”Uye zvadaro ini…54 Inzwi rakataura zvakare, ndokuti, “Munondo waMambomukuru!”Kwetemambomuduku; MunondowaMambomukuru!Maona?55 Ndakafunga, “Zvino, pamwe ndave kupenga, pfungwayangu yarasika, kana kuti pane chimwe chinhu chiri kuitika,pane mumwemunhu akamira neni pano.”56 Zvino hama, zvinhu izvi ndezvechokwadi. Handi—handizivikuti ndingakuudzai sei, nguva dzosemagaramuchazviona nguvadzose zvichiitika nenzira iyoyi. Uye zviri…Handina kugonakuzvinzwisisa. Saka…Manzwiro asinganzwisisike zvachose.57 Zvino ndakamira ipapo. Ndakafunga, “Zvino, angave Aniuyo agara achitaura neni hupenyu hwangu hwese, kubvirandichiri kakomana kaduku, kamwanana, amire ipo panochaipo, uye handisi kukwanisa kuMuona zvachose.” Ndakati,“Munondo waMambo mukuru?” Zvinezenge…Mwari ndiyeMambomukuru. “Komunondo uyu chii?”58 “Shoko, Rakaiswa muruwoko rwako.” Ndokuti, “Usatyerufu, ishumiro yako.”59 O, ini zvangu! Ndakadzika kubva mugomo iroro ndokuenda;ndichichema, ndichidanidzira, neinzwi rangu repamusoro,ndichichirika nepamusoro pematombo. Ndakadzika pasi,ndokuudza mudzimai wangu, ndikati, “Handisi kuzofa, unoona,i—i—ishumiro yangu.” (Ndakamuudza kuti aende pamwenaBilly Paul pano, otora vana. Ndikati, “Iye zvino, handinachandinacho, asi kereke ichaona kuti hamuzova nenzaranezvimwe, uye ndi—ndichasangana nemi mhiri kune imwenyika.”) Zvino—zvino paakanga…Ndakati, “Kwete, handisikuzofa, ndezvimwe zvine chekuita neshumiro yangu.”60 Mazuva mashoma kubva ipapo ndaibva kune mumwemusangano; ndakawana teregiramu ine mapeji matatu,yakanga yabva kuno kuHouston, Texas. Uye murume uyaakanditsoropodza zvakaipa kwazvo usiku huya MutumwawaJehovha akatorwa, mufananidzo waKe wakatorwa ukokuHouston, akandifonera, akati…atumira teregiramu,mudzimai akati, “Ndinoziva, Hama Branham, makabatikananebasa. Mwanakomana wangu, mwanakomana wehanzvadziyaTed Kipperman, akatongerwa rufu rwekufira mucheya.”Ndakati…(ko dai ainge ari Billy Paul?). Akati, “Iye nekamwekasikana vanofanira kufa.” Uye mose makazviverenga mupepa,ndizvo chaizvo. Zvino ndokuti, “Tariro yoga yatinayo ndeyekutiimi muuye zvino moita musangano zvino mounganidza vanhupamwe chete.”61 Uye Raymond Hoekstra akanga ambondinyorerakakawanda, asi munoziva, ndakanga ndaronga kuti mushure

Page 9: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 9

memusangano uyu ndaizoenda kunovhima naVa Mc Anallynevamwe. Zvino ndakafunga, “Zvakanaka, kana ndikarega vanaava vachifa uye pasina chimwe chinhu chandaita, handizombofindakakwanisa kuenda kunovhima zvakare.”62 Saka ndakati, “Zvakanaka, ndiri kuuya.” NdakauyakuHouston, ndokuva nemusangano wacho, uye chaizvoizvoivo…havana kuvauraya, vakango…vakavatongera hupenyuhwese mujere. Uye ndizvo zvavaida kuti vaite, kungovatongerahupenyu hwese. Saka makore anenge makumi maviri nerimwe,ndinofungidzira, mu—muTexas.63 Saka zvino, ndokudzokera, ndakakwira mugomo zvinondakaenda neHama Fred Sothmann. Vari pano pane imwenzvimbo. Hama Fred, muri papi? Ipo pano chaipo. Hama FredSothmann, Hama Gene Norman; rimwe zuva, zuva rechipiritakagara ipapo, Mutumwa waJehovha akadzika mumusasapatakanga tiri, zvino ndokutanga kutaura nezvevana vavonezvinhu zvavakanga vari kuita.64 Ndakabva ndokudzokera kuchikomo. Uye ndakangandatowana njiri yangu nechekare, zvino ndakanga ndirikuedza kudzingira imwe kune Hama Fred. Saka ndakawanapadzakanga dzichimbodya padivi regomo, zvino ndikai,“Saka, zvino, ndichakuudzai zvandichaita, Hama Fred.”Ndikati, “Zvino, imi endai panzvimbo iyoyo mangwanani.”Tinoenda kumusoro ikoko kunze pakunotanga kuchena,tokwira nepamusoro pegomo. “Zvino endai ipapo pakubudakwezuva, zvino ini ndichaenda kune rimwe divi. Zvino, hapanayandinopfura, asi kana dzikamhanya nekuno uku, ndichapfurapamberi padzo ndodzidzosa zvakare. Imi monhonga huruyacho.”65 “Zvakanaka,” vakadaro.66 Saka Hama Fred vakaenda ikoko. Zvino Hama GeneNorman (Handifungi kuti Hama Gene vakauya, vakauya?),vakanga vari—vakanga vari kune rimwe divi. Vazhinji venyumunoziva Gene Norman, shamwari yepamoyo yevakawanda,hama yakanaka. Zvino vakadzika zasi zvishoma. Apo, nguruvedziya, dzakanga dzisiri ipapo mangwanani iwayo. Zvinondaikwanisa kuona Hama Fred, ndokuvasimudzira ruwoko,vaiva kuda maera rimwe kubva pandaive. Saka, ndakafunga,“Dzingadai dzakaendepi?” Ndakadzika mumupata wakakurakwazvo, zvino ndokudzikamo, ndakafunga, “Ndichaona kanandikagona kuona padziri.” Ndokutanga kudzoka kumusoro.Kwaive mushure zvishoma kuchangobva mukuchena, zuvarakanga rave kutotanga kubuda.67 Ndakapoterera mupata mukuru, o, ini zvangu, mazananemazana emafiti, achingori mazitombo makuru mumupatamukuru uyu ipapo, madziro makuru. Zvino kwakanga kwavekuita sokunge…zuva rakanga rave kubuda, kunge seven

Page 10: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

10 SHOKO RAKATAURWA

o’clock, ndinofungidzira, kana zvimwewo zvakadaro. Zvinondakagara pasi zvino ndokutarisa kwese-kwese, zvakangoitikakuti ndakatarisa pasi pagumbo remudhebhe wangu zvinopakanga paine chaguduma chiya, tsine. Zvino ndakati,“Unoziva, zvinoita sezvinoshamisa. Unoziva, MutumwawaJehovha akandiudza kuti ndaizenge ndiri mamaera makumimana kuchamhembe kwakadziva Kumabvazuva kweTucson,ndichange ndichibvisa chaguduma kubva pagumbo rangu.”Munozvirangarira? Munodaro? Hongu, changamire. Maona?Ndakati, “Hazvinzwisisike.” Ndakanga ndakachibata.68 Zvino pandakangotarisa mudenga, ndakaona nguruvedzainge makumi maviri dziri mayadhi anenge mazana mashanukubva pandiri, dzakauya kuzodya mashizha maduku zvinondokurara pasi. Ndakati, “Zvino, kana ndikangogona kutoraHama Fred ndovaendesa kunzvimbo iyoyo, vanowana nguruveyavo ipapo chaipo. Asi ndinoziva kuti vari kuda maera imwechete kana maviri kubva pandiri zvino. Saka,” ndokuti, “kanandikakwanisa kukwira nepachimutundurundu chino ichidzisingandione, nekumusoro kwemuti wemujunipa muduku,”ndikati, “kana ndikapota nekudivi iri, pane muhwezva wenondounodzika nedivi iri, ndinokwanisa kumhanya ndichikwiranaipapo zvino ndobuda munzira yadzo. Zvino ndoturikakachimedu kepepa pano apo pandinoziva kuti chikomo chipichinobuda nacho, pamupata, ndinokwanisa kuendesa HamaFred ipapo nenguva yakafanira.”69 Ndakakandira chaguduma ichi pasi, ndakanganwanezveZviya. Zvino ndokutanga kuenda nepachikomo zviri nyorezvino ndokucheuka, hadzina kundiona, zvino ndokumhanyandichidzika ndokupinda mumuhwezva wenondo uya. Ndakangandakapfeka nguwani nhema huru kwazvo. Ndakatangakumhanyisa ndichikwira nemumupata uyu, zvino ndokubvazvaitika.70 Nyika yose yakazunguzika, kwese zvako. Matombo akakuraseizvi akakungurukira pasi, guruva richipwititika sezvizvi.Zvino ndakatarisa, zvino pakamira pamberi pangu paivapakamiraNgirozi nomwe; chaizvo nenzira yazvaiva. Ndakanzwakunge ndaive ndakamira mudenga-denga ndabva pasi.Kutanga, ndakafunga kuti mumwe munhu akanga andipfura,munoziva, nenguwani nhema iya yandaiva ndakapfeka;ndairatidzika senguruve yejavalina, zvakadaro, munozivakuti dzine hutema. Ndakafunga kuti mumwe munhu akangaandipfura, zvakange…nepedyo chaipo. Uye nda—ndakaonazvino zvazvaive. Zvakanaka, pazvakange…Ndakawanakutumwa kwangu, muRugwaro, “Zvisimbiso Zvinomwe zvinovazvakavanzika zvinomwe.” Maona?71 Mumwe munhu akati kwandiri, ndokuti, “Iye zvino…”O, akati, “Saka, zvino, rimwe zuva zvichida Ishe (muchionazviratidzo, Hama Branham) vachakuzarurirai kuti zvinhu

Page 11: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 11

izvi zvii, tinokwanisa tose kuswedera pedyo naMwari uyetova nesimba rinodarika ratinowana mukutaura nendiminezvimwe.”72 Ndikati, “Hazvigoni kuva saizvozvo.”73 Nokuti, munoona, ndinotenda Shoko kuva Chokwadi. UyeBhaibheri rakati, “Uyo achawedzera shoko rimwe chete kanakubvisa Shoko rimwe chete kubva paRiri.” Zvinofanira kuvamuShoko iri. Maona? Izvakavanzika izvo vanhu vakapotsakuona, nokuti ipapo chaipo ndipo pakabva Mharidzo yanguyeMbeu YeNyoka uye neMatendero echokwadi ekuchengetedzwakwemutendi.74 Handisi kushora hama dzangu dzePresbyteriani ipapo,nevamwe venyu imi hama dzechiBaptisti pamaitiro amunoitapane zvechengetedzo. Handisi kutaura izvi kuti ndingendakasiyana, asi hamuna kungemuinazvo zvakangonyatsonaka.Maona? Ndizvozvo chaizvo. Maona? Asi, ndaivewo nazvo zvisiriizvo, zvakare. Asi kana Ngirozi ikamira ichibva Kudenga zvinoyokuudza, uye hezvinoi izvi zvirimo chaimo muRugwaro,Izvozvo ichokwadi. Maona? Ndizvozvo chaizvo. Munoona,Anotaura nguva dzose zviri maererano neGwaro.75 Imomo ndakazvitarisa kusvikira denderedzwa riya rakwiramudenga, ndokutanga kumhanya richienda mudenga, zvinodzakashanduka kuva sokunge chiedza chisinganzwisisike,semhute. Chaizvoizvo nenzira…Vangani vakaonamufananidzowaCho wakatorwa kuHouston? Kuda mose. Maona? Zvakanaka,ndiyo nzira yaive ichochi. Chakashanduka kuva chinhu chimwechete, Chakaramba chichikwira kuenda mudenga chichiendamudenga.76 Ndakanga ndiri kumhanya ndichimhanya, ndichiedzakuwana Hama Fred nevamwe. Mushure mechinguva, kudahafu yeawa yakatevera, ndakakwanisa kuvaona vari zasi-zasi, vachivheyesa mawoko avo; neHama Gene vachiuya,vachivheyesa. Vakaziva kuti chimwe chinhu chakanga chaitika.Zvino saka ndakazova pamwe chete navo. NdiHama Fredvakagara apo chaipo.77 Zvino pachakakwira kumusoro, handina kuziva kutinzvimbo dzinonzvera zvemuchadenga nezvimwe, kusvikachaiko kuMexico, vakanga vari kutora mufananidzo wacho.Magazini reLife raiva nawo paChakanga chave kukwiramudenga. Uye vakawanda venyu…Herinoi magazini reLiferiine mufananidzo waCho. Chinhu chisinganzwisisike pano, uyevanoti havazive kwaChakabva; chiri mudenga zvakanyanyisa.Chiri pamusoro pemakore nezvimwe zvose kuti…Chirikumusoro zvakanyanyisa kuti inge iri mhute, nokuti chirimudenga mamaera makumi matatu uye chakapamhamamamaera makumi maviri nemanomwe mushure mokunge

Page 12: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

12 SHOKO RAKATAURWA

chasvika kumusorosoro kwakadaro. Hakuna kana hunyoro kanachimwewo chinhu kumusoro ikoko, munoona.78 Uye vakafunga pamusoro pendege; saka vakaongororanzvimbo dzose, pakanga pasina ndege mudenga zuva iroro.Munoona, vanotofanirwa kudaro, nokuda kwemahwindo anengeachizunguzika nezvimwe. “Hakuna ndege kumusoro.” Hezvinoiizvi zviri ipo pano mumagazini, rinokuudzai chinhu chimwechete. Zvino—zvino chakaramba chichingoenda mberi. Uyenhasi imomo chaimo…79 Hechinoi ichi mumagazini reScience, apo, havasi kugonakunzwisisa. Havasi kuziva kuti Chii.80 Tucson, payunivhesiti, imwe shamwari yangu yakaendaikoko rimwe zuva zvino akanga ari kutaura navo nezvazvo.Ndokuti, “Hatikwanise kuzvinzwisisa…”81 Ndikati, “Usawane chaunotaura, hapana chakanakachazvinoita. ‘Usakandire maparera ako pamberi penguruve.’”Maona? NdezveKereke, kune Vasanangurwa, avo vakadanirwakunze. Maona?82 Uye mumwe nomumwe vakanga vari kuuya, vachiti, “HamaBranham, ndiri kuona mufananidzo wenyu pano. Ndiri kuonaizvi. Ndi…” Munoziva zvazviri. Asi asi ku—kukwira kuyakwakareba sezvine hama iyi pano apo pachaka…Ruregerero.[Hama Branham vanotora mufananidzo—Mupepeti.] Iyi ndiyonzira yaChakatanga kukwira, chichimhanya kuenda mudenga.Chaizvoizvo ichi chakanga chiri kudivi rekurudyi. Uye mosemunorangarira kuti ndakati, “Ngirozi yaionekera ndiyoyacho yakataura neni, uye yakanga iri kudivi rekurudyi,”kunyange zvisati zvaitika. Munorangarira? Mapapiro ayoainongedzera kumashure zvakadai. Aya ndiwo chaiwomapapiroeNgirozi iya payakanga yave kukwira mudenga. Munoona,payakange…Saka vakatanga kutora mifananidzo nokutichakanga chisinganzwisisike. Asi mufananidzo wekupedzisira,paChakazviumba pachezvaCho mumatenga nezvakadaro,hezvinoi izvi sezvazviri muLook pano. Munoona makwiriroacho pavakangotanga kuchiona, munoona. Zvino hapo panouyamu—mufananidzo chaiwowekupedzisira, pachakagadzirwa.83 Havazive kwachakabva kana kwachakaenda, nazvinohavasati vaziva. Sainzi iri kukatyamadzwa kwazvo nokudakwazvo, havazive zvakaitika. Asi tinoziva; “kuchavanezviratidzo kumusoro kudenga.” Tinozviziva. Maona? UyeAkavimbisa zvinhu izvi. Maona? Uye chinhu choga ichochakatenderwa kuti chitorwe…84 Zvino, tinongori vanhu vepano pamusha mangwananiano. Kana ndakambokupai kunzwisisa hama kana hanzvadzikwekuti ndiri muziva-zvose, ndapota ndiregerereiwo. Handirevekuti zvinge zvakadaro. Ndimire…ndigere pano mangwananiano ndichitaura pamberi pevarume vanova vadzidzi, varume

Page 13: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 13

vakangwara; ini—ini handina kudzidza, handikwanise kanakutodudza Magwaro angu zvakanaka. Ndine chitsaukochekuverenga mangwanani ano, ndicha…ndanga ndirikuzokumbira imwe yehama idzi pano kuti indiverengere,nokuti handikwanise kududza mazita ari mairi, MakoronikeEkutanga 13, (kana mungazviita, Hama Jack, munogonakunge muri kuritsvaka), kuitira chidzidzo changu. Ini—inihanditombokwanisi kududza mazita ayo, ndiri kuvaita kutivazviite, nokuti vanogona kuadudza.85 Uye ndinoziva kuti ndiri kutaura kune varume vakangwara.Asi, hama, zvinhu izvi zvinoitwa kuti musatarise pakusadzidzakwangu, asi tendai kuti ndiri kukutaurirai Chokwadi. NdiMwarivari kukutaurirai Chokwadi. Ndicho Chokwadi.Maona?86 Zvino, kana ndichitaura nezvemasangano, handisikurevera kuti mune utsinye zvakadaro ne…Kwete, handisikurevera kuti usaenda kukereke yako. Enda kukerekeyako, ndizvo zvaunofanira kuita. Asi usangozvibatanidzanemasangano, nokuti rimwe zuva ndichange ndichikuudzanokuratidza neMagwaro, kuti ndiwo munembo wechikara. Uyeingorangarira, ndiwo munembo.87 Ndiri kuparidza…Handaizviparidza mukereke yeHamaJack, vaindiudza kuti, “Endai mberi muzviite”; asi ndiri kuendakutabhenakeri, ichange yakareba kuda maawa mana. Zvinochidzidzo changu ndechokuti, “Chikara pakutanga nechikarapamagumo, nemumuhwezva wenyoka.” Maona? Chinotora kudamaawa mana. Ndine Magwaro angu ose ari muhurongwa.Chikara kubva pakutanga, aive chikara mubindu reEdheni,ndiye chikara pamagumo, uye zvichiratidza kuti munhuwezvekunamata nesangano (akaita sangano); zvino ndokuuyanemumuhwezva wacho, uye nokuratidza neMagwaro kwamurikuti ndicho. Ndakanga ndisingazvizive kusvikira MweyaMutsvenewakazvipa kwandiri pane rimwe zuva kumusoro uko.88 Zvino, mune izvi, ndakanga ndakatarisa izvi rimwezuva, ndakamira, zvino chimwe chinhu chakati kwandiri…Ndakachitarisa, zvino ndakafunga…Hama Hickerson,mumwe wematirastii angu…kana madhikoni pakerekekuJeffersonville…Kana ndisingatendi kuenda kukereke,ko sei ndiine kereke? Takava nadzo kwese munyika yose,dzakabatanidzwa pane umwe usiku, munharaunda yoga-yogayakapoteredza mamaera mazana maviri maiva neimwe yekerekeyangu.89 Zvino, uyu—uyu mufananidzo, ndakanga ndakamira,ndakautarisa, zvino chimwe chinhu…ndakanga ndakamiramukamuri yangu. Chimwe chinhu chikati, “Itendeutsirekurudyi.” Ndakaterera.90 Ndinoziva kuti zvinoita sokunge munhu ane pfungwadzakati pesanei zvishoma, asi, munoona, sokutaura

Page 14: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

14 SHOKO RAKATAURWA

kwandakaita pane umwe usiku hwapfuura, zvinhu zvikuruzvose izvi ndezvedzidzo…Zvino, handisi kupikisana nazvo.Rangarirai, tinofanira kutumira vana venyu kuchikoro kutivawane dzidzo nezvimwe zvakadaro, asi ndichakutauriraipakare pano zvino, hapana chakanaka chainozovabatsiramunyika iri kuuya, nokuti inenge yave imwe budiriro, nenziradzose iri pamusoro kwazvo peino. Budiriro iyi haizombovakana…Inenge isina zvikoro mairi, inenge isina rufu mairi,munenge musina chivi mairi. Ino inazvo zvose; hazvina basa kutitinobudirira zvakadini, rufu rwunowedzerwa rwuchiwedzerwanguva dzose. Maona? Iyoyo inenge isina rufu. Asi iye zvinotinofanira kuva nezvikoro, tinofanira kupfeka nguwo, ti…91 Ndanga ndiri kuzotaura mangwanani ano pamusoropeEdheni RaSatani (vazhinji venyu mune tepi yacho), EdheniRaSatani. Agadzira rimwe bindu reEdheni, uye zvakamutorerazviuru zvitanhatu zvemakore kurigadzira, sezvakaita MwariraVo pakutanga. Mwari vakagadzira Edheni raVo, zvino Satanindokurisvibisa. Iye zvino Satani akagadzira Edheni rakepachake, zvinoMwari vari kuzoriparadza (ndizvo chaizvo) zvinoVoisa raVo.

Chimwe chinhu chakati kwandiri, “Itendeutsire kurudyi.”

Ndakafunga, “Ndinofunga kuti ndakaitarisa zvakanaka.”

Ndokuti, “Itendeutsire kurudyi.” Maona?92 Ndakafunga, “Zvichida Inzwi iri riri kureva kutindiitendeutsire kurudyi.” Zvino pandakazviita, munoona kutichii: Musoro waKristu waHofmann, pamakore makumi matatunematatu. Pano, tarirai muno umu, munoona ndebvu dzaKenhema, chiso chaKe, maziso aKe, mhuno yaKe, nezvimwezvose. Munoona chikamu chemuvhudzi raKe pano chichibuda.Uye akapfeka wigi iya wigi chena yeNgirozi kuratidza kutiMharidzo yokuti iYe ndiMwari ndeyeChokwadi. Ndiye MutongiMukurusa wematenga, Mwari Mukurusa weDenga nenyika.Iye ndiMwari, uye hapana zvimwe kunze kwekuva Mwari.NdiMwari vari kuratidzwa muchimiro chemunhu chinonziMwanakomana waMwari, nokuti Mwanakomana aiva Munhu.Zvino kana izvozvo zvisingaiti kuti Mharidzo yedu ingeiri yechokwadi nemazvo: ichiziviswa neGwaro, ichiziviswamushumiro, ichiziviswa neHupo hwaKe, mumwe chete zuro,nhasi, nokusingaperi. Nokudaro Zvisimbiso Zvinomwe zviyandezveChokwadi, hama. Munogona kusawirirana nazvo,asi ingogara pasi ugozvinzvera nemoyo wako wakazarukapane imwe nguva, ingorega Mweya Mutsvene ukutungamirekubva…93 Pano, apo Hama Jack…Ndakavafonera ndisatindazviparidza ndokutaura navo pane imwe nguva pamusorope “Chii chaiva wigi chena?”

Page 15: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 15

94 Vakati, “Zvakanaka, Hama Branham, ndinotaura kutindeapo mune aKe…mushure merumuko rwaKe mumutumbiwaKe wakabwinyiswa.” Ndakanga ndiri kutaura neHama Jack.Uye pane…handizive mumwe munhu panyika wandingavimbanaye zvachose padzidziso dzavo dzebhaibheri nezvimwesezvandingaita seHama Jack Moore neHama Vayle, uyenevarume vakaita sa—saivava, vadzidzi chaivo vebhaibherivakaverenga mhando dzose dzemabhuku nemaonero akasiyanakubva kune zvose. Zvakanaka, asi, munoona, kunyangwenaizvozvo, uye iri shamwari yangu yepamoyo, handi—ndi—ndina kukwanisa kuzvigamuchira, paive nechimwe chinhuipapo chakangoramba kuzvitambira.95 Uye zvino pawakauya, uyu, ndipo pandakaona zvazvaive.Hedzinoi ndebvu dzaKe nhema. Muri kuZviona, ndinofungirakudaro. Maona? Ndebvu dzaKe nhema nevhudzi dema,maziso aKe, mhino, nezvose, zvakanyatsokwana, kunyangechikamu chevhudzi rake chichiuya nekudivi iri. Iye ndiMwari!Maona? Uye ndiye mumwe chete zuro, nhasi, nokusingaperi.Uye iri imagazini reLook…kana kuti magazini reLife.Ndinofunga kuti iri ndiro…Ndakanganwa kuti nderarinhizvino; o, Chivabvu 17, 1963. Ndipo parakabuda, kana paneanoda magazini racho. Ndiro rimwe chete rine mufananidzowaRockefeller nemudzimai wake—wake kumashure kwaro.Zvino iri ndiro magazini idzva reScience kuti “chichirichakavanzika.”96 Zvinhu izvi ndazvitaurirei? Kuti zvigokupai kamwekamaonero kezvinhu zvatiri kuedza kutaura, kuti Mwarivanoziviswa zvose mumatenga nepasi kuti vakarurama. Izvizvekunzvera, zviratidzo, tine zvokutevedzera zvakawanda,tinazvo nguva dzose. Asi rangarirai, pasati pava nedhorarenhema, panofanira kuva nedhora rechokwadi kutanga;kutanga panofanira kuva nedhora rechokwadi, zvinoanozogadzirwa kubva pane iroro. Sezvatakangovawo naMosesiwechokwadi naAroni wechokwadi, zvino takazova naJaninaJambure mushure mavo. Muri kuona kuuya kwazvinoitazvose? Vanozviona zvino voedza kuzvitevedzera, apo panengepaine chepakutanga chechokwadi chacho. Ndizvo chaizvo.Ndisiri kuzvitaura kuti ndikuvadze kana kuderedza, kana kuisachimwe chinhu pasiri ipo, asi kungoitira Chokwadi; kuziva kutiini…97 Ndave kuva munhu akwegura, uye ndinoziva kuti nguvayangu yave pedyo. Kana Jesu, akanonoka, ndinogona…kukwanisa kugara kwechinguva; asi ndinoziva kuti rimwezuva moyo uyu ucharova kokupedzisira, zvino ndavekupinda muzikamuri guru, rakasviba rinonzi rufu. Asikana zvasvika, handidi kuva nechimwe chinhu chokutsvakazvakare kumashure, kuti ndiedze kuchitendeuka. Ndinoda,kana ndasvika panguva iyi, kunge ndakachena ndisina

Page 16: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

16 SHOKO RAKATAURWA

kusvibiswa nenyasha dzaMwari. Ndinoda kuzviputira nehanzudzekururama kwaKe, pandinopinda imomo, ndiine chinhuchimwe chete ichi mupfungwa dzangu: ndinoMuziva musimbarokumuka kwaKe; uye paAnodana, ndichamuka kubva kunevakafa ndonogara naYe nokusingaperi. Ndicho chinangwachangu pano zvino kuedza kuita kuti munhu wese…kwetekushandura dzidziso dzenyu dzebhaibheri kanawo zvimwe, asikuwedzera kutenda kwenyumuvimbiso yaMwari yezuva rino.

Zvino ngatinamatei:98 Mwari Vanodikanwa, tiri vanhu vari kutenda mangwananiano, asi zvakadaro, Ishe, tiri kurarama munyika ine rimaiyo…Hapana kana mumwe wedu ari pano mangwanani ano,Baba, asi anonzwa kuti ti—tinoda kufamba tiri pedyo neMi,tinoda kubata kweNyu kuya—kuyamuhupenyu hwedu kunotiitakuti tive takapfava nokutiita vanyoro kuitira kuti Muzogonakutishandura chero nguva zvayo, motiumba kuva vanakomananevanasikana vaMwari. Ndicho—ndicho chinangwa chedu pano,Baba, ndiro—ndiro donzvo rangu roga randinaro kuedzaku—kurarama pamberi peNyu uye nokutora Shoko reNyunokuRitaurazve zvakare kune varume nemadzimai kuti…kwete kuva munhu akasiyana asi kuedza kuremekedza iYe uyoakandipa Upenyu. Zviitei, Ishe.99 Dai pakasava nemumwe munhu pano nhasi…Kana kuti—kana kuti dai…Takabatanidzwa mangwanani ano, munyikayose, zvakare. Dai pakasava nemumwe munhu ari muruzharweinzwi redu kuti zvisaitike kuti apinde mukamuri huruiya asingaKuzivei musimba reNyu rekumuka kune vakafa.Kana paine vatadzi pane imwe nzvimbo munyika ino, avo…kana muchivakwa chino, odhitoriyamu ino huru, vagere munomangwanani ano. Kana paine avo vasingaKuzivei, dai rinorava zuva iro hana yavo ichazunguzwa, ichapeputswa, uyevozocherechedza kuti havazive nguva iyo yatinozodanwa kanakuunzwa kuzopindurira hupenyu hwedu, kuMusoro. Zvinokana zita redu richiri pabhuku regunde, tinenge tichizoparara;asi kana riri muBhuku reHupenyu reGwayana, Hupenyuhwemazvirokwazvo, zvadaro tinoponeswa.100 Uye dai, Ishe, apo Hupenyu huri kufamba kubva mutsurihuchipinda mumukume, huchipinda muchikwande, zvadarohwozoenda mutsanga, apo patiri kupfuura mangwanani anokana paine humweHupenyu hunopindamumbeu yakarara shuremugunde, iburitsei kunze nhasi, Ishe, dai hwatevera kufambakwembeu, nokuti tazvikumbira nemuZita raJesu. Ameni.101 Ndine urombo nokutora nguva yakawanda zvakadai.Ndanga ndakanganwa kuti usiku huno tiri panguva yeredhiyokunze uko, nguva yefoni.102 Zvino ngatizarurei patiri kuverenga. Zvino Hama Jack,mune Bhaibheri renyu ipapo here? Apo pandiri kutsvaka

Page 17: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 17

Gwaro rangu, ndichakumbira Hama Jack kuti vaverenge Gwaroiri nokuti handikwanise kududza mazita aya. Zvakanaka.NdiMakoronike Ekutanga 13. [Hama Jack vanoti, “Chitsaukochose?”—Mupepeti.] Uh-huh.

[Hama Jack Moore vanoverenga Makoronike Ekutanga 13:1-14—Mupepeti.]

[Zvino Dhavhidhi akarangana navakuru vezviurunavamazana, navatungamiriri vose.][Dhavhidhi akati kuungano yose yaIsraeri, Kana imi

muchiti zvakanaka, uye kana zvichibva kuna JEHOVHAMwari wedu, ngatitume shoko kwose kuhama dzedu,dzakasara munyika yose yaIsraeri, nokuvapirisitanavaRevhi vari mumaguta avo anamafuro, kutivaungane nesu:][Uye tidzoserezve Areka yaMwari wedu kwatiri:

nokuti hati—tina kuirangarira pamazuva aSauro.][Ungano yose ikatenda kuzviita: nokuti chinhu chacho

chaive chakanaka mumaziso evanhu vose.][Zvino Dhavhidhi akaunganidza vaIsraeri vose,

kubva paShihori irwo rukova rweEgipita kusvikirapavanopinda paHamati, kuti vatore areka yaMwaripaKiriatijearimi.][Dhavhidhi akakwira, iye navaIsraeri vose,

vakaenda Bhaara, ndiro, Kiriatijearimi, raiva raJudha,kuzotorapo areka yaMwari iye JEHOVHA, agere pakatipamakerubhi, pavanonamata Zita rake.][Vakatakura areka yaMwari pangoro itsva vakaibvisa

paimba yaAbhinadhabhu: Uza naAhio vakafambisa—vakafambisa ngoro.][Dhavhidhi navaIsraeri vose vakatamba

pamberi paMwari nesimba ravo rose, nenziyo,nembira, nemitengeranwa, nengoma, namakandira,nehwamanda.][Zvino vakati vachisvika kuburiro raKidhoni, Uza

akatambanudza ruoko rwake kuti abate areka; nokutinzombe dzakanga dzagumburwa.][Kutsamwa kwaJEHOVHA kukamukira Uza,

akamuuraya, nokuti akatambanudza ruoko rwake kutiabate areka: akafirapo pamberi paShe.][Ipapo Dhavhidhi akaora moyo, nokuti JEHOVHA

akarova Uza: akatumidza nzvimbo iyo zita rinonziPereziuza kusvikira zuva ranhasi.][Dhavhidhi akatya Mwari nomusi uyo, akati,

Ndingaisa areka yaMwari kumusha kwangu seiko?]

Page 18: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

18 SHOKO RAKATAURWA

[Naizvozvo Dhavhidhi haana kuisa areka yaMwarikumusha kwaDhavhidhi, asi akaitsautsira kumbakwaObhedhi-Edhomu muGiti.][Areka yaMwari ikagara pamhuri yaObhedhi—

Obhedhi-Edhomu mumba make mwedzi mitatu.JEHOVHA akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu,nezvose zvaakanga anazvo.]

103 Maita henyu, HamaMoore, nokundiverengera Gwaro. Zvino,ndine urombo kuti handina kugona kuzviverengera pachangu,asi nda—ndanga ndisingagoni kuzviita.104 Iye zvino ndinoda kuti muzarure pamwe chete neni kunaMarko 7:7, zvino tichaverenga ndima dzokutanga nomwedzaMarko chitsauko 7.

Zvino vaFarise, navamwe vavanyori vaibvaJerusarema, vakaunganira kwaari.Zvino paakavona vamwe vavadzidzi vake vachidya

namawoko ane tsvina, ndokuti, asina kushambwa,vakawana mhosva.Nokuti vaFarise, navaJudha vose, havadyi

kakawanda…vasina kumboshamba mavoko kwazvo,vachichengeta—vachichengeta tsika dzavakuru.Kana vadzoka kubva kumusika, havangadyi, vasina

kumboshamba. Nezvimwe zvizhinji zvaka—zvavaka…zvavakanga vagamuchira kubva…vagamuchirakuti vazvichengete,…kusuka mikombe, nekwehari,nemidziyo yendarira, nematafura.Ipapo vaFarise navanyori vakamubvunza vachiti,

Vadzidzi venyu vanoregeiko kufamba netsikadzavakuru, zvavanodya chingwa namawoko asinakushambwa?Akati kwavari, zvakanaka Isayawakaporofita kwazvo

pamusoro penyu imi vanyengeri, sezvakanyorwazvichinzi, Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,asi moyo yavo iri kure neni.Asi vanondinamata pasina, Vachidzidzisa sedzidziso

iri mirairo yavanhu.Ngatinamatei.

105 Mwari Vanodikanwa, remekedzai Shoko reNyu zvino, uyedai Razadzikisa chinangwa chaRo. Tishandisei semudziyoyekuRitaura, uye nenzeve dzedu kunzwa kubva kwaMuri, uyenemoyo yedu kuRigamuchira. Takumbira nemuZita raJesu,kuitira kubwinya kwaMwari. Ameni.106 Zvino, chidzidzo changu kwechinguvana ndeichi…ini…107 Tiri pamubatanidzwa wemafoni enyika yose mangwananiano. Uye ndinonzwisisa kuti shamwari yangu yakanaka, Roy

Page 19: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 19

Borders, ari kuteerera kuno, ari mukushushikana kukurumaererano nezvanezuro manheru. Ndakanga ndakanganwa kutitakanga tiri paredhiyo…kana mubatanidzwa wemafoni uyumanheru apfuura. Roy, chero kupi kwauri, kana uri uko kuSanJose mukereke ikoko, kana kungava zasi kukereke yeHamaMcHughes, kana chero kupi kwaungava, usatya, hama yangu,zvino zvose zvichaita zvakanaka. Gara wakadzikama, ingo…Achazvizivisa kwandiri, Roy; usanetseka, mwanakomana, ivanokutenda muna Mwari.108 Chidzidzo changu mangwanani ano ndechokuti: KuyedzaKuitira Mwari Basa Ikwo Kusiri Kuda KwaMwari. Zvino, uyumusoro wechidzidzo usinganzwisisike, uye ndinotenda kuti Ishevachazvizarura kwatiri iye zvino. Rangarirai, “Kuyedza kuitiraMwari basa ikwo kusiri kuda kwaMwari.” Zvino, zvinoitasezvisinganzwisisike kwazvo. Asi, mune izvozvi, pamwe Mwarivanokwanisa kutibatsira.109 Chimwe chinhu chandiri kuda kutaura mangwanani ano,kuti tiri kufara kuva neimwe shamwari yangu pakati pedu,shamwari yakakosha kwazvo, muchinda wechidiki. Vazhinjivenyu vanhu vari paredhiyo zvino munogona…kana iyo…pamubatanidzwa wemafoni, munoziva kuti ndiyani. Nhasi izuvarokuzvarwa kwake, makore makumi mapfumbamwe nematatuokuberekwa, Hama Bill Dauch vagere pano pamberi pangu,makoremakumimapfumbamwe nematatu okuberekwa.110 Makore akawanda apfuura chiremba akati,“Havachakwanisa kurarama.” Ndichangobva kuvacherechedzavagere pano zvino. Vaive pasi petende remweya wekufemanawo, zvino mudzimai wavo akaisvonaka akandifonera ndokuti,“Hama Branham, kana muri munotarisira kuona shamwariyenyu yakare, Bill, ari mupenyu, chitouyai iko zvino.”111 Zvino ini…Rimwe rematayi angu rakachekwa neparutivi,vhiri rangu rakanga rakuvadzwa, zvino ndakabvarura rimwetayi kubva pamotokari yangu ndichiedza kuti ndisvikekwavari. Ndakanga ndiri kungobva panzvi—nzvi—nzvimbo,panzvimbo panodirirwa peturu, zvino ndichibva muimbayekuzvibatsira pandakanga ndamira muOhio ndiri kuedzakuenda kwavari, zvino ndichingobuda ndakaona chiratidzo.Zvino hepanoi paive pakamira Hama Dauch, vakamiramuchechi vakatambanudza ruwoko rwavo; chakashanduka,zvino ndakakuonai muchiuya muchidzika nemugwagwandokugwinha ruwoko rwangu chishanu. Ndokuti, “Endaunomuudza, ‘ZVANZI NAJEHOVHA.’”112 Vaiva nemakore anenge makumi mapfumbamweokuberekwa panguva iyoyo. Vakanga vabatwa nemoyo wakangawavhara, pamwe chete nemoyo wakanga wakundika zvachose.Chiremba aiva nehungwaru kwazvo. Murume wacho haasi…iye haadi…Kwete, handizvitaure. Anongori munhu ane mari

Page 20: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

20 SHOKO RAKATAURWA

yokukwanisa kuwana chero upi hake chiremba waanoda.Akanga ainemumwe chirembawechiJudha akanaka kwazvo uyoakasangana neni panzvimbo yemukati zvino ndokuti kwandiri,“Hapana kana mukana wekuti ararame.”113 Zvino ndakaenda ndokupfekenyedza ruwoko rwangu pasipetende remweya wekufema, ndikati, “Bill, uri kundinzwahere?” Iye akagutsurira musoro wake. Ndikati, “ZVANZINAJEHOVHA, ‘Hausi kuzofa iko zvino.’”114 Svondo rimwe chete kubva ipapo, pandakapindamupurupitikuti ndiparidze Mharidzo yangu, hepanoi Hama Dauchvakauya vachifamba nemuchivakwa. Zvino pandakaendakwaFurr’s Restaurant, mhiri…Ndinoreva paBlue Boar, irimhiri muLouisville, hepanoi vakanga vari kubuda mumotokari,ndokuuya vachidzika nemugwagwa, vakatambanudza ruwokorwavo; zvingori chaizvo zviri maererano neShoko raMwari.Uye ave makore matatu kana mana apfuura; zvino hevanoipano pavagere zasi kuno chaiko, muShreveport (vanopfuuranemunyika, kwete nendege, nemotokari) uh-huh, vagere munomangwanani ano. “Makorokoto ezuva rekuzvarwa, HamaDauch.” Zviri kubvamunyika yose, kubva kwese-kwese. “Mwarivakuropafadzei!”115 Ndakavabhabhatidza, mushure mokunge varimutrinitariani, ndakavabhabhatidza pavakanga…vari panemumwe musangano wangu wekutanga, apo Hama BanksWood vakatozovapa hanzu dzavo (ivo murume ane mumhuwakakura, sokuona kwenyu), zvino vakapinda muchidzivandikavabhabhatidza pamakore anenge makumi maserenemashanu kana makumi mapfumbamwe okuberekwa, muZitaraIshe Jesu. Vanoti havana kumbobvira vakwanisa kunzwazvakanaka kusvikira vawana chengetedzomune chimwe chinhu.Zvadaro vakawana zuva rokuberekwa uko kwavasingazofivakachembera. Ndizvozvo chaizvo, Nyika iya huru. Naivowovari kutotarisira kurarama kusvikira pakuona Kuuya kwaShe;zvinogona kuitika. Asi kana vari vazovata, ivo…uye isutakasvinura panguva iyoyo, vachauya kutanga. Ndizvo. Saka,Hama Dauch, hapana nzira yekuzvipotsa. Muri mugwarachairo. Garai ipapo, hama yangu, uye Mwari vakuropafadzei.Uye ndinotenda Ishe nokuda kwemunhu akanaka akadai, uyenokumupa makore ose aya.116 MuBhuku reMakoronike, “Kuyedza kuitira Mwari basaikwo kusiri kuda kwaVo.” Mwari vanozvitonga vega, kutanga,tinoda kuzvinzwisisa izvozvo. Vanhu nhasi vari kushaiwa kuzivakuti sei tisiri kugona kuva nerumutsiriro. Munotenda herekuti Mwari vanozvitonga vega? Munoona, Bhaibheri rinotauranenzira iyoyi.117 Uye tinoedza…Pandanga ndiri kukurukura nebokarehama dzangu dzakanaka, hama dzechiBaptisti, nguva shoma

Page 21: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 21

yapfuura, zvino vakati, “Hama Branham, tinongokwanisa bedzikuva nerumutsiriro kana tikatora Shoko, shoko rimwe nerimwe,peji imwe neimwe, vara rimwe nerimwe.”118 Zvino ndikati, “Ndinotendawo zvakare, peji imwe neimwe.”Iye ndokuti…ndikati, “Vanga vari kuedza kuita zvakadaronguva dzose.”119 Akati, “Asi tinofanira kuwana dudziro yechiGiriki yeShoko,zvinotaurwa nechiGiriki.”120 Ndikati, “Handina kuverenga zvakanyanyisa, asimukuverenga nhoroondo yekereke, neNicaea Council, uyenePre-Nicaea Council, neNicaea Fathers, nezvimwe zvakadaro,vaiitirana nharo kareko pamusoro pechiGiriki. Ave makorezviuru zviviri zvakapfuura. Mumwe akati, ‘zvinoreva zvakati,’uye mumwe anoti, ‘Zvinoreva zvokuti. Shoko rechiGirikirinoreva zvakati.’”121 Sezvakangoita mutauro wedu; shoko rokuti kuona.Shandisa shoko rokuti kuona, unogona kureva “nzvimboine mvura yakawanda, ndinonzwisisa kudaro,” kana zvinhuzvakawanda. Bhowa, zvinogona kureva, “kuboora mwena,kumbofamba-famba,” kana—kana “wandibhowa,” kana kuti“wandibhadharira pokugara,” kana kuti zvinogona kurevachero…zvinhu zvakawanda. Zvino mavara maduku iwayo,nezvakadaro, anoshandura zviri kurehwa zvachose. Sakahauzombozviiti saizvozvo. Mwari vakaRinyora saizvozvo,nokuti…122 Uye Shoko rose rakafemerwa, uye Akataura kuti,“NdinoKutendai, Baba, Makavanza zvinhu izvi kubva kumesoevakachenjera nevakangwara, uye nokuzvizarura” (ameni)“kuvacheche avo vanokwanisa kudzidza.” Chizaruro chaKe,sokutaura kwandakaita usiku hwapfuura, “AchaZvizarurakuvacheche.”123 Ndakati, “Hazvimboshandi, changamire.” Ndikati,“Rumutsiriro harwumbofi rwakauya kusvikira Mwari, Mwarivanozvitonga voga, varwutumidzira; uye zvadaro Vanokwanisakutora kamwe kamunhu kasina basa zvako kasingambogonikusaina zita rako, zvino wozviita naiyeye, uyo asingagoni kanaChirungu chakanaka ko kuzoti chiGiriki.”124 Ndizvo zvaVakaita munguva iyo Petro akaparidzapaPentekosti, munoziva, akanga asingagone kana kusainazita rake, asina chaanoziva uye asina kudzidza. Asi Mwarivanoita zvinhu nenzira isinganzwisisike kumafungiro eduenjere. Ndizvo zvinoita kuti ave Mwari. Dai Vaitora bokarevadzidzi vebhaibheri nevaremekedzwa, nevamwe vakadaro,vaizoti, “Kaifasi uya akangwara, munoona, akanyatsozviitanemazvo.” Asi Mwari vakadzika zvino ndokuwana varaurivehove vakanga vasingagone kana kusaina zita ravo, zvinoivavo ndivo vaVakatora. Ndivo Mwari, Vanotora chimwe chinhu

Page 22: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

22 SHOKO RAKATAURWA

chisina basa vagogadzira chimwe chinhu kubva kwachirikuti iVo Vagokudzwa. Vakatora nyonga-nyonga ndokugadziraEdheni. Uh-huh, ndiMwari.125 Zvino, kana paine munhu ane hurongwa hwezverumutsiriro,ihama yedu inoremekedzwa, Billy Graham. Asi hurongwahwakanaka, asi hurongwa haurwufambise, zvinotora simbarinofambisa kuti rwufambiswe. Unogona kugadzira motokari,woisa zvigaro zvakanaka mairi, wogadzira mapistoni akanakauye—uye woratidza nesainzi zvainogona kuita; asi kunzekwekunge simba rinofambisa riripo, inongori chinhu chakafa.126 Saka, murumutsiriro rwekuWales, rumwe rerumutsirirorwedu pasati pava nerwePentekosti, hapana anoziva kuti chiichakatangisa rumutsiriro urwu, raingova boka revanhu.127 Zvino, kana tichinge tawana zvose …shamwari yedu,Billy Graham, achawana maPresbyteriani ose, nemaLutherani,nemaPentekosti, nezvose pamwe chete, opinda muguta zvinoimomo vova negungano guru rezviuru vari pamwe chete, uyezviuru makumi matatu anouya (mumasvondomaviri) zvino vopamoyo yavo kuna Kristu; ukadzokera mamwe masvondo maviriunenge usina kana mumwe chete. Munoona, ndiwo hurongwa.Asi rega Mwari munyasha dzaVo dzinozvitonga vangotauranekamwe kamupengo, sokutaura kwatingaita, kamwe kamunhukasingazivikanwe; vorega Mweya waVo uchiwira muguta zvinovarume vanotadza kuenda kubasa, madzimai vanotadza kusukandiro, musikana webasa anotadza kuwaridza mubhedha,vachidanidzira nokuchema vakasimudza mawoko avo mudenga.Ndirwo rumutsiriro, rwuri mukuda kwaMwari.128 Zvinonzi vamwe varume varemekedzwa vanobva mukerekevakaenda kuWales kuti vanonzwisisa, kana kuti kunoongororakuti hurongwa hwakadini hwaive murumutsiriro, munguvayerumutsiriro rwaive kuWales. Zvino pavakaburuka vachibvamungarava vakapfeka nguwani dzavo refu, nemakora avoedenderedzwa; ndokuona, kuchiuya kudzika nemugwagwa,mupurisa muduku, achivheyesa-vheyesa tsvimbo yakesezvizvi, achiridza muridzo; vakati, “Munhu wangu akanaka,ungandiudzewo here kune rumutsiriro rwekuWales?”129 Akati, “Hongu, hama dzangu,makamira pakati parwo!”Uh-huh, uh-huh, uh-huh. Akati, “Nzwisisai, ini ndini rumutsirirorwekuWales,” ndokuti, “nokuti rumutsiriro rwekuWales rwurimandiri.”130 Ndiko kuzvitonga! Ndizvo zvinoitwa naMwari, uyendiYe oga ane kodzero yekutumira rumutsiriro. Kwete kuisahurongwa pamwe chete, kunamata kuti Mwari vatumire simbarinofambisa—simba rinofambisa.131 Vanongozarura bedzi Shoko raVo mune vakafanotemerwa.Zvino, kana ndikashandisa shoko rokuti kufanotemera…Zvino, ishoko risina kunaka kushandisa paruzhinji,

Page 23: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 23

kunyanya kana tiine gungano revanhu vakasangana pakatipemaArminiani nemaCalvinisti. Uye kwete…Ndakukumbiraikuti musafunge kuti ndinoZviziva zvose, asi vari vavirivakakanganisa paRugwaro. Nyasha ndizvo zvandakaitirwanaMwari, mabasa ndiwo andinoVaitira. Maona? Zvadarozvino waZvibata. Kana ukakwira pane rimwe remapazi aya,zvirokwazvo unozozviwana wave kumagumo ebazi iri uyeusisagone kudzokera. Bhuku revaEfeso rinozvidhonzera pamwechete, ndinofunga.132 Zvino, asi shoko, pandinorishandisa, kufanotemerwa,musafunga kuti ndiri…ndiro shoko roga randinoziva kutindigo—ndigogadzira…Kufanoziva kwaMwari, munoona,kwaVakafanoziva. Ivo—Ivo havakwanise kuti…Va—Vakafakuti vose vagoponeswa, Vakazviita, asi nokufanoziva kwaKeAkafanoziva uyo aizozviita neaisazvozviita. Maona? NdizvozvaVanoziva, ini handizvizive uye iwe hauzvizive, sakatinoshingairira ruponiso rwedu pachedu nokutya nokudedera.133 Zvino, asi Mwari vane Shoko raVo riri muhurongwa, uyezvakadaro mumazera ose. Kufanoziva kwavo kwakaVaitakuti vagadze mukereke, uye nemuvanhu, zvimwe zvinhuzvaVakaita kubvira pakutanga. Zvino Evhangeri inenge irikuparidzwa kuzera iroro inongozarurwa bedzi kumhando iyoyiyevanhu, vamwe vose havaIone. Maona? “NdinoKutendai,Baba Mavanza zvinhu izvi kubva kumeso evakachenjeranevakangwara, ndokuZvizarura kuvacheche vanogonakudzidza.” Munoona, ndiko kufanotemera. Kwete kutiVakazviita sokuti, munoti, “Ndichasarudza iwe, uye ndoregakusarudza uyu.”Nekufanoziva kwaVo, Vaiziva zvawaizoita.134 Nokuti iVo havana magumo…Munotenda here kutihaVana magumo? Kana Vasina kudaro, haVakwanise kuvaMwari. Zvadaro, munofunga, nokuti havagumirwe: Vaizivanhata yose yaizenge iri panyika, uye kuti kangani apo nhataidzi dzaizobwaira meso adzo, uye kuti nhata imwe neimweine mafuta akadini, shizha rose reuswa rayaizogara pariri;ndiko kusagumirwa. Uye isu tinogumirwa, tinodzedzerekamurima. Mwari vakatifananidza nemakwai, uye tinofanirakuva neMutungamiri. Uye Mutungamiri uyu haasi munhu,Mutungamiri uyu Mweya Mutsvene, Mweya waKristu pakatipedu. “Muchinguva chishoma nyika haizoNdioni zvachose.”Mutumbi waKe wakasimudzirwa kuChigaro cheushe chaMwari,apo paimbova neMweya uri paChigaro choushe; iye zvinoKristu ari paChigaro choushe, Jesu. “Muchinguva chishomauye nyika haizoNdioni zvachose, asi imi muchaNdiona, nokutiNdichange ndinemi kusvika kumagumo enyika, kunyangemamuri.” Chigaro choushe chaMwari, chaKristu, chakavakirwamumoyo mako; uye Agere muChigaro choushe chaMwari, asimuMireniyamu Anogara muChigaro chaKe choushe pachaKe;apo, Akapika kuti Aizosimudza Murume uyu, Mwanakomana

Page 24: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

24 SHOKO RAKATAURWA

waKe, Mwanakomana waDhavhidhi, kuzogara paChigarochaKe choushe.135 Zvino, Anozarura zvinhu izvi nokufanoziva kwaKe kuneavo vaAkafanotemera kuzvinhu izvi, kana zvisina kudarohavaZvione. Vanonyatsomira ipapo, vakanytsoZvitarisa, uyevotadza kuZviona.136 Vangani vakamboona mufananidzo wemhou iri mugwenzi,yaunofanira kutarisa ugotarisa? Makamboiona here iyoyo?Kana, kuona mufananidzo waKristu ari mugwenzi,kana muchadenga, kana mumakore? Munoona, mupendiakanyatsoigadzira kusvikira unofanira kutongoitarisa neimwenzira. Saka, zvino, kana ukangozoiona, hauzombooni zvimwezvekunze kwaiyoyo. Nguva yose paunotarisa, heyoka iyo. Vanganivakamboona mifananidzo iyoyo? Zvakanaka, chokwadimakadaro.137 Saka, ndizvo zviri Kristu, pachaKe, Evhangeri, Mharidzozvairi. Kana ukangoona bedzi Mharidzo yenguva, hapanazvimwe zvakare zvaunogona kuzoona kunze kwaYo. Ndizvozvoga. Zvimwe zvinhu zvose zvapfuura, zvose zvasarandezvekungozadzikisa, munoona, munoona, kana uchingewaona Mharidzo!138 Ndizvo—zvaive munguva yaNoa. Apo Noa neboka rake…munoona sei…Pavakaona Mharidzo, zvimwe zvose zvakashayabasa. Apo boka raMosesi parakaIona, zvimwe zvose zvakashayabasa. Apo boka raJohane parakaIona, zvimwe zvose zvakashayabasa. Apo boka raJesu parakaIona, zvimwe zvose zvakashayabasa. Apo boka revaapostora parakaIona, zvimwe zvosezvakashaya basa. Apo boka raLuther parakaIona, bokaraWesley parakaIona, boka rePentekosti parakaIona, zvimwezvose zvakashaya basa, vakabuda kubva mune zvose. Sei?Nokufanoziva kwaKeAkafanotemera zvinhu izvi kuti zviitike.139 Anosarudza munhu waKe pachaKe nokufanoziva kwaKe.Sokutaura kwaAkaita muna vaRoma 8 pano, kuti Isau…kuitira kuti—kuitira kuti kusanangura kwaMwari kuvekwemazvirokwazvo. Kuti Isau naJakobho vari vaviri vakabarwanevabereki vatsvene, mapatya, kuitira kusanangura kwaKekumire zvemazvirokwazvo nemuzvokwadi, Akati, “NdinovengaIsau, uye ndinoda Jakobho,” pasina kana mumwe wevakomanaava akanga aberekwa. Maona? Anoziva zviri mumunhu,Anozviziva kubva kumavambo zvazvainge zviri, nokudaroAnokwanisa kuita kuti zvinhu zvose zvigonyatsoitikamunguva yazvo chaiyo. Tinosvika pakuhuta-huta nekunetseka;haumboMuoni achinetseka. Havadaro…Maona? Zvinhu zvosezviri kufambirana zvakanaka, nemazvo, nguva iri kufamba.140 Zvinhu izvi zviri kufanira kuitika, madzimai ose aya anevhudzi pfupi, uye nevarume ava vane ravo…sokunge vanevhudzi seremadzimai avo. Ndinovaona, zvirokwazvo, vane

Page 25: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 25

maroller anopendera muvhudzi ravo, voripendera mudengapano pamberi. Kutsveyama kwakadini! Ndizvo zviberekozveEdheni raSatani. Uye nokuita somudzimai: ari kuedzakudimbura vhudzi rake seremurume wake; murume wakeari kurega vhudzi rake richikura seremudzimai wake. Uyemudzimai ari kupfeka hanzu dzemurume wake, zvino iye arikupfeka hanzu dzemudzimai dzemukati. Munoona, hezvokaizvo. Mudzimai ave kuita zvechirume, uye murume avekuita zvechikadzi. Munoona, iEdheni raSatani, zvichipesananemagadzirirwo azvakaitwa naMwari pakutanga. NdichoChokwadi.141 Kana ndikasatanga, hatizopindi mune izvi. Asi zvinhu izvi,uye nenzira yaAnofanira kuzviita, uye kuti ndiyani achazviita,iyoyo inzira yaaKazvisarudzira pachaKe, Anosarudza. Ndiyonzira yaAnoda kuti zviitwe.142 Sokunzwa kwandakaita Hama Pearry Green, mufundisiwedu kuTucson, vachiparidza pane umwe usiku pamusoropokuti Mwari vakagadzira zvinhu neimwe nzira (ndakanganwakuti chidzidzo chake chaive chokuti kudini), asi vakati, “Ndiyonzira Mwari yavanozvida, ndiyo nzira iyo Mwari yavanozviita.”Saka, ndizvo chaizvo.143 Zvino, ndiyani pakati pedu achaMuudza, “Akakanganisa”?Ndiyani angaita zvivindi zvokumira pamberi pechiso chaMwari,zvino oti, “Makakanganisa, Ishe, Munofanira kuzviita nenzirayandinoda kuti zviitwe, nzira iyo Chiremba Nhingi-nhingiakati zvinofanira kuitwa”? Ndiyani uyo warasika zvakadaromupfungwa dzake, kutaura chinhu chakadaro? Kwete,haungagoni kuuya uchizvitaura, asi unozvifunga!144 SepaMharidzo yangu yaAntikristu, “Pachasimukavanakristu venhema.” Zvino, haAna kuti vanaJesu venhema.Munoona, hapana munhu angamirira kudanwa kunzi “Jesu,”zviri mudunhurirwa raIshe. Asi vanakristu venhema zvinoreva“vazodziwa.”145 O, ivo, mumwe nomumwe anofunga kuti ane chizoro,“Kubwinya kuna Mwari, anokwanisa kuita ichi nekuitaicho!” Asi muise pakuyedzwa neShoko zvino woona kutianozogumirepi, munoona, Mharidzo yenguva.146 Vaiva nechizoromunguva yaJesu, asi kwete paAri.147 Vaiva nechizoromunguva…Kunyange Dhatani akanga ainechizoro munguva yaMosesi. Akati, “Iye zvino, usafunga kutindiwe mutsvene wega pakati pedu, Mwari vane vakawanda.Tichatongotanga sangano pano, boka revarume.”148 Mwari vakati kuna Mosesi, “Zvipatsanure kubva kwaari,”zvino Vakazarura nyika ndokuvamedza. Vakanga vapa ShokoraVo repakutanga kunaMosesi, Muporofita waVo; ndiyo nzirayoga yaVakambozviita nayo, uye nzira yoga yaVachazvozviitanayo. Havashandure zano raVo, munoona.

Page 26: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

26 SHOKO RAKATAURWA

149 Saka mazano edu akatsveyama, mazano aVo akanaka,nguva dzose. Uye usaedza kuVataurira kuti iVo “vakanganisa.”Hazvina basa kuti ndiyani watinofunga kuti ndiyeakanyatsokodzera, handisu tinotaura kuti ndiyaniakanyatsokodzera. Zvino, ipapo ndipo pamunopindamusangano.150 Imwe hama duku yakazadzwa neMweya Mutsvene inoendamune rimwe guta zvino yovaka rimwe sang-…vounganidzabo—boka rakanaka revanhu. Zvino pamusangano wemachechivanosangana, zvino hama dzose tsvene dzinowirirana,munoziva, zvino voti, “Munombozivei? Ndinotenda kuti Jonesmuduku pano,” (anongori mumwe muduku pakati pavo)“ndinofunga kuti anofanira kuva netabhenakeri iya huruyakanaka, ndinofunga. Hamufunge here kuti ndizvozvo?”Kwete, ini zvangu. Hezvoka atoenda. Zvino ungano inoparara.Maona? Patsanura ava! Mwari ndivo vanopatsanura, iVo ndiVoVanozviita. Asi ivo vose, mumwe nomumwe, anoda kutora uyumuduku, womuisa nechekuno uku, uye uyu zasi kuno uku.Ipfungwa yemunhu.151 Munhu ane makiyi, asi chaizvo Mwari ndivo vakabatamakiyi. Vakapa vadzidzi, kereke tsvene, makiyi; zvinotarisai kekutanga pavakaishandisa, apo Judhasi akanga awakubudikidza nokudarika. Vakauya pamwe chete ndokukandamujenya; zvino hama tsvene. Ndiyani angati vakanga vasirihama tsvene? Ndiyani anoti vakanga vasiri vatsvene? Asivakakanda mujenya, zvino ndokuwira panaMatia. Zvinopaaka…Chii chaakamboita? Hapana. Asi Pauro ndiye aivamusanangurwa! Ameni. Ndiko kwaive kusarudza kwaMwari:mumwe muJudha muduku, ane munho yakakokonyara,aitsvinya, ane hasha. Kwete Matia, weD.D., munoziva, iye—iye akanga…NdiPauro. Mwari vakasarudza Pauro; kerekeyakasarudza, ikasarudza Matia. Maona? Hauna kodzerodzekuudza Mwari kuti iYe “akanganisa.” Vanoziva zvokuita,Vanoziva kuti munhuwacho akagadzirwa nei.152 Ndiyani angadai…Kereke iya yakasarudza Pauro? O,kwete, kana zvachose. Vakati, “Muchinda iyeye ndiye ari kutiisatose mujeri.”153 Asi Mwari vakati, “Ndichamuratidza izvozvaachatambudzikira nokuda kwaNgu.” Vanoziva zvinhu.154 Zvakanaka, zvisinei kuti ndiyani watinofunga kutiakakodzera, Mwari vanoziva akanyatsokodzera nokuti Vanozivamoyo wemunhu, Vanoziva.155 Kana rumutsiriro, kana zvinhu izvi, hazvingoitiki panguvayatinofunga kuti zvinofanira kuitika. Tinofunga, “Ndeinonguva yacho iko zvino, kubwinya kuna Mwari!” Ndinoonamumisangano yedu nezvimwe zvakadaro zveveBusiness Men,“Pari kuuya iko zvino, hareruya, rumutsiriro rukuru!”

Page 27: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 27

156 Musanyengerwa, “Akatouya kare, uye vakaita kwaAri zvaivezvakanyorwa.” Maona? Asi vanofunga kuti pane rumutsiriro.Rwuri kuiitika here? Kwete! Rwakaitika, rwakafa, rwakapfuura.Uh-huh. Cherechedzai, ino inguva yokugadzirisa marambi,kubuda kunze nokupindamukati. “Avo vanomirira panaJehovhavachavandudza simba ravo.”157 Cherechedzai pataverenga pano, cherechedzai Dhavhidhi,mambo weIsraeri, ndiye akawana chizaruro chokuunza arekayaMwari kuti idzokere kunzvimbo yayo; nokuti, havanakumbobvunzira areka mumazuva aSauro nokuti Sauro akangaadzokera shure. Saka havana kumbobvunzira areka zvachose,sungano, mumazuva aSauro, nokuti akanga adzokera shurezvino ndokubva panaMwari. Saka Dhavhidhi, nokukasika,nokufemerwa…Zvino cherechedzai izvi, chidzidzo chokutiunogona kunyengereka kana ukasachibata zvakanaka. Uye ndirikunzwa kuti nguva iri kuuya apo patinofanira kuva varumepanzvimbo yokuva vana. Uh-huh. Tinofanira kuva nenyamayakasimba panzvimbo yemukaka.158 Cherechedzai Dhavhidhi, mambo weIsraeri, mambo akangaachangobva mukuzodzwa kuva mambo; kana kusarudzwakuve mambo, Sauro…Samueri akamuzodza maereranonokuda kwaMwari; uye akanga ari zvemazvirokwazvo mamboakasarudzwa naMwari, pasina kupokana pazviri. Zvino heunoiuyu pano, zvino kufemera kwamurova. Zvakazarurwa kunaDhavhidhi. Akawana chizaruro, hapana mumwe munhu akangaambotaura nezvazvo. “Handei tinotora areka, nokuti ndiko kudakwaMwari kuti tive neareka kuno nesu, kuti tigobvunza Mwarineareka iyi.” Chinhu chakanaka kwazvo, kwazvo. Hamufungekudaro? Zvakanaka.159 Rangarirai, asi, iye ari mambo, zvino ndokuwana chizaruro,akadarikira nzvimbo yake. Paiva nemuporofita munyika ainziNatani, ndiye akanga akatemerwa kuwana chizaruro. Kanapaine chaida kutaurwa, Akati, “Jehovha havana chavanoitakusvikira Achizarurira kuvaranda vaKe muporofita.” Asi,munoona, Dhavhidhi ari mambo, aine chizoro paari…Zvino, iGwaro here? Chizoro chiri paari, zvino ndokuwanachizaruro chechokwadi; asi chakanga chakatsveyama: NokutiNatani ndiye aive muporofita wezera iroro; zvino chizarurohachina kuuya kuna Natani; zvino chizaruro pachakauya kunaDhavhidhi, haana kana kumbobvunza Natani pamusoro pacho.Akanga ari kuzongoenderera mberi uye nokuita izvo zvaaingeari kuda kuita. Uh-huh.160 Asi cherechedzai vakabvunzwa naDhavhidhi panomuchitsauko 13, “Asi akabvunza vakuru vezviuru nevemazana,”akadzokera kuungano yake. Maona? “Zvino, hamufungi herekuti tinofanira kuita…?” Handizvo. Zvino, akanga ari kuedzakuitira Mwari basa, asi akanga asina kugadzwa kuti ariite;munoona, nokuti Mwari vaiva nenzira yavo.

Page 28: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

28 SHOKO RAKATAURWA

161 Zvakangofanana sezvo Mwari vaigona kunge vakatauranama—mambo pamusoro peronda nekupora kwake, asi haVana,Vakanga vaine nzira yakagadzwa yokuzviita nayo, yaivemuporofita waVo. Saka Vakataura nemuporofita, Isaya,ndokumuudza kuti adzokere anotauriraHezekia zvaizoitika.162 Zvino, Hezekia akanga ari kutaura chiso nechiso naMwari,uye—uye Mwari vaigona kutaura naHezekia, ndizvo chaizvo,asi Vakagadzira dzimwe nzira! Mazvinzwisisa? Mwari vanenzira yaVo pachaVo yakagadzwa yokuita zvinhu: kutumirarumutsiriro, kureva, kutaura, chero zvazvingave zviri. Vanenzira yaVo yokunozviita nayo, uye isu hapana zvatiri kuVaudzamaitirwo acho. Vanozviita nenzira inoVafadza kuzviita.163 Saka, munoona, Dhavhidhi, akafemerwa…Zvino,munorangarira ndakati, chizoro, chizoro chenhema? RangariraiMweya Mutsvene unokwanisa kuuya wozodza munhu,uye zvakadaro zviri kunze kwekuda kwaMwari. Pano,Zvinozviratidza ipo pano. Maona? Tinofanira kupfuuranemunzira yazvinoitwa nayo naMwari, kwete nzira dzedu,nzira yaMwari yekuzviita. Nokuti, Dhavhidhi, ari mambo,akazodzwa, akazodzwa neMweya waMwari paari (mufananidzowaJesuKristu), asi rakanga risiri iro gwara raMwari.164 Uye ungano yose, “zvakavafadza,” Bhaibheri rakadaro.Cherechedzai, vakuru vezviuru nevemazana, nevaprisitawozvakare nevadzidzi vebhaibheri vakafunga kuti zvakanga“zvakanaka kwazvo.” Hezvoka izvo zvikoro zvenyuzveBhaibheri nezvimwe zvose, vakafunga kuti zvaive“zvakanaka kwazvo.” Kunyange vanhu vose vakawirirana,nevaprisita, ne—nevamwe vose vakabvumirana kuti chizorochamambo chakanga chakanaka. Cherechedzai! Asi Mwarivakanga vasina kuvimbisa kuzarura Shoko raVo mumwakawaRo kwavari. Mwari vaiva nenzira yaVo yokuzarura ShokoraVo, asi kwete kwavari. Rangarirai, zvaipesana naMwari.165 Zvakaita semumazuva aMikaya mwanakomana waImura.Munorangarira here nyaya iyoyo? Judha neIsraeri vakangavakapatsanurwa, uye vakanga vaine humambo huvirihwakasiyana, zvino Ahabhu akanga ari mambo pamusoropehumwe humambo. Uye Jehoshafati akanga ari pamusoropehumambo—mambo hweJudha, ndinotenda ndizvo zvazvaiva;uye Ahabhu aiva pamusoro peIsraeri, Jerusalem.166 Cherechedzai, zvino kwakauya boka revatorwa ndokutorachimwe chikamu chenyika yakapiwa naMwari iyo Mwarivakanga vapa kuIsraeri, uye vaFiristia vaya kumusoro kuno,kana kuti vaSiria, vakanga vakabata nyika iyi uye vakangavari kutoriritira vana vavo kubva panyika yaiva yeIsraeri. Zvinosaka vakanga vari kuda nyika iyi kuti vawanirwe vana vavonemhuri dzavo chokudya.Mwari vakavapa…Idzodzo dzakangadziri kodzero dzavo dzavakapiwa naMwari.

Page 29: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 29

167 Saka zvino Ahabhu akadanira Jehoshafati zasi ikoko,uye ndokuti, “Dzika zasi kuno.” Akati, “Tarira uko ugoonazviri kuitwa nemuvengi wedu. Zvakanakawo here kuti isu,vanhu vaMwari, vane kodzero yavakapiwa naMwari kutitinofanira kuva nenyika iyi, ndeyedu, Mwari kubudikidzanemuporofita waVo, Joshua, akagoveranisa nyika ino, inofanirakunge iri yedu; ndeyedu, nekuvana vedu, uye hezvinoipano makommunisti vaitora, zvino isu tine…Tine nzarazvikuru, uye vane kodzero dzedu dzatakapiwa naMwari.Haufunge here kuti tinofanira kuenda kumusoro ikoko zvinotonotora nyika yedu zvakare? Kana ukabatanidza mauto ako:kana imi maMethodisti, nemaPresbyteriani, nevamwe vose,nemaPresbyteriani, nemaLutherani, nevamwe vakadaro, mosemotora ecumenical council pano zvino, tose tozogara pamwechete, zvino tizonotora nzvimbo iyi.” (Ndiri kureva uye ndirikutaura nemumufananidzo zvino.) “Tichaenda kunoitora.”168 “Sei,” ndokuti, “zvirokwazvo, tose tiri vamwe.”Uh-uhu.169 Zvino, Bhaibheri rakati, “Ko vaviri vangafamba vose seikunze kwekunge vachiwirirana?”Munoona?170 Ndipo apo murume uya mukuru, murume uya mukuruwePentekosti, Jehoshafati, akazvibatanidza neboka risiri iro.Uye ndizvo zvakaitika kumaPentekosti edu nhasi. Munevamwe varume chaivo imomo, asi vakazvivhenganisa nebokariya resangano. Budai kubva muchinhu ichocho! ChakatukwanaShe!171 Cherechedzai zvino! Heunoi uyo, zvino akati, “Hongu,zvinonzwika sepfungwa yakanaka.” Ndokuti, “Ngoro dzedudzehondo ndedzenyu; vanhu vedu. Ko handiti, tose tiri maJudha.Ichokwadi, tichaenda newe.” Asi pane kunamata kwakasaririramuna Jehoshafati kuti ati, “Haufunge here kuti ti—tinofanirakubvunza Ishe kutanga?” Maona? “Ndinofunga kuti inenge iripfungwa yakanaka.”172 Handiti, Ahabhu, “Ndizvozvo chaizvo.” Ndokuti, “Handiti,o, chokwadi, ndanga ndichifanira kunge ndazvifunga.”173 “Saka, pane here munhu waMwari kune imwe nzvimbo?Mungavawo here nemuporofita?”174 “Ah, ndine mazana mana avo. Ndine boka rose rekanzuruzasi kuno, sangano rose. Vaporofita vechiHebheru.”175 Zvino rangarirai, Bhaibheri rakati vakanga vari “vaporofita,vaporofita vechiHebheru,” kwete vaporofita vechihedheni,vaporofita vechiHebheru; chikoro chavo, seminari yedzidzoyebhaibheri.176 “Saka, vaunze kuno!”177 Zvino madzimambo vakazvishongedza zvino ndokugarapamberi pake kuti vafadze muporofita. Zvino hepanoi panouya,ndinotenda kuti akanga ari Zedhekia akauya, mukuru-mukuru

Page 30: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

30 SHOKO RAKATAURWA

wekanzuru yedunhu, kana chero zvaaiva, akauya ikoko pakatipavo. Akazvigadzirira nyanga mbiri huru, akati, “Ndanzwakubva kuna Mwari. ZVANZI NAJEHOVHA, ‘Nenyanga idzimuchasairira vaSiria kusvikira vabudamunyika.’”178 “Okubwinya!”munhuwese akafunga kuti zvaive zvakanakazvikuru, zvakarurama.179 Tarirai kuti zvinosvika pedyo nepedyo sei zvakatetepasereza zvino, pakati pechakanaka nechakaipa. Uye rangariraizvichawira kune rimwe kana kune rimwe divi racho,kusvikira zvinodzika pazvinosvika pane imwe nguva serezayakarodzwa uri mutsauko pakati pezvakanaka nezvakaipa.Zvinofanira kunge zviri Shoko rose raMwari; kwete zvinengerose Shoko, asi rose Shoko! Uye zvasvika nhasi, kwetekumaLutherani, kwete kumaMethodisti, kwete kumaPentecosti,asi kuzera riya rakatesva, muzera rino apo chizorochaantikristu chakanyatsokwana, chinogona kunyengera chaivoVasanangurwa, vanowira kudivi risiri iro kana vakasangwarira,sechimupfedzekerwa. Tarirai! Ngwarirai! Hatisi kuraramamuzera rePentekosti zvino. Tapfuura zera iroro, zvimwe chetesokupfuura kwatakaita Lutherani, nekupfuura…Maona?180 Cherechedzai. Zvino vaporofita vose vakaporofita, vaivamazana mana, vanodya zvakanaka, vakagadzirwa zvakanaka,vaporofita vechiHebheru vakavapupurira, muhumwe, “ZVANZINAJEHOVHA, ‘Kwira ikoko, Ishe vanemi.’”181 Jehoshafati akati, “Zvakanaka, izvozvo—izvozvozvinonzwika sezvakanaka. Asi,” ndokuti, “hamuna heremumwe?”182 “Mumwe zvakare? Tine sangano rose pano, tine kanzuru yoseyakaungana pano. Komunodireikomumwe zvakare?”183 Akati, “Ah, asi ndafunga kuti zvichida panogona kuvanemumwe zvakare.”184 Akati, “O, hongu, pane mumwe zvakare, asi haasiwekanzuru ino.” Uh-huh. “Munhu akadzingwa. NdiMikaya,mwanakomanawaImura, uye ndakamuvenga.”Maona? Ndokuti,“Havambomugamuchiri muruwadzano, uye zvakare anongorimunhuwo zvake akadzingwa. Uye iye nguva dzose, zvosezvaanoporofita, hambokurudziri seminari yangu nepadukupose.” Uh-huh. “Uye anoita zvinhu zvose izvi zvakaipa,anongogara achiporofita zvakaipa pamusoro pangu, kuti angovaakasiyana.”185 “O,” Jehoshafati akati, “haiwa mambo musataura chinhuchakadaro. Asi ndinoda kunzwakutimurume uyu anoti kudini.”186 Ndokuti, “Zvakanaka, tichanomuwana.” Saka vakatumakunze kune imwe nzvimbo murenje, uye ndokutuma mumwemurume.

Page 31: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 31

187 Akati, ndokumuudza, ndokuti, “Zvino, panzira yakoyokudzoka zvino, ndinoda kukuudza chimwe chinhu. Unodakudzokera zvakare musangano here?” Maona? “Unoda herekuwadzana nevamwe vose zvakare? Kana uchida, taura chinhuchimwe chete chinotaurwa nemukuru-mukuru wedunhu,taura zvimwe chete zvinotaurwa nabhishopi, zvino vanobvavanyatsokuunzamukati. Ino ndiyo nguva yekuzviita.”188 Asi mungafungidzire here muporofita waMwari akazodzwa,wechokwadi achirerutsa paShoko rimwe raMwari? Kwetezvachose!189 Akati, “Chero Ishe vachirarama, ndichangotaura bedzizvinotaurwa naMwari!” Tinoda mumwe mwanakomanawaImura. “Chero bedzi Ishe vachirarama, ndichataura bedzizvaVanotaura.” Ndizvo chaizvo, “ZvaVanotaura.”190 Saka pavakadzikako pamberi pevanhu, vaporofita vose,vakati, “Zvino, munoti vari…”191 Akati, “Mirai, ndipei usiku hwanhasi, regai ndione kutiIshe vanoti kudini.” Saka, usiku ihwohwo, Ishe vakauya kwaarimuchiratidzo zvino ndokumuudza zvokutaura.192 Mangwanani akatevera akati, “Ko unoti kudini, Imura?”apo vose vainge vakamira ikoko…Ndinoreva “Mikaya,mwanakomana waImura,” ndokuti, “saka unoti kudini zvino?Tiri pano tose pamwe chete, vaprisita vose, nevaporofita vose,nemadzimambo ose, nezvinhu zvose zvigere pano pamwe chete.Ko unoti kudini zvino kukanzuru ino huru?”193 Ndokuti, “Endai kumusoro ikoko,” ndokuti, “asi ndaonaIsraeri yakapararira semakwai asina mufudzi.”194 Zvino Ahabhu akati, “Ndambokuudzai kuti kudini!Mupanduki uyu anongogona bedzi kutaura zvakaipa pamusoropangu!”195 Aizokwanisa sei kutaura chimwe chinhu chakasiyana apoMwari vainge vari kutaura chinhu chimwe chete? Muporofitaanofanira kunge ari muromo waMwari uri kutaura, kwetemafungiro ake pachake. Ake…Muri kuona, akanyats-…akanyatsozvipira zvizere kuna Mwari, hapana chaanodakukuvadza, asi anotofanira kutaura zvinotaurwa naMwari,nokuti iye hapana chaanogona kuita nezvaZvo pachake.Maona?196 Akati, “Zvino, handina here kukutaurira?”197 Zvino hepanoi panouya mu—murume mukuru aine nyanga,ndokumuwatsura pamuromo, ndokuti, “Mweya waMwariwaenda nekupi paWaenda uchibva mandiri?” Nemamwemashoko, regai ndiedze kuzvijekesa, “Tarira muno…Tarira kuno, ndinoda kukuudza chimwe chinhu, Mikaya.Unocherechedza here kuti ndiri mazvikokota muMagwaro?Unocherechedza here kuti ndine chizoro?” Kana kuti,

Page 32: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

32 SHOKO RAKATAURWA

“Rubhabhatidzo,” tingadaro nhasi. “Unocherechedza here kutindinazvo?”198 Imura akati, “Handisi kuzvipokana izvozvo.”199 Akati, “Asi teerera! Mweya waMwari wakandiudza,ukapupurirana pamwe nevangu vose ava vanemazanamana varipano, kuti tiri ‘kuzosundira vaSiriya kunze kwenyika.’ Zvino iwendiwe ani angauya pano achitaura kuti mambo wedu mukuruari kuzouraiwa?” Akati, “Mweya waMwari wakanditauriraizvozvo.”200 Regai ndinyatsozvijekesa kuitira kuti mugozvinzwisisa.Uye pamwe tinowana Mikaya achiti, “Manheru apfuuramuchiratidzo, changamire, ndakaona Mwari vagere paChigarochoushe. Zvino ndakaona hondo yose yoKudenga igereyakaVapoteredza, uh-huh, zvino vakanga vaine kanzuruKudenga. Vakati, ‘Ndiyani watingawana kuti adzike pasikunonyengera Ahabhu? Nokuti pasi peChigaro pano panemuporofita, muporofita wechokwadi, zita rake ndiEria. Uyeakaporofita neShoko raNgu uye ndokutaura kuti “Uya Ahabhuakaipa, nokuti akauraya Nabhoti, imbwa dzichananzva roparemunhu uyu akaipa,” zvino tinofanira kuita kuti Izvozvozviitike nokuti Zvakatotaurwa kare, IZVANZI NAJEHOVHA!Zvinofanira kuitika, zvinofanira kuvapo. Uye ko tichazviitasei?’”201 “Zvino kubva kunzvimbo dzezasi dzevakarasika, kuzasi-zasi ikoko kwakauya mweya uchikwira mudenga, akati, ‘Ndirimunyengeri. Kana ndikagona kuKuitirai basa, ndichadzikazasi ikoko ndonobata muporofita wake.’” Nokuti vakangavanyatsori muhurongwa, vanongonzwisisa chinhu chimwechete, tumanyawi tushoma. “‘Zvino ndichavaita kuti vaporofitenhema. Uye ndichaita kuti Ahabhu ateerere varemekedzwaava panzvimbo yemuporofita weNyu wechokwadi; nokutianoongorora zvinhu zvose zvaanotaura neShoko reNyu,anoongorora zviratidzo zvake neShoko, anoongorora zvinhuzvose zvaanoita neShoko, zvino kana zvisingaenderaneneShoko haazviteereri. Asi kana izvo…ndinokwanisakunyengera vamwe ava, uye ndicha…ivo…Ahabhu aneruvimbo rwukuru mukubatana kukuru uku pamwe chetekwekuchengetedzwa kwavo, saka vanofamba vachienda kwesepamwe chete uye vanoungana pamwe chete. Zvino ndichaita kutiAhabhu avateerere, oenda kunze ikoko. Zvino ndiwo maitiroatichazviita.’”202 “Mwari vakati, ‘Unogona kuzviita, uri munyengeri chaiye;iwe chienda zasi.’”203 Zvino Zedhekia akamuwatsura pamuromo, ndokuti,“Wakanga uripi…?”204 Akati, “Uchazozviona pauchange wakagara mukamuriyemukati-kati.” Uh-huh.

Page 33: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 33

205 Akati, “Endai kumusoro ikoko!” Zedhekia akadaro kunamambo. Akati, “Endaikomugodzokamurugare!”206 Ahabhu akati, “Torai muchinda uyu mugomuisa mutorongo.Musungei nengetani, momupa chingwa chekusuwa nemvurayekusuwa. Uye kana ndadzoka nokukunda kwangu kunzeuko, izvo zvandaudzwa nevaporofita vangu kuti ‘rumutsirirourwu rwuri kufanira kuitika zvemazvirokwazvo,’” ndokuti,“ndichazomuona muchinda iyeyu!”207 Teererai kumashoko aMikaya okupedzisira kumurume uyu:“Kana muri mazenge madzoka, zvikadaro Mwari havanakumbobvira vataura neni.” Ameni.208 Munoona, Mwari vane nzira yaVo yokuita zvinhu. Varumeava vaifunga kuti vakanga vari kuitira Mwari basa. Ngwarira!Kwete manyawi, kwete kunakidzwa, kwete kufungidzira, asiinofanira kunge iri “ZVANZI NAJEHOVHA,” zvinofanira kungezviri izvo. Zvakanaka, hazvina basa…Tinoona zvinhu izvizviri izvo.209 Cherechedzai zvino apo Dhavhidhi akanga aita rairo huruiyi, uye zvaiita sokunge zvakanga zvakanaka, chinhu chakanakakuti chiitwe. Zvino tinoona kuti…(Ndiri kukunetesai?Handichisina nguva yokuva neimwe?) Vakanga vaita rairo huruiyi, haana kubvunza muporofita.210 Zvino, chero munhu upi zvake anoziva kuti Amosi 3:7yakataura kuti Mwari vakavimbisa kuti hapana chaVanoitavasina kutanga vazvizarurira kumuporofita waVo. Nemumazeraekereke takava nevavandudzi; asi ndokuvimbisa naMaraki 4kuti kuchava nemuporofita munyika mumazuva okupedzisira(nokuti zvinofanira kukwana muhurongwa iwoyo, munoona)nguva yekuguma isati yasvika.211 Jesu asati auya pakutanga, Eria akauya, Eria waMaraki3. Mateu 11 inotaura kudaro, “Kana muchigona kuzvinzwisisa,uyu ndiye uya akataurwa kunzi, ‘Tarirai Ndinotumira mutumwawaNgu—waNgu mberi kwaNgu.’” Zvino, Akaporofita, vosevadzidzi vebhaibheri vanozvitenda; kuti, muzuva rokupedzisira,Mweya waEria uri kuzouya, zvakare. Unofanira kuuyakashanu, Mwari vanoshandisa Mweya uyu: Erisha, Eria,Johane Mubhabhatidzi, uye newekereke yeVahedheni, uyezvenevaJudha vemunaZvakazarurwa chitsauko 11. Ndidzo, n-y-a-s-h-a dzaMwari, k-u-t-e-n-d-a, J-e-s-u, Jesu, va—vara reshanu.Haukwanise kumira pane ina, zvinofanira kuenda kune shanu.Maona? Cherechedzai!212 Zvino, Akazvivimbisa, saka zvinoisa Bhaibheri kuzuva rinochairo, uye iyo Sodhoma neGomora. Uye Eria akanga asina…Akanga asiri Eria; Wakanga uri Mweya waMwari pana Eria;Eria aingori munhu. Zvino, takava navana Eria, nemabatyeavanaEria, nemajasi ana Eria, nezvose zvavana Eria. Asi Eriawezuva rino ndiIshe Jesu Kristu. Ari kufanira kuuya zviri

Page 34: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

34 SHOKO RAKATAURWA

maererano naMateo wegumi nenomwe-…Ruka 17:30, iyo,Mwanakomana wemunhu ari kuzoZvizarura pakati pevanhuvaKe. Kwete munhu, Mwari! Asi zvinouya nemumuporofita.Zvino, haAna kumbova nevaporofita vakuru vaviri panguvaimwe chete, kwete zvachose, munyika. Maona? Hazvina basakuti kune zvakadini…misoro miviri—miviri haikwanise…Unofanira kunge uri musoro mumwe chete. Mwari vanofanirakuisa munhu mumwe chete pasi pesimba rekutungamirakwaVo. Maona? Pana Mwari mumwe chete; paiva naBaba,Mwanakomana, neMweya Mutsvene, asi Mwari mumwe chetepamusoro pazvo zvose, cherechedzai, zvino ndokungoshandisamahofisi aya. Saka ndizvo zvaVakaitawo naEria, MweyawaEria; Vakashandisa Mweya uyu, asi Mwari mumwe cheteachiUtungamira nguva dzose kuzadzikisa Shoko raVo.213 Zvino, cherechedza mune izvi zvino, Dhavhidhi akafungakuti akanga aine zvinhu zvose muhurongwa. Uye akangaakafemerwa. Munoona kuti Mweya Mutsvene unogona kuzodzamunhu zvakadini? Asi zvinofanira kunge zviri muhurongwahwechizoro. Mweya wekunze unogona kuzodzwa neMweyaMutsvene, asi munhu wemukati akasviba setara. Tsine inokuranemvura imwe chete inovaka…inoisa upenyu mugorosi, inoisaupenyu mutsine; asi pazasi petsine, pane upenyu hwetsine. Irikufara, nokudombera, uye ine hupenyu, pamwe nokuita izvozvose zvinoitwa negorosi, asi hupenyu hwemukati hwayo itsine.Maona? Vadzidzisi venhema vanogona kusimuka, vachidzidzisamhando dzose dzezvamwari muhutatu nezvimwe zvose, uyeange akazodzwa neMweya Mutsvene, uye agoita minanayakawanda inogona kungoitwawo neEvhangeri yechokwadi. AsineShoko pano, ndizvo zvinozviita. Munoona zvandiri kureva?Zvino, zvakanaka kudzidzisa izvi, ndinofungidzira, ndi—ndirimutabhenakeri inosanganisa masangano ose mangwanani ano,mu—muhotera iyi pano.214 Cherechedza, tarirai zvatiri kutaura. Zvino, zvakanaka,teererai. Dhavhidhi akanga aine manyawi ose aivamurumutsiriro rwemazvirokwazvo. Cherechedzai!Vakadanidzira, vakazhamba, vakatamba, vakanyatsowanachimwe chinhu kubva muchizoro ichi. Chokwadi vakadaro!Zvose serumutsiriro rwechokwadi, asi, munocherechedza,Mwari vakanga vasiri marwuri. Mwari vakanga vasiri marwuri.Vakanga vaine muporofita akanga agere munyika imomo.Vaifanira kunge vakaziva. Maona? Dhavhidhi aifanira kungeakazviziva izvozvo.215 Chimwe chinhu nhasi, tine hurongwa hwese, semasanganomakuru, mbuserere dzemunguva yedu, asi zvibereko zvachozviri kungofanana nezvazvaiva kareko; zvibereko zvembusereredzedu huru, uye nenjere dzedu huru dzakanaka, zvivakwa zveduzvikuru, nezvedu zvikuru…kuvaka zviuru, uye nokuwedzeranhengo nezvimwe, zvinoguma nenzira imwe chete, zvose

Page 35: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 35

zvinokundika. Handisi kuzvitaura kuti ndive ndakasiyana, ndirikuzvitaura kuti ndinge ndakatendeka pamberi paMwari, uYoane Bhuku randakamira naro mangwanani ano. Maona? Zvosezvinoguma zvakundika, zvibereko zvimwe chete.216 Iye zvino ngationei zvakaitika apo Mwari (munguva nezeraraVo) ne vaporofita vaVo pavanenge vasina kurangarirwa,vachingovimba nedzidzo yebhaibheri, vaprisita, zvemasanganosezvatinazvo nhasi. Zvino, nepedyo. Zvose zvinovhiringidzwa.Kana Mweya waMwari wechokwadi uripo, UnozvitungamiramuShoko; kwete nzvimbo imwe chete bedzi muShoko, Shokorose rezera rose. Maona?217 Zuva rePentekosti, Mweya wakazvitungamira muna iRoro,kuna Joere 2:38. Maona? Zuva raLuther, Wakazvitungamiramune iRoro; Wesley; mukufamba kwekupedzisira kunokwepentekosti; asi rino rimwe zera, kuno uku kudanirwa kunzekweMwenga. Kwete zviuru zviviri zvemakore paPentekosti,kana kudzokororwa, kana kudzokera. Pentekosti…218 Mweya Mutsvene wakanga uri muna Luther, MweyaMutsvene wakanga uri muna Wesley; iShoko raMwaririri kuzodzwa. Uye Mweya Mutsvene wakadzoka kuvanhuvezera zvino vakatanga kuva nokudzoreredzwa kwezvipo.Vakaona kuti, pakuzvipira pachavo kuna Mwari, MweyaMutsvene wakataura nendimi nemavari. Vakaisa mawoko avopane vanorwara, uye vakapodzwa. Vakatamba muMweya.Maona? Rakanga riri zera rekuvandudzwa richidzoserakereke muhurongwa. Zvino hurongwa hwekupedzisirahwekereke kwaiva kuiswa kwezvipo mukereke; saLutherakaisa kururamiswa, Wesley akaisa kucheneswa, Pentekostiikaisa zvipo. Asi chii chavakaita? Kukanganisa kumwe chete,sezvemasikirwo zvakafananidzira negunde regorosi, vakaitasangano, zvinopikisana naMwari, zvinopesana naMwari.219 Zvino, tinoona kuti apo…Zvino vanounganidza magundepavanouya pamwe chete, vanogadzira pfungwa yavopachavo. Uye zvisinei…Kana “bukira idzva,” sokuridanakwavanoita, parakabuda ruchibva muAssemblies of God, chiichavakaita? Havana kugona kuRigamuchira. Zvisinei kutichaiva Chokwadi chakadini, rubhabhatidzo muZita raJesuKristu, vakanga vatove General Council nechekare. Munhuakanga ave kutotungamira, Mweya wakanga zvino wabvapavari. Ndizvozvo! Zvino izvi zvakazouya…Ndakatauranevamwe vakuru venyu vakanakisisa; vanoti, “Zvakanaka,saka todini zvino?” Vanozozvinyadzisa pachavo. Apo, ivovanoziva kuti iChokwadi; kana vasingazive, vakapofomarapamweya uye havazive Bhaibheri. Kusiri kuzvitaura munezvakaipa, zvino, kuzvitaura mukuremekedza. Nokuti, hapanapazviri muBhaibheri apo chero munhu akambobhabhatidzwanemadunhurirwa aya, “Baba, Mwanakomana, neMweyaMutsvene.” Uye haana kumbobvira akashandiswa kusvikira

Page 36: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

36 SHOKO RAKATAURWA

mushure meecumenical council, kereke yeRoma Katorike.Katekazi yavo inopupurira chinhu chimwe chete. IdzidzisoyeKatorike! Haisi dzidziso yeBhaibheri, asi dzidziso yeKatorike.Uye imi maMethodisti makabuditsa makatekazi enyu nezvimwezvose sezvavaingovawo nazvo, ndokukura muchibuda mazvirizvishoma nezvishoma. Asi iye zvino pamunosvika paPentekosti,zvino moparadzira dzimwe dzidziso idzodzo, makarambamakabatirira padziri.220 Asi iye zvino kudanwa kweMwenga, iye zvino ndipo apoZvisimbiso Zvinomwe zvakazarurwa, zvino apo zvinhu zvosezvizere zvakasiyiwa nevavandudzi zvinofanira kuzarurwa;uye Maraki 4 oga ndiye anokwanisa kuita izvozvo, nokutizvinotora chizaruro chinonyatsobva kuna Mwari chichiuyakune munhu mumwe chete kuzoita zvakadaro. Ndizvozvochaizvo! Hachikwanise kuuya kuboka revanhu, hachinakumbobvira chakazviita. Munhu mumwe chete! Ndizvo izvoMwari vakavimbisa mumimvuri yekuuya kweMwenga waVo,mumwe Eriezeri. Maona?221 Cherechedzai kana vaprisita, vashumiri, nevamwewo,vakawana kufemerwa kwavo, uye vakazodzwazvemazvirokwazvo. Dhavhidhi akanga akazodzwa. Bhaibherirakataura kudaro. Asi, muri kuona, akaenda kuzvinhu zvisiriizvo, akaenda kugwara risiri iro. Akaendesa chizoro chakekudivi risiri iro, kuvanhu uye nezvavaifunga, kuvakuru vemauto,pane zvavaifunga, panzvimbo yekuenda kunzira tsvene yaMwarikuti anzwe kuti ZVANZI NAJEHOVHA yaiti kudini, “Ko inondiyo here nguva yezvizvi? Uno ndiwo here mwaka wezvizvi?Uku ndiko here kuda kwaMwari?”222 Zvino kana ari muporofita waMwari wechokwadi, anoendapamberi paMwari kutanga, oti, “Baba, chiiko ichi?” sezvakaitwanaNatanieri pamberi apo kuna Dhavhidhi.

Dhavhidhi akati, “Chingaita chinhu chakanaka here kuti inindigare muimba yemusidhare, asi areka yaMwari wangu iri pasipematende kunze kuno?”223 Zvino tarisai kuna Natanaeri, akati, “Dhavhidhi, ita zvosezviri mumoyo mako, nokuti Mwari vanewe. Uri mudziyowaMwari wakazodzwa.”224 Asi nokuti aiva muporofita, zvino kukanganisa kwake, zvinoMwari vanosungirwa kumira nemuporofita waVo. Manheruiwayo Vakazviratidza kwaari, ndokuti, “Enda unoudzamurandawaNgu Dhavhidhi, ndinoyemura hushingi hwake, ndinomudanokuda kwaizvozvo, nokuti murume ari pamoyo waNgu chaiPo,uye ndinoziva kuti yakwana nguva yokuti areka yaNgu ingeyakadaro, yakaiswa pasi pechimwe chinhu, asi Ndinongo…Handiwo mwaka wacho wekuti zviitike. Ndichaita kutimwanakomanawake agozviita, asi handimuregi achizviita.”

Page 37: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 37

225 Zvino hepano panouya Natani aine, “ZVANZINAJEHOVHA,Dhavhidhi, chizaruro chikuru chawanga uinachochakatsveyama sezvachakanga chakaita paya pawakaunzaareka.” (Uh-huh! Uh-huh! Maona?) “Usazviiti. Usazviedza!Asi Mwari vati Vachaita kuti ‘mwanakomana wako azviite.’”Apoka! Maona? Hezvoka izvo!226 Dhavhidhi akazodzwa kuzvitaura nokuti kumashurekwacho akanga azviona, sezvakaita Abrahama akatsvakaGuta pano pasi. Munoziva, akanga ari kuRitsvaka nokutiakanga ari kuzogara pano rimwe zuva, ndizvozvo Abrahama,muGuta iroro. Zvino akafamba kwese-kwese achiRitsvaga.Uye chaipo panzvimbo imwe chete paakatsvaga, rakangaringori pamusoro pake zvino, uye richadzoka muMireniyamuuye achazogara muGuta iroro. Asi nokuti aiva muporofita,akagadzwa nokufemerwa, aiziva kuti paiva neGuta pane imwenzvimbo, uye akanga ari kuRitsvaga. Asi, muri kuona, chizarurochose chakanga chakavanzwa kubva kwaari. Chakanga chisirichezera rake. [Chibenga patepi—Mupepeti.]…zvichidzika zasikuna Johane, apo akaRiona richidzika pasi kubva kuna Mwaririchibva Kudenga. Ndiro raive guta racho.227 Munoona, chinhu chose chinofanira kunge chiri mumwakawacho. Ukadyara gorosi rako munguva yepfumvudzauye…kana mumatsutso zvino wozoicheka muchirimochinotevera. Maona? Rinofanira kuuya nemugunde, zvinorozouya nemumuchekechera, nechikwande, uye zvichiendakupinda…Rinofanira kunge iri mumwaka. Zvisikwa zvosezvinofambirana. Mweya waMwari wakagadzira zvisikwa, zvinozvoseMwari nezvisikwa zvinoenderana. Zvinhu zvose zvakaiswamutemberi zvaivamufananidzowezvaakaonaKudenga.228 Ukaona muti uchirwisa kuti urarame, zvinoreva kuti kunemumwe muti usingafe. Ukaona munhu achirwisa kuti ararame,zvinoratidza kuti pane tabhenakeri yakamirira pane imwenzvimbo isingafe. “Kana tabhenakeri ino yepanyika yapararatine imwe yakatofanotimirira.” Baba voKudenga vakanakavakanditendera kuenda seri kweketeni iri rimwe zuva zvinondokuiona. Vangani vakanzwa zve…?…Maona? Kutarisaseri kweketeni renguva. Hezvo zvazvaiva zviri zvimwe chetesokuparidza kwandiri kuita kunemi mose, havo vaive vakamira.Mweya iri pasi peartari, ichichema, “Kusvika riinhi?” Kwetekungova ngano, mumwe munhu aitova nenjere: “Kusvikariinhi, Ishe?” Maona? Apo tiri kuzvinzwa zvino, sepazera reduzvino, seHama Bill Dauch vagere pano vaine makore makumimapfumbamwe nematatu. Pane chimwe chinhu chiri kushuvirahujaya huya zvakare. Pane chimwe chinhu…Ungatopa hakochero chinhu. Ndingadawo kudaro. Hama Jack, nevamwe veduvose. Kudzokera, Hama Gerholtzer, muno, kupinda muhujayahuya. Tinodirei kuzviita? Kuve vechidiki tigomhanya kwese-kwese zvakare here? Kwete, changamire! Nokuti tinonzwa kuti

Page 38: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

38 SHOKO RAKATAURWA

tinezenge tave nenguva yakawedzerwa yekurumbidza Mwariuyu watinoda.229 Uye hama dzangu dzinodikanwa, ndine Mharidzo inomangwanani ano, pane Nyika mhiri kwerwizi yatinodana kutikutapira kusingaperi. Ikoko tichaMurumbidza nemumazera,nemazera ose, nemunaZiendanakuenda. Sei tichizvinzwa?Nokuti pakadzika pari kudana kune pakadzika. Uye kanapakadzika pachiri kudana, panofanira kuva nepakadzikapanodavira pakudana uku kana kuti panenge pasina kudana.Pasati pava nechisikwa, panofanira kuva neMusiki kutangakuti asike zvisikwa, kana kuti hapana…Zvinoratidza umboohwekuti iriko.230 Cherechedzai vaprisita ava, vose vakabuda mugwara.Cherechedzai chizoro, zvakanaka, hapana chakanga chakaipanechizoro. Zvimwe chete nemi maPentekosti, asi tarisai gwarairo ramuri kufamba mariri zvino. Zuva rashanduka kubvirapaPentekosti, chimwe chinhu chiri kuendeka. Dai painge pasinamuporofita munyika, pamwe Dhavhidhi angadai ainge arimugwara. Ndizvozvo chaizvo. Asi hepanoi paiva pakamiraNatani, akasimbiswa, akagadzwa, achipupurirwa naMwari kutiaive muporofita.231 Tarirai! Areka muBhaibheri nguva dzose mufanidzoweShoko kwatiri, nokuti raive Shoko raMwari raive muareka.Uye yakanga…Cherechedzai areka yavakaunza, onaimaitiro avakazviita. Haina kuiswa panzvimbo yepakutangayakatemerwa naMwari. Zvino, Mwari vakataura kumashurekuno muMurairo kuti inofanira…kuti zvinofanira kuitwa sei,kuti areka iyi yaizofambiswa sei, uye kuti yaizofambiswa naani.Asi Dhavhidhi, pasi pechizoro chake…232 Hama yangu, usapotsa izvi. Nehanzvadzi dzangu, imimunoda kuva madzimai anoparidza nezvimwe zvakadaro,musazvipotsa izvi. Hazvina basa kuti chizoro chako chakadini,unofanira kupinda panzvimbo yakapiwa naMwari. ChizorochaDhavhidhi chakanga chakanaka, asi mukuzviita akafarisandokudarika muganhu. Chii chaakaita? Akadarikira muganhu.Panzvimbo yokuisa areka panzvimbo yayo yepakutanga,akaitakura pangoro itsva kwete pamusoro pemoyo wevaRevhi.Yaifanira kutakurwa pamusoro pemapfudzi evaRevhi, paripamusoro pemoyo. Shoko harisi mupfungwa, Riri mumoyo!“Kwete pangoro itsva.” Chaiva chii? Vamwe…Chaimiririrachimwe chinhu chitsva, chakaitwa naDhavhidhi ipapo,zvakataura pamusoro pesangano rose raizovapo. Shoko raMwariharisi kuzova ne…kuzotakurwa nemapresbyter enyika kanamabhishopi, nevamwe vakadaro, vemasangano. RubhabhatidzorweMweya Mutsvene mumoyo wemunhu, kwete mune kumwekufamba kwezvekunamata. Mweya Mutsvene ipfuma yerudorwaMwari mumoyo yevarume nemadzimai kuti vateerere.Maona?

Page 39: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 39

233 Yaiva pamapfudzi evashumiri vaVo, vashumiri vaVo vaivavaRevhi. Voiisa papfudzi rekuruboshwe zvino votakura arekaiya sezvizvi, nokuti yainge iri pamusoro pemoyo wavo. Vaivanemutoro weShoko pamoyo wavo. Ameni! Zvino une mutorowesangano rako pamoyo wako, mutoro weungano yako:kana uri uchazovaka here zvakati, kana kuita zvokuti, kanakuitawo zvimwe. Mutoro wekuti vamwe vangani vauchazounzakusangano rako; panzvimbo yemutoro weShoko raShe, zvokutiivo vanhu vanoona Shoko raMwari bedzi pasinazve zvimwe.Asi makaRiisa pangoro itsva zvino. Maona? vari kuRitakurakumusoro kuno kunyange muecumenical council, pamapfudzi.Handidi kuva ndinotsoropodza, uye dai Mwari vandibatsirazvino. Ndiri kungokutaurirai Chokwadi.234 Zvino, vachirunzirwa nezvitendwa nemaecumenical council,Shoko, Shoko remazvirokwazvo remumwaka wezera iroroharina kucherechedzwa, nokuti vakanga vaine manyawiakawanda. Asi Dhavhidhi, mambo akazodzwa…Akanga arimambo, asi akazodzwa kuva mambo. Unoti, “Ndiri mushumiri,ndakazodzwa.” Zvino chigara uri mushumiri, usaedza kuvamuporofita.Maona?Kana urimuvhangeri, gara urimuvhangeri.235 Rangarirai Uziya, mumazuva aIsaya, mambowechidiki…muporofita wechidiki. Uziya akanga ari munhumukuru, murume akazodzwa, Mwari vakamuropafadza;ndokuzviropafadza pachake. Hongu, ndakazviparidza kwamuripano pane imwe nguva. Zvino rimwe zuva akazvisimudzirakwazvo kusvikira akafunga kuti aingogona kutora hofisiyemuprisita, zvino ndokutora moto ndokuenda pamberi paShe.Uye ivo…Ivo vaprisita vakamutaurira, “Usadaro, Uzia!” Asiakazvisimudzira. Muporofita hapana chaakagona kumutaurira.Vaprisita vaiziva hurongwa hwavo, vakanga vari kuchengetahurongwa hwavo, ndokuti, “Harisi basa rako, Uziya. Usaita,izvozvo!”236 Saka, akavati “Nyararai!” Zvino akapinda ne—nemoto,mukati kuti apirise, achitora basa remuprisita; akanga arimambo akazodzwa, kwete muprisita. Zvino vaprisita vayavaiedza kumutaurira, “Uri mambo anoshamisa, wakazodzwa,Mwari vakatiropafadza kubudikidza newe. Asi uri mambo,kwete muprisita.”237 Zvino imi vafudzi hamufanire kuudza muporofita zvokuita,kana imi vavhangeri kuudza mufudzi. Munoona, mumwenomumwe ane hofisi yake kana ichinge yanyatsoziviswazvakakwana.238 Saka akapinda nemoto, zvino ndokurohwa nemaperembudzindokufa.239 Zvino hepanoi pana Dhavhidhi, mambo. Dhavhidhi arikuedza kuita chinhu chimwe chete pano. Akasarudza kuzviitaiye oga pachake. “Saka, zvakanaka, ndinofanira kuenda.”

Page 40: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

40 SHOKO RAKATAURWA

Ndokutarisa-tarisa kune vanhu, “Ko munoti kudini, nhaikeputeni? Mune zviuru gumi.”240 “Kubwiya kuna Mwari, Dhavhidhi, ndiri kunzwa Mweya.”O, akanzwa! AkatoUnzwa. “Ko unofungei, Dhavhidhi? UrikuUnzwa here?”241 “Kubwinya kuna Mwari, Uri pamusoro pangu pose!Regai tizvitarise tione kana zvakanaka, ngationei. Ko arekainogarepi?”242 “Pamwe chete nesu! Ndeyedu.”243 “Ndiyani watingabvunza? Zvirokwazvo, areka.” Chingorichiri chinhu chimwe chete sezvaiva nyika iya yaiva ye—yeIsraeripanzvimbo yevaFiristia. “Ndizvozvo. Ndevedu. Uye hongu, ndirikunzwawo chizoro, zvakare.”244 Vakuru vemazana, ungano yose, “Kubwinya kunaMwari!” vakaombera maoko, vakadanidzira, uye vakatamba,ndokusvetuka-svetuka.245 Vaiva noMweya, asi munofunga kuti Baba vaifungei?“Inga Ndakatuma Natani, muporofita uya zasi uko! Vanozivazvokuita, uyewo naDhavhidhi, asi iye zvino ari kungonakidzwandokudarika muganhu zvino ndokunoita izvi.”246 Zvakanaka, cherechedzai, “ngaItakurwe pamapfudzi” ndiroraiva zano raMwari repakutanga. Pane zvishanu zvakafanira.Ndinoda kuti muzvinyore pasi, kana muri…ndiri kuona kutimuri kunyora.

Uye ava maminitsi makumi maviri, maminitsi makumimaviri neanoraudzira tadarika nguva dza ten, saka ndichaedzakunge ndapedza naeleven, kana zvichigoneka. Ndichakasikasokukwanisa kwandingagona.

Hazvina basa kuti munhu anogona kunge akapererazvakadini mukuitira Mwari basa, hazvina basa kuti akapererazvakadini, kuti akazodzwa zvakadini, kuti muPrebytarianizvakadini, muBaptisti, muPentekosti; zvisinei kuti urimubhishopi, mudhikoni, chero chipi chaungava, mufudzi,muvhangeri, muporofita, chero zvipi zvazvingava; pane zvinhuzvishanu zvakafanira kucherechedzwa kutanga. Zvisinei kutichizoro chakadini, nokuita sechakanaka zvakadini, vanhu varikudanidzira zvakadini, zvose zviri kuitwa neMweya, pane ichochakafanira.247 Zvino, hama dzangu, apo muri kugadzirira pepa renyu,munogona here kunzwisisa kuti sei? Zvino rangarirai, mosemafunga, uye zvikadzidziswa pakati penyu, kwete…(munoona,ndiri kutaura kunyika yose)…kuti handitendi mukutauranendimi. Ndinotenda mukutaura nendimi, asi unogona hakokutaura nendimi asi usina Mweya Mutsvene. VaKorinteVokutanga 13, inoti, “Nyangwe ndikataura nendimi dzevanhunengirozi, hapana zvandiri kunyange zvakadaro.” Maona?

Page 41: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 41

Ndicho chizoro cheMweya Mutsvene, hachinei nechekuitanemunhu wemukati ari mukati mako. Unogona kutauranendimi ugoramba Shoko. Ndakazviona zvichiitwa, uyenemi munozvionawo zvakare. Maona? Mudzimai anokwanisakuparidza Evhangeri uye…Maona? Vanogona kuita zvose…Vanocheka vhudzi ravo, uye zvakadaro vachidanidziranokutaura nendimi nezvimwe zvose. Uh-huh, ndizvozvo chaizvo.Unofanira kupindamugwara reChokwadi reShoko.248 Cherechedzai! Zvisinei kuti munhu akaperera zvakadini,zvisinei kuti anoshandiswa zvikuru naMwari zvakadini, zvisineikuti akadini, anofanira kuva izvi: anofanira…Zvinhu zvaarikutaura nezvazvo zvinofanira kunge zvirimunguva yeBhaibheri.Mumwe munhu anoti, “Saka, Mosesi kareko.” Ndinozivazvakaitwa naMosesi, asi handizvo zviri kuitwa naMwarinhasi. “Saka, kareko, makore makumi matatu apfuura, Lutherakati…” Zvinogona kunge zvakanaka, asi handizvo zvaArikuita nhasi. “Saka, makore makumi mana apfuura, Pentekostiyakawa.” Asi handizvo zvaAri kuita nhasi. Maona? zvinofanirakunge zviri munguva yacho.249 Zvinofanira kunge zvichienderana neMagwaro. Zvinofanirakunge zviri mumwaka, kechipiri. Kechitatu, uye zvinofanirakunge zvichienderana nenzira yakataurwa neShoko raMwarikuti zvinozova.250 Zvino unoti, “Kubwinya kuna Mwari! MweyaMutsvene wakawira pandiri, hareruya, sezvaWakaitaneZuva rePentekosti.” Asi zvinogona kunge zvakasiyananhasi. Wakawira pana Dhavhidhi, zvakare, hauna here?Zvemazvirokwazvo, Wakadaro. Wakawira pana Uziya,asi zvakanga zvisiri izvo! Munoona, unofanira kuendapakadzika kudarika ipapo zvino. Maona? Unofanira kuendapakadzika kudarika ipapo. Zvino, usanzwe kurwadziwa, ingo—ingoremekedza.251 Uye cherechedzai, uye zvinofanira kuuya kumunhuakasarudzwa naMwari. Kwete kusarudza kwesangano, kweteakasarudzwa nevanhu, asi zviri maererano nokusarudzakwaMwari. Zvino kana riri shoko rabva kuna Mwari,rechizaruro chikuru chabva kuna Mwari, rinofanira kuuyakumuporofita waKe. Zvino, kana uchida Gwaro raizvozvo,ndiAmosi 3:7. Maona? Zvino, zvinofanira.252 Pane zvinhu zvishanu zvazvinofanira kunge zviri:Zvinofanira kunge zviri mumwaka. Zvinofanira kunge zvirimunguva yazvakanzi naMwari zvaizovapo. Zvinofanira kungezvakanyorwa muShoko raMwari. Zvinofanira kunge zvirimumwaka wenguva yaMwari, munoona. Uye kunofanira kungekuri kusarudza kwaMwari.253 Uye Mwari havana mumwe wedu wavanoda kuti adudzireShoko raVo, Mwari vanoZvidudzirira pachaVo. Havadi

Page 42: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

42 SHOKO RAKATAURWA

maseminari edu. Havadi huchenjeri hwedu, hauna maturo.Maona? Evha akahuwana, uh-huh, zvino ndokupotsa Dudzironehuchenjeri hwake.254 Unoti, “O, vakomana, muchinda uyo murume akangwara.”Zvakanaka, hapana zvazvinoreva. Chokwadi. Ahabhu akangaari murume akangwara. Bhereshazare akanga ari murumeakangwara. Satani aiva nehunyegeri kudarika zvose pamwenokuipa, nemano, hapana kana mumwe wenyu aigonakumisidzana naye, hapana zvachose.255 Handivimbe ne…hapana…kwete huchenjeri, kungovimbanaMwari. Maona? Mwari vakadini? Ivo iShoko. Ko Mwarivanodudzira sei Shoko raVo pachaVo? Nyatsoteereresai zvino,musapotsa zvinhu izvi. Ko Mwari vanodudzira sei Shoko raVopachaVo? NokuRiita kuti rizadzikiswe, kwete kungoti rimwepano, asi rose zvaro remwaka iwoyo.256 Kwete kuti, “Noa enda unoparidza, wakafemerwa,” asi,“Vaka ngarava, isa mikova pairi, igadzire seizvi, neizvo.” Kodai akaisa mukova pamusoro panzvimbo yepazasi? Ko daiakaisa hwindo pazasi, mukova pamusoro? Maona? Zvinofanirakurairwa zvichienderana nenguva, nokuti ndiwo chaiwomashandisirwo azvichaitwa naMwari. Zvinofanira kungezvakadaro, uye zvinofanira kuuya nokufemerwa.257 Ndakanzwa mumwe muchinda achiti pane imwe nguva,akati, “Ndinotenda kuti murume uyu anonamatira varwere,ndinotenda izvozvo zvakanaka. Asi zvokuti muporofita,”ndokuti “ndinotenda kuti muporofita waMwari; asisemudzidzisi, handiti, iye ‘muJesus only.’” Chii…Mhandoyemunhu akadaro ungamudana kuti kudini? Munhu asingazivezvaari kutaura.258 Iro shoko racho rokuti muporofita rinoreva kuti “ndiyeanozarura Shoko raMwari,” Dudziro inouya kwaari bedzi. Uyendicho chikonzero nhasi tiri kuda zvikuru munhu mukuruuyu ari kufanira kutumirwa kwatiri ari muchimiro chaEriamuporofita, nokuti kunenge kuri kuzarurwa kwaMwarikuchiziviswa kwatiri kubudikidza nokusimbiswa, zvichiratidzakuti ndiro zuva racho nenguva nemwaka yazvakavimbiswanaMwari yokuti zvinge zviri. Uye, rangarirai, achataurwazvakaipa pamusoro pake; zvagara nguva dzose zvakadaro,uye zvichagara zvichingodaro. Anorambwa, sezvakangoitachikwande chichadhonza…Kutanga achagamuchirwa, nokutichikwande chinobata gorosi kusvikira rave kukwanisa kuendakuzuva. Pentekosti ichangochengetedza Mharidzo bedzi,yoIpa mukova wakazaruka kusvikira Yaparadzirwa, zvinochikwande chinozosuduruka, zvino gorosi rinozogara muHupohweMwanakomana, munoona, kuti riibve.259 Hapazombovapo nesangano, ingorangarirai. Hama Jackpano mudzidzi wenhoroondo, vazhinji venyu muri pano

Page 43: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 43

ndizvo zvamuri. Hakuna kumbova nerumutsiriro asi zvingaitamakore matatu mushure merumutsiriro vakavamba sanganoparwuri. Ndizvozvo here? Uye kufamba kwekupedzisira ukukukuru kwezvishamiso kwaMwari mumazuva ano okupedzisira,kwaendeka kwemakore makumi maviri; uye kuri mamaeramiriyoni kubva kune sangano, kuchiwedzera kuenda kure nguvadzose; chikwande chave kusuduruka, hapachisina kubatirana,hapana chokuita naRo. Maona? Nguva dzose chinosudurukakubva kwaRiri. Hakugone kuva nechimwe zvachose, ravegorosi zvino. Asi tichiri vambishi kwazvo. Uh-huh. Ndizvozvo.Tinofanira kugara muHupo hweMwanakomana kuti tiibve,ndizvo zvoga. Humbishi hwakawanda; hatina kuperera,kuyeresa, chinhu chatinofanira kunge tiinacho pakati pedu,kuziva kuti Mweya waMwari mupenyu, uri kufamba muShokoraWo uye nokutiratidza zvinhu zvakadaro.260 Tine vatevedzeri venhema vanosimuka. Kuti zvigoitei?Kunyengera. Bhaibheri rakati vachazviita. “SaJambre naJanivakadzivisa Mosesi, ndizvo zvichaitawo ava mumazuvaokupedzisira.” Maona? Vanoita chinhu chimwe chete,vanonyatsouya vachiRitevedzera, nemazvo chaimo. Maona?Ngwarirai! Tarisai Dzidziso yeBhaibheri. Tarirai mharidzoinotevera zviratidzo! Ichingori mharidzo imwe chete yakare?Kanganwa nezvayo!261 Mwari vakatuma mashura nezviratidzo kuti vakwezvemeso evanhu vaVo. Apo Jesu akauya achingopodza vanorwaranezvimwe zvakadaro, ndizvo zvakaitawo vaporofita. Vakafunga,“O, kubwinya, Ari kuuya, Achange ari muFarisei. Achange arimuSadhuse.”262 Asi akati, “Imi chizvarwa chenyoka nemvumbi.” Ndokuti,“Muri vababa venyu dhiyabhore, mabasa ake munoaita.”Ndokuti, “Kunze kwekunge madya nyama yeMwanakomanawemunhu, nokunwa Ropa raKe, hamuna Upenyu mamuri.”Haana kuZvitsanangura. Haana kusungirwa kuZvitsanangura.Hareruya. Zvaiva zvemumwe mwaka. Uh-huh. AkangotaurazvaAifanirwa kutaura, “Ndinogara nguva dzose ndichiitaizvo zvinofadza Baba, uye ndiko kuchengeta Shoko raVo.Kana ndikasadaro, hupenyu hwaNgu nemabasa aNguzvisingaenderane neShoko raVo raNdiri kufanira kuita, zvadaromusaNditenda, handisi iYe wacho; asi kana zvikaenderana,zvino tendai mabasa kana musingakwanise kuNditenda,”Akadaro.263 Cherechedzai zvino zvakafanira izvi zvinofanira kuitwa.264 Zvino, onai, Mwari vakanga vasina kuzarura chinhuchacho kwavari nenzira yaVo yavakapa, Vakanga vachizaruranokufemera, asi chakanga chiri mugwara risiri iro. Munoona,kufemerwa kunoita zvakanaka, asi kana kuri mugwara risiri iro,kunoendeswa nekusiri iko. Sokutora bara wopfura wakanangisa

Page 44: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

44 SHOKO RAKATAURWA

kuchinhu chiri pamberi, rinoenda rakananga kune chinhuchacho, asi kakuvhuvhuta kwemhepo kanogona kurifuridzakubva mugwara. Zvino, mumotokari yako, unogona kumhanyauchidzika nemugwagwa mamaera makumi matanhatu,makumi manomwe paawa imwe chete zvino kuvhuvhutakwemhepo kukakufuridza, unogona kutwasanudza mavhiri akozvakare, woidzosera mumugwagwa zvakare. Asi haukwanisenembumburu; hapana chiripo ipapo chokutwasanudza mavhiriaro, rinopotsa charanga rakananga. Munoona, rinofanirakufamba mugwara raro repakutanga.265 Saka Shoko raMwari rinofanira kufamba riri mugwararaRo repakutanga. Hapana kakuvhuvhuta kaduku kemhepokachaRifuridzira kunze; hapana sangano duku, kanawo chimwe,chichaRifuridzira kunze; hapana kakutambudzwa kadukukachaRifuridzira kunze: Rakanyatsonangisa parinofanirakusvika! Richasvikoparova ipapo, zvakare. Uye kanaMwari, kana Richinge rarova panzvimbo iyoyo, MwarivanoRisimbisa, “Kunyatsobaya dede nemukanwa!” Uh-huh,chaizvo zvaAkataura kuti Aizoita. Hezvinoi pazviri izvimuMagwaro, iyi, “ZVANZI NAJEHOVHA, ‘Zvichaitika!’”Hezvinoi izvi. Maona? Hezvoka izvo.266 Zvino, Mwari vakanga vasina kuzvizarura nenzira yaVoyavakapa. Saka ndokunozviita nenzira isiri muShoko raVo,uye zvisiri mumwaka, zvimwe chete sezvavaitawo nhasi. Apovarume, zvisinei kuti vakaperera zvakadini, vakaedza kuVaitirabasa zviri kunze kwenzira yaVo yavakapa, vanozvivhiringidzanguva dzose. SaBharami, Bharami akafunga kuti akanga arikuitira Mwari basa.267 Munofunga here kuti Mwari vanonyepa? Ko MwariVangambofa here vakashandura pfungwa dzaVo? Saka, vanhuvanoita nhasi sokunge ndizvo zvaVakaita. PaVakati madzimaiasadimbure vhudzi ravo; vanoti, “Tinogona kuridimbura,Chiremba Nhingi-nhingi akati tinokwanisa. Hama Nhingi-nhingi yakati hamufungi zvakanaka.”Uh-huh, uh-huh.Maona?268 “Saka, izvi zvinogona here kuitika? Izvi zvingaitika here?”269 “Hongu, uh-huh,Nhingi-nhingi akataura kudaro.”270 Mwari havashandure pfungwa yaVo.271 Munotenda here kuti Bharami akanga ari muporofita?Bhaibheri rakati ndizvo zvaaiva. Munotenda here kuti aivamuporofita? Zvino, rangarirai, Bharaki akauya kwaari zvinondokuti, “Enda zasi unotuka vanhu ava, nokuti vakapararirapachiso chose chenyika. Havatombori sangano, havasi rudzi,vanongori boka rakapararira; zvino ndisu varemekedzwavenyika. Zvino iwe chidzika ikoko unotuka vanhu ivavo, zvinondichazokubhadhara nokuda kwaizvozvo.”

Page 45: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 45

272 Zvino Bharami akaita chaizvo zvinofanira kuitwanemuporofita, akati, “Handisi kuenda. Imi chingomirai pano,usiku hwese, regai ndione zvinonzi naMwari ndiite.”273 Saka akapinda, akati, “Ishe, pane vamwe vanhu kunze ukovaneni vauya, vanga vachida kuti ndiende zasi ndinotuka vamwevanhu vari zasi uko.” Ndokuti, “Saka Munoda kuti ndiite seinezvazvo?”274 Mwari vakati, “Usaenda, nokuti ivava vanhu vaNgu!”275 Bharamu akabuda, ndokunoti, “Dzokerai kumba kwenyu.Handikwanise kuenda nemi, Mwari vandiudza kuti ndisazviite.”Zvino, herinoi Shoko raMwari repakutanga: “Usaenda!”276 Saka, zvadaro vakadzokera, ndokuti, “Munoziva,mubhishopi wenyu haana kana kumboteerera.”277 “Zvakanaka,” mambo akati, “regai ndikuudzei zvatinoita.Ari kuda tumari tushoma, ndinofunga kuti izvozvo zvinogonakumunyengetedza. Kana kuti ndichamuita mukuru wedunhurose, kana kuti ndichamuwanira chimwe chinhu chikuruchokuita. Ndingangomuita mubhishopi, hamumbozivazvandingagona kuita. Pano, ndichakuudzai zvandichaita. Imimachinda hamuna dzidzo yakakwana kuti mumunyengetedzezvakadaro; mazvake nemahandi, netakura netora nesengazvenyu, hazvina kunaka. Haangambokuteererai, tichatumirarimwe boka rakanyatsodzidza zasi ikoko, rine ruremekedzorwakawedzerwa.”278 Vakadzika zasi ikoko, ndokuti, “Chiremba Bharami,Chiremba Bharami, kwaziso kwamuri. Ndinokuunzirai kwazisokubva kuna mambo.”279 “Mangwanani, hama.” Maona?280 “Zvinoka, Chiremba Bharami…” Uye, o, manzwiakatsetseka, akanyatsoita zvokudururwa. Uye ndokuti,“Zvino, mambo vati vachakusimudzira, uye vachakuparuremekedzo rukuru kwazvo. Uye, unoziva, vanga vativanozokupa mari yakati kuti uite basa iri, asi mambo vativachaiwedzera zvakapetwa katatu, zvakapetwa kana, kanaukangogona kuuya kuzoriita.” Zvino, Bharami akanzwa maokoachivavira, zvakadaro. Akawana pfunga dzehupenzi zvinondokudzungaidza pfungwa yake.281 Zvino, rangarirai, akadana Mwari naizvozvo, akazodzwa,asi akabvisa Mwari kubva pazano repakutanga. Uye ndizvochaizvo zvakaitwa nePentekosti! Kuti vave nemukurumbira,imi Oneness, imi Trinity, kuti muve nemukurumbira makaitasangano kuti muve makasiyana, makaita sangano zvinomakafa! Hamufi makamuka zvakare. Asi, munoona, maifanirakunge makagara neraMwari repaku-…Vakakuzvuvai kubvamuAssembly kuti vakuitei vanhu, asi makaita sangano zvinondokubva manyatsodzokera mumarutsi amakanga mabva

Page 46: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

46 SHOKO RAKATAURWA

(ruregerero) maari, zvinhu zvimwe chete zvamakanga mabudamazviri, “Sembwa inoenda kumarutsi ayo nenguruve kumatopeayo.” Ndine urombo ndataura kudaro, ndiregerereiwo, hazvinakunaka papuratifomu pano. Maona? Ndazvitaura munyama.Cherechedzai zvino kuti ndizvo zvandanga ndichireva,kurutsa. Ndaifanira kunge ndazvitaura saizvozvo. Shoko rachoranga rakanaka, asi harina kushandiswa zvakanaka. Maona?Rashandiswa zvakanaka, asi harina kududzwa zvakanaka,munoziva.Marutsi, “Sembwa inodzokera kumarutsi ayo.”282 Kana Assemblies of God, General Council, vakaitaPentekosti sangano pakutanga zvino ndokupinda mune izvozvokuitira kuti vasagamuchire zvizaruro, hamuzive here, Oneness,makaita chinhu chimwe chete. Komaizogamuchira sei Mharidzoye “mbeu yenyoka, chengetedzo yemunaZiendanakuenda,”nezvimwe zvinhu izvi zvakauya? Makanyatsorongekazvakasimba kusvikira hamumboChiregi nepamukova wenyu,uh-huh, uh-huh, chinhu chimwe chete chakaitwa naBharami.Asi Mwari havana kushandura pfungwa dzaVo.283 Saka Bharami akaenda ikoko ndokuti, “Ishe, zvino onai,ndanyatsowana mukana zvino wokuvawo mumwe munhu.Munoziva kuti ndakanga ndiri munhu asina basa, asi ndawanamukana wekuvawo mumwe munhu. Ko munoti kudini zvinonezvazvo, Ishe?” Zvino, haaifanira kunge akataura kudaro!Aiziva chaizvo zvaakanzi naMwari aite!284 Saka ndizvo zvamunoita imi mose makabhabhatidzwanemuzita ra “Baba, Mwanakomana, Mweya Mutsvene,” panedzimwe nyaya dziri muBhaibheri dzinofanira kunge dzirimuzuva rino, munoziva zvokuita naCho, kungoChigamuchira!Pamunoona Mwari vachisimbisa pachena “Ichokwadi,”ndiMwari vari kududzira Shoko raVo pachaVo. Asi uchazviitahere? Kwete, sangano rako harikuregi uchizviita!285 Vazhinji vevashumiri umo muTucson vari kuteererakuno mangwanani ano. Hama Gilmore, handina chimwechandinopesana nemi; Hama Brock, First Assembly, neFriendlychurch. Imi varume, ndange ndiriko kwenguva yose iyi, hamunakana kumbondirega ndichiuya kwenyu. Ini…Ichokwadi,hamaikwanisa, hamukwanise uye mugoramba muri zvamuri.Hamukwanise kugamuchira chizaruro, nokuti muri sangano.Zvino teererai, sezvakangoita Uzia akauraiwa nokuti akangaari pasi pekufemera kwenhema kuya, ndizvo zviriwo Makristumazhinji echokwadi vari kurasikirwa nechiitiko chavo imomomumasangano akare akafa, nokuti vari kuisa ruwoko rwavopaAreka ivo vasina kutemerwa kuzviita. Zvino munogonakuZvitenda, kana kurega kuZvitenda, zviri kwamuri. Mwarindiye Mutongi wenyu. Mwari havana kumbobvira vadzosaShoko raVo. ZvaVakataura pakutanga, Vanozvitaura nguvadzose.

Page 47: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 47

286 Vakaudza Bharami, “Usaenda!”287 Uye zvino Bharami akadzoka, ndokuti, “Asi Ishe, ndinogonakuenda here?”288 Zvino onai! Mwari vakati, “Enda hako!” Zvino, Vakamupamvumo yekuenda. Pane kuda kwaMwari kwekungoregedzera,uye kusiri kuda kwaMwari kwepakutanga. Munoonadambudziko raakapinda mariri?289 Uye munhu hake anovaka chero chinhu hacho, cherosangano, kana chero chinhu hacho chiri kunze chisiri paShokoraMwari, ijecha rinozunguzika uye chichawa! Chichafazvemazvirokwazvo, nokuti Shoko raMwariMutumbiweMwengauri kukura. Haungave wese tsoka, wese ruwoko, wese chidya.Zvinhu izvi zvinouya mumwaka wazvo.290 Uye Pentekosti, mazviita chinhu chimwe chete, nokudarohamukwanise kugamuchira chizaruro chitsva. Ndichochikonzero muchigara muri pamuri ipapo mobva mafa.Chinoenderera mberi. (Zvakadai; handidi kukunetesai.) AsiMwari havashandure pfungwa yaVo, pfungwa yaVo yepakutangayakanyatsokwana. Saka Mwari havashandure pfungwayaVo, Vanongokurega uchienderera mberi mukuda kwakokwekungoregedzera. “Mwari ndiMwari wakanaka,” sokutaurakwaOral Roberts. NdiMwari anotyisawo zvakare!291 Onai, sokungotaura kwamunoita kuti, “Kubwinya kunaMwari, ndinoda kutaura nendimi!” Vanokurega uchizviita, asihandicho chiratidzo chokuti uneMweyaMutsvene.292 Rangarira zvakataurwa naTomasi, mupokani uya wakare?“Kunze kwekunge ndave neumboo, ndinofanira kupfekeraminwe yangumuzvipikiri zvaKe, maoko aKe, uye nepadivi raKe,handi—ndi—ndi—ndimbofi ndakaZvitenda.” Zvino, hezvokaizvo, chinhu chimwe chete.293 Jesu akati, “Hezvinoi izvika, Tomasi, pfekera maoko akomuno umu zvino kana zviri izvo zvauri kuda kuziva.” Maona?Maona? Zvino, kana uchida nzira yaTomasi, enda mberi. AsiAkati kudini? “Uchavamubairo wakawedzera kukura zvakadiniweavo vasina kumbobvira vakaona asi vachitenda zvakadaro.”294 Cherechedzai, cherechedzai, nokuita izvozvo, akakonzeresarufu rwemunhu akaperera; achiisa ruoko rwake paarekaapo aisafanira kudaro. Munhu mukuru, akaperera, kufungakuti chizoro nezvimwe zvose zvakanga zvakanaka, asiareka yakanga iri kuenda nenzira isiri iyo. “Nzombe,”Bhaibheri rakati, “dzakagumburwa,” kwete vaRevhi. Nzombedzakagumburwa zvino ngoro yakanga yave kukudubuka; zvinomunhu akaperera, aiva nemoyo wakazara nerudo, akaisaruoko rwake paareka kuti aigamhe, zvino akarohwa ndokufanokuti hapana aikwanisa kubata areka iyi kunze kwemuRevhi.Munoona kuti Mwari vanochengeta sei Shoko raVo,vanochengeta gwara raVo, vanochengeta hurongwa hwaVo?

Page 48: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

48 SHOKO RAKATAURWA

Uzia akarohwa nemaperembudzi. Hepanoi pana Dhavhidhi,zvachose akakonzera rufu rwemunhu, nedambudziko rinenjodzi huru kwazvo; akazodzwa neMweya, vari vaviri, asivari kunze kwegwara raMwari. Ndizvozvo here? Akafa.O, zvakatyisa Dhavhidhi kunge achafa, vakadana zi—zitarenzvimbo iyi, sekuverengwa kwaraitwa naHama Jack. Maona?Ndokumucherechedza ipapo.295 Kangani masangano paakaita chinhu chimwe chetekuvatendi vakaperera. Kereke yeKatorike, Methodisti, Baptisti,church of Christ, kunyange maPentekosti, vakonzera rufurwakawanda rwepamweya nechinhu chimwe chete ichocho.Pazvakauya, nezvinhu izvi, vakaona…uye havakwanisekuendereramberi, nokuti ndizvo zvinotendwa nesangano ravo.296 Tarira nhasi, mbuserere huru, chinhu chimwe chete.Hapana zvadzinoita kunze kwekuvaita zvakawedzera “vanavegehena zvakapetwa kaviri, zvakaipa kudarika zvavaimbovapakutanga.” Zvinovaita kuti vawedzere kuomarara,zvirokwazvo, pakuuya kuChokwadi. Vova neimwe yembusererehuru idzi, zvino vose vouya, vomboenderera kwechinguva,zvino vozodzokera zvino votanga chivi ichi zvakare. Vakanzwarumwe rumutsiriro, vanoti, “Ah, ndakambova nezvinhu izvi,ndakaedza. Hapana zviripo ipapo.” Maona? Havazive gwara.Havaone.297 Ndakanzwa muvhangeri wedu mukuru Billy Graham,agere mamwe mangwanani pasvusvuro yemangwananisezvizvi, zvino akati, “Ini…” Hepano, anosimudza Bhaibheri,muLouisville, Kentucky, ndokuti, “Heunoi muenzanisowaMwari.” Uye ichokwadi, murume uyu akataura chokwadi.Akati, “Ukaenda…Pauro akapinda muguta zvino ndokuvanemunhu mumwe akatendeuka, ndokudzoka gore rimwe chetekubva ipapo akava nemakumi matatu kubva pane mumwe cheteiyeye akatendeuka.” Ndokuti, “Asi ndinopinda muguta ndovanezviuru makumi matatu evanhu vanotendeuka, uye ndodzokamukati memwedzi mitanhatu uye handikwanise kuwana kanamakumi matatu.” Akati, “Munoziva here kuti dambudzikoracho nderei?” Akati, “Imi vaparidzi vane nungo,” ndokuti“unogara wakaisa gumbo rako padhesiki uye—uye wofoneravanhu ava nefoni panzvimbo yokuvashanyira mushure mekudyakwemanheru uye wotaura navo.”298 O, moyo wangu wakanga uri kubvira. Ndakafunga, “Omunhu waMwari mukuru, handifarire kupesana newe panoapa, asi ndivanani vaparidzi nyope pane munhu mumwe cheteakatendeutswa naPauro? Zvaakaita, akamutora ndokumuisamuShoko, akamutora ndokumuisa muMharidzo, akamutorandokumuisa kwaakawana Mwari; moyo wake wakanga urikubvira nemoto, akatungidza nyika yose nemoto! Zvinochinhu choga chamunoita kuvaisa mukereke yeBaptisti kana

Page 49: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 49

yeMethodisti, kanawo zvimwe, ndosaka pasina chokupisa.” Uh-huh. Hongu, changamire!

299 Zvino chitarisai zvakavimbiswa neShoko nhasi. Ngationeikana iri Methodisti, Baptisti, maPentekosti, kanawo zvimwe,zvanhasi. Zvino munogona kuenda kunoverenga Magwaroenyu. Torai Magwaro aya andanga ndiri kukutaurirai. UyezveZvakazarurwa…

300 Dai ndanga ndiine nguva, ndaizviverenga, asi handingorina.Ndine mamwezve maminitsi anenge gumi nemaviri kana guminemana. Ndinofanira kuvhara nenguva yacho, naeleven, kanandikabuda zvakanaka.

301 Cherechedzai Maraki 4, Zvakazarurwa 10, ZvisimbisoZvinomwe. Ko Bhaibheri harina here kuti…Zvino tarisai!Paiva neNgirozi, Mutumwa akabva Kumusoro; nemutumwawepanyika. Uye mutumwa wega-wega aiva wezera rekereke.Akati, “Mumazuva…” zvichirevera zvino, “kwakauya Ngirozi,Mutumwa” (shoko rokuti ngirozi, ishoko reChirungu rinoreva“mutumwa”). “…akaburuka kubva Kudenga, uye iYe akaisatsoka yaKe panyika nepagungwa, ndokupika noUyo anoraramanokusingaperi kuti nguva pachange pachisina.” Ndizvozvo here?Muraraungu wakapoteredza musoro waKe, nezvinhu zvose izvizvichingoitika. Ngirozi iyi aiva Kristu! Zvirokwazvo! Asi Akatikudini? “Asi mumazuva emutumwa wechinomwe, zera rekerekerechinomwe.”

302 Nguva dzose kumagumo chaiko kwezera rekerekekwavakaita kuti zvinhu zvinge zvakanyatso…zvekunamatazvanyatsovhiringika kusvikiraMwari vatumiramutumwa, zvinondiyoMharidzo kuzera iroro rekereke. Zvino vanotora mharidzoyake, nokuti akangorarama kwenguva shoma, uye Mwari…zvino vanotora mharidzo yake panzvimbo yokuenda nayomberi neimwe Yose, vanogadzira sa—sangano. Zvino vanouyavogadzira rimwezve sangano; mumwemutumwa, votoramumwezvakare.

303 Mose makaona mubhuku rangu, zvichanyatsoratidzwamuMazera Manomwe eKereke, ayo aAkandiudza; andinomiranawo sechapupu kuna Mwari kuti ndizotongwa nezuvareKutongwa nokuda kwaYo. Yakabva kuna Mwari, kwetekubva pakufunga kwangu. Cherechedzai, pano. Ndaifunga—ndaifunga zvakasiyana nazvo, dai ndakanga ndiri kuzovanepfungwa yangu pachangu. SeHama Jack vakandiudzapamusoro peNgirozi paya, kuti “Akanga ari Kristu mumutumbiwakabwinyiswa.” Asi zvakanga zvisizvo, zvakanga zvirikuratidza kuti Mharidzo yaive yemazvirokwazvo, huMwariHwepamusoro-soro, Aiva Mwari. Maona? Icho chinhu chaichochandainge ndiri kuparidza kubvamuShoko. Shoko nguva dzoserinopupurira Shoko.

Page 50: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

50 SHOKO RAKATAURWA

304 Zvino, nokukasika zvino, patiri kugadzirira kuvharamunguva shoma.

305 Zvino, Akati, “Mumazuva eMharidzo yemutumwawechinomwe, mutumwa wepano panyika, zera rekerekerechinomwe, zvino zvose zvakavanzika izvi zvakanga zvarasikakumashure mune mamwe mazera matanhatu zvinofanirakuzarurwa pakarepo.” Zvakanaka, ndizvo chaizvo zvakataurwaneNgirozi dziya. Hezvinoi izvi Zvisimbiso Zvinomwe, kana kutikuzarurwa kwezvakavanzika izvi. Zvino imboedza kuZviisapamberi pemasangano ayo. Zvinopesana neizvo ivo…Hama,vanozvikwidibira seriva, asi vagara nguva dzose vachizviita. Asimwaka wacho!

306 Vangani vanoziva kuti rino ndiro zera rechinomwerekereke? Itii, “Ameni.” [Ungano inoti, “Ameni!”—Mupepeti.]Zera reRaodhikia, rinodziya iro Mwari ravanosvipakubva mumuromo waVo. Uye vanosvipa Mwari kubvamumuromo wavo; hapana rimwe zera muBhaibheri apoJesu akambowanikwa ari kunze achiedza kugogodza, kutiadzokere mukati. VakaMubuditsa kunze, hapana kushandirapamwe chete. Ko Jesu ndiyani? Shoko! Shoko rakaiswa kunze.Chikwande chakakandira gorosi kunze! Akati, “Ndimirepamukova ndichigogodza, uye munhu wese akasungwanengetani kunze uko achanzwa Inzwi raNgu.” O Mwari, ivainetsitsi!

307 Paiva apo zvino, pakafa murume uya, apo Dhavhidhiaine chizoro akaona zvaakanga akanganisa. O Dhavhidhi, iwemufundisi, hausi kuona here zvitendwa nemasangano ako akafaayo awakabatirira paari? Hausi kuona here zvazviri kuita?Zviri kuuraya Uza. Akafa pamweya, zvino unonetseka kutisei pasina rumutsiriro; uchirega madzimai ako achidimburavhudzi ravo, vachipenda zviso zvavo, vachipfeka zvikabudura;nokutumira vakomana venyu kuzvikoro zvanariki, nezvimwezvakadaro, uko chikamu chavo chepakati vanodzoka vavengochani, nezvimwe zvose.

308 Cherechedzai chinangwa chaDhavhidhi: akanga ari kuunzaareka kuimba yake pachake. Rakanga risiri iro guta guru,yakanga isiri iyo nzvimbo yacho, yaive yemuJerusarema. AsiDhavhidhi akanga ari kuiunza kumba kwake, akanga ari kudakuti rumutsiriro rwunge rwuri musangano rake. “O, kanauri weAssembly, zvakanaka. Kana uri muOneness, zvakanaka.Kana uri muPentekosti, ndizvozvo.”

309 Semumwe munhu akataura, akati, “Hama Branham, komunozviita sei kuti muwane munhu anokuteererai?” Ndokuti,“Ndinoona Billy Graham, ane sangano rose remunyika inopamwe naye. Ndinoona Oral Roberts, muPentekosti weseanobatirana naye. Asi,” ndokuti “munopesana nechinhu

Page 51: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 51

chacho chose.” Uh-huh. Ndokuti, “Munozviita nenzira ipi kutimutombowana mumwe munhu?”310 Ndikati, “NdiMwari!”311 “Ini Ishe ndakaidyara nyika ino isati yavambwa.Ndichaidiridza masikati nemanheru zvichida vamwevangaikwachure kubva muruwoko rwaNgu,” Isaya.“Ndichadiridza, Ndakadyara. Ndakaisa mazita avo muBhukunyika isati yavambwa, kubudikidza nokufanotemera.Ndichaidiridza, nokungoenda mberi. Ndichapa mvura yacho,iwe chingoIfirita.” Ndizvozvo. Maona? “Ndichaidiridzamasikatinemanheru zvichida mumwe wavo angakwachurwe kubvamuruwoko rwaNgu.” Hezvoka izvo.312 Akanga achiida kuti iuye muguta raDhavhidhi,panzvimbo yeJerusarema. Pakanga pasati pava nenzvimboyayakagadzirirwa panguva iyoyo, uye ndizvo zvazviriwonhasi. Zvakavanzika zvikuru izvi zvakazarurwa neZvisimbisoZvinomwe, hapana nzvimbo mune chero haro sangano…rinofanira kurega kuva sangano kuti riZvitore. Nzira yose kubvakuna Luther zvigodzika kusvika kuPentecotal Oneness, hapananzvimbo kwaZvinogamuchirwa. Uyewozve hakuna munhuanogona kuZvigamuchira uye oramba ari musangano rake.Anofanirwa kutevera gorosi kana kuenda nechikwande, cherokwaanenge ada.313 Kristu ndiye Areka yedu, Shoko. Ivo vanoda sangano ravo.Haakwanise, cherechedzai, haakwanise kutakurwa nengoroitsva dzesangano, Mharidzo yaKe haikwanise kuenda pangoroyesangano apo iYo ichifanira kutakurwa zvino youya pamoyowemuporofita. Haikwanise. Akazvivimbisa, kuti Yaizovasaizvozvo, uye ndiyo nzira yaInofanira kuva.314 Saka sangano harife rakaIgamuchira, kana kugonakuIgamuchira. Uye vakapofomara kwaIri sezvakanga zvakaitamaJudha pavakaroverera Jesu pamuchinjikwa, paya Jesupaakati, “Baba, varegerereiwo, havatombozivi zvavari kuita.”Musavashora, asi ingofungai: ko dai iwe wanga uri muchinhanochimwe chete meso ako akapofomara zvokuti haukwanisekupepuka wozoona zviri kuitika?315 Uyewo havana kugona kuona kuti ndiYe akanga ari Mwariwavo chaiye. PaAkanga akarembera ipapo pamuchinjikwa,uye ivo vachiimba maPisarema 22 mutembere, mayadhimazana maviri kubva ipapo, “Mwari waNgu, Mwari waNgu,ko MaNdisiyireiko? Vakabvowora tsoka dzaNgu nemaokoaNgu.” Maona? “Mapfupa aNgu ose, vanoNditarisa. KoMaNdisiyireiko?” Uye ipapo, Mwari wacho chaiye wavangavaimba nezvake, vakapofomara zvokuti vakaMubairirapamuchinjikwa, uye havana kuzviziva.316 Zvino, ko Bhaibheri haritaure here kuti kereke yeRaodhikia,iyo inofunga kuti yakakura kwazvo nokuda kwenhengo dzayo

Page 52: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

52 SHOKO RAKATAURWA

dzesangano, ichange “isina kusimira, yakasuwa, murombo,bofu, uye isingazvizive”? Ko hupofu zvinorevei? Hupofuhunoreva kukereke ino yeRaodhikia sezvayakaita pamagumoekereke yechiJudha, kupofomara kunaKristu wavakangavaisa kunze, achigogodza, achiedza kupinda mukati; “vasinakusimira, vakasuwa, varombo, vanonzwisa urombo, bofu, uyevasingazvizive.” OMwari, ivai netsitsi!317 Ko sei gorosi risiri kukwanisa kugara muHupohweMwanakomana kunze uko, zvino voona nguva iyo yatirikuraramamairi? Hongu, Kristu ndiyeAreka yedu, asi nzira yaKeyepakutanga yekuzviita. Zvino heUnoi pano…Vakanga vaineMweya waKe zvakanaka, tinozviziva. Vanomirira panaShe,voona zano raKe paShoko raKe repakutanga mumwaka waRokuti risimbiswe, ndizvo zvatinofanira kunge tiri kuita ikozvino. Uye iYe—iYe anozarura kutenda kwavo neShoko raKe,nokuMuona achisimbisa zano rose raAkavimbisa, kwetemazanoevanhu emasangano, kwete kugadzira nhengo dzeareka yedu.318 Vane areka yeMethodisti, areka yeBaptisti, arekayePresbyteriani, munhu wese ari kupinda muareka iyi kuitiramatambudziko makuru ari kuuya; “Kubwinya kuna Mwari!Ndakabhabhatidzwa muareka yeMethodisti, Presbyteriani,areka yePentekosti.” Panongori neAreka imwe chete, ndiJesuKristu, uye iYe iShoko!319 Cherechedzai, Mwari vakaudza muporofita, ndokuti, “Idyabhuku,” muTestamende Yekare. Muporofita wemuTestamendeItsva, Akati, “Idya bhuku duku.” Sei? Kuti Muporofita neShokozvigova chinhu chimwe chete! Maona? Ndiyo Areka, ShokoraMwari.320 Mwari vakavimbisa, Shoko raVo, kuti Richazadzikiswa seiuye kuti Richaitika sei kana achinge Asarudza Mwenga waKe,kuti zvaizoitwa sei. Zviri kutoitika pamberi penyu, nemuZitaraShe, uye kubudikidza neShoko repakutanga! Mharidzoyenguva dzemadekwana iri pano.321 Vangani vanorangarira Haywood paakanyora:

Kuchava neChiedza senguva dzemadekwana,Nzira yemuKubwinya zvirokwazvomuchaiwana.

322 Hongu, vimbiso yemadekwana yeZvisimbiso Zvinomwe,yeZvakazarurwa 10, Maraki 4, Ruka 30 ne 10. VerengaDeuteronomio 4, 4:1 ne 4, tevere ndima 25 ne 26, zvino ugoonazvaAkataura pamusoro pezuva rino rokupedzisira. Uyu akangaari Mosesi achiti kuvana veIsraeri kuti “Chengetai Shokorose, musawedzera chinhu chimwe chete!” Mosesi, muporofitauya akambenge ari kumusoro uko uye ndokuona Shoko riyaraMwari. Uye Rakanyorerwa kwaari ndokusimbiswa neruwokorwaMwari pachaVo vachiRinyora. Akati, “Iwe chengeta Shokorose, usawedzera chinhu chimwe chete kwaRiri kana kubvisa

Page 53: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 53

chinhu chimwe chete kwaRiri.” Unokwanisa kuzviverengamundima 25 ne 26 yaDeuteronomio 4.323 Cherechedzai! Usawedzera kwaRiri, usatapudza kubvakwaRiri; nokuti ukadaro, Mwari vachabvisa chikamu chakokubvamuBhuku reHupenyu. Uye zvinongoratidza kuti wakangausiri mbeu yaKe.324 Rangarirai! Zvose zvatakavimbiswa naMwari, zvosezvakataurwa naMwari kwatiri, zvose zvakataurwa kwaurinemuZita raShe, zvakaitika! Mwari havana vimbiso imwe cheteyavakashaisa basa, asi Vakachengeta vimbiso yose yaVakataura,yavakatiudza, yanga iri Chokwadi. Kwemakore makumi maviriaya, Shreveport, ndakuparidzirai nemusimba raMwari, uyenemutsa wemufudzi wenyu, uye ndinokupupurirai nhasi.Kunyange kune madzimai akanga aguma kubereka; varume,vana, zvirwere, kupodza, kuporofita, zvinhu zvaizoitika, hapanakana chimwe chete chazvo chati chambokundika! Zvino, gariraikure nemasangano ayo, ari kukutungamirirai kurufu.325 Samere akamira pane rimwe zuva, zvino ivo ndokuti,“Tinodamambo, tinoda kufanana nevamwe vose varimunyika.”326 Saka, Samere akati, “Musatora mambo uyu. Achatoravanakomana, nevanasikana venyu, uye achazoita zvakatinokuzoita zvokuti.”327 Akati, “Hongu, ndinoziva kuti muri pachokwadi.”328 Asi Samere akati, “Teererai kwandiri. Ndakambotorachero mari yenyu here? Ndakambopemha kwamuri herekuti ndirarame? Ndakambokuudzai here kuti maitofanirakundipa mubhadharo wakati kuti ndikuitirei musangano?”Zvino tongaiwo ndimi, kunyange iye zvino! Maona? Akati,“Ndakambokuudzai here chimwe chinhu nemuZita raShe kunzekwezvakaitika?” Hapana kana chinhu chimwe chete.329 “O, hongu, Samueri, hauna kumbotikumbira mari, wakangausingadi zvinhu zvikuru. Samere, ichokwadi, uye zvosezvawakatiudza nemuZita raShe zvakaitika. Asi, Samere, tinodasangano redu zvakadaro!”330 “Saka endai munoritora. Zviri kwamuri.” Ndizvozvochaizvo.331 Unogona kufunga kuti uri kuitira Mwari basa, uye kanauri kuenda kunze kwenzira yaMwari yekuzviita, ucharambauchizvivhiringidza, zvichienda zvakadaro. O Kereke yaMwarimupenyu!Ndapota regereraimaitiro angu echiIrish nematauriroangu ekusetsa, asi mukuperera nekuyeresa kwemoyo wangu, imiveAssemblies of God, imi Oneness, Presbyteriani, Methodisti,chero chipi chaungava, tiza nehupenyu hwako. Rangarirai, budakubva imomo.

Page 54: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

54 SHOKO RAKATAURWA

Nyika dziri kupamuka, Israeri iri kupepuka,(kugadzirira vashoma vaya vakasara)

Zviratidzo zvakafanotaurwa nevaporofita;Mazuva emasangano ave kupera akazaranezvinotyisa,

Dzokai, O vakapararira, kwenyu.Zuva rerudzikinuro rave pedyo,Moyo yevanhu yave kukundika nokutya,Ivai makazadzwa neMweya waKe,Mova nemarambi enyu akagadzirwa uyeakajeka,

Tarisai kumusoro, rudzikinuro rwenyu rwavepedyo.

332 Munozvitenda here izvozvo? Tiri panguva yekuguma,tasvika. Chinyorwa chave pamadziro, Kuuya kwechipirikwaswedera, Mwenga ari kusarudzwa, achidiridzirwa,achibuditswa kunze.333 Zvino, hazvirevi kubuditswa kubva mukereke, zvinorevakubuditswa kubva mune zvemasangano. Unofanira kuendakuchechi, asi usajoinha chero ripi sangano. Jesu akafambidzananemasangano ose, asi hapana kana rimwe chete raworaAkajoinha. Uyewo haana raAkatsigirana naro, kwetezvachose, asi Akanga ari pakati pavo. Ndiko kwachokunofanira kuparadzirwa Chiedza. Zvino iwe gara ipapo pauri,uchiparadzira Chiedza. Maona? Ndizvo zvauri kushandisirwanaMwari. Vanhu vane moyo ine nzara, vazivise kuti Jesu Kristundewemazvirokwazvo, zvingori zvimwe chete sezvaAiva nezuro,Ari izvozvo nhasi; uye achange akadaro nokusingaperi.334 Zvinokwanisika, murume kana mudzimai nokupererakwese, vachiedza nokukwanisa kwavo kwese kuitiraMwari basa, zvino vozvifambisa nenzira isiri iyo. Vainechizoro chechokwadi cheMweya Mutsvene pavari, asivozvifambisa zvichipesana nezano raMwari rezera racho,vovhiringidza zvinhu zvacho zvose. Zvino, kanamuchitenda kutiiChokwadi, itai, “Ameni.” [Ungano inoti, “Ameni!”—Mupepeti.]Tichangobva mukuZviverenga. Kuvhiringidza zvinhu zvosenokusauya nenzira yakapiwa naMwari yekuzviita.

Ngatinamatei.335 O kereke, pano nemunyika yose, teererai kumurandawenyu akaninipa mangwanani ano. Hamungazviiti here?Tarirai kwamaive makore mashoma apfuura izvi pazvakatanga;zvino onai zvaita kutevedzera kwatora mukana paRiri,uye mamiriyoni nemabhiriyoni makuru emadhora apindamumasangano. Maona? Zvichingori kure neShoko raMwari.Zvivakwa nemasangano handiyo nzira iyo Mwari vanofambisaMweya waVo. Vanouendesa chaimo muShoko raVo, kuti vaRiitekuti rirarame. Zvino kana wakanga wakatemerwa kubva

Page 55: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 55

pakutanga kwenyika kuShoko iroro, Shoko rimwe nerimwerinouya pamusoro peShoko. Sechizenga chemunhu hachizovanechimwe chizenga chemunhu, uye chizenga chinotevera chirichembwa, uye chizenga chinotevera chiri chekatsi; zvosezvizenga zvemunhu. Asi panofanira kuva nechizenga kutangapazvinotangira. Ndizvozvo here? Itai, “Ameni.” [Ungano inoti,“Ameni.”—Mupepeti.] Saka, kana chiri chizenga cheShokopakutanga, zvimwe zvizenga zveShoko zvakatemerwa kuuitamutumbi uzere.336 Musava vana, kunze kwemurudo bedzi, asi varumeMumweya nemukutonga. Tongaiwo imi kana ndakutauriraiChokwadi kana kuti kwete. Tongaiwo imi kana Riri shokoraMwari kana kuti kwete. Tongaiwo imi kana iri iyo nguvayacho yatiri kutaura nezvayo kana kuti kwete. Tongaiwo imikana zvinhu izvi zvakavimbiswa. Iye zvino, zvakasimbiswa here?Nezvinhu zvokuti hakuna munhu panyika anokwanisa kuzviita.Asi Zvasvika pokuti tazvijairira kusvikira tave kuZviregazvichitipfuura. Mirai, kereke, mirai.337 Kana paine mumwe imo muno mangwanani ano asingaziveJesu Kristu, asina kururamiswa mangwanani ano, zvivi zvakozvose zvaenda sokunge usina kumbobvira wakatadza, uyeunoda kuva saizvozvo…nokuti rangarira, rimwe zuva, kudanhasi, kuda maminitsi mashanu anotevera, asi rimwe zuvamoyo iwoyo uchanyarara. Zvino uyo ari mukati memukatiachabhururuka kuenda kunomira muHupo hwaMwari kutiazotongwamaererano nezvaunoita neMharidzo inomangwananiano, maererano neMharidzo ino yauri kuona. Kwete…Handini,ndinongori muromo bedzi. Semaikirofoni ino, haina chinhuchainogona kutaura kunze kwekunge ndiri kutaura mairi.Uyewozve handaikwanisa kutaura chimwe chinhu kunzekwekunge Mwari vari kutaura nemachiri, asi muri kuonaMwari vakazvisimbisa kuti iChokwadi. Unoda kuva muKristuwechokwadi.338 Zvino, hatina nzvimbo yokuti vanhu vauye pakokero yekutivauye kuartari, asi ipapo patafura paugere. Nzvimbo yachoyakazara vanhu vakamanikidzana, yakazarisa. Handikwanisekukudanirai kuartari, hapana artari pano yandingakudaniraikwairi. Asi artari iri mumoyo mako. Ko haungaregihere kakugutsikana kaduku kekuti “Jesu Kristu ndewemazvirokwazvo” afambe pedyosa nhasi nokudana mumwemutumbi waKe wese kwauri, womuisa muchidyiro chemoyowako? Kana Asipo ipapo, ungasimudzewo here ruwoko rwako,sechiratidzo kwaAri, uchiti, “Ishe, ndizadzei, ndizadzei neShokoreNyu neHupo hweNyu, kuitira kuti ndigogara neMi”?339 Apo musoro wese wakakotamiswa, ziso rose rakavharwa,kwese munyika yose, simudzai mawoko enyu muno muunganoiri kuoneka pano nevari kunze ukowo zvakare; zvinondichakunamatirai. Ndizvo zvoga zvandinogona kuita,

Page 56: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

56 SHOKO RAKATAURWA

handikwanise kuuzadza. Mwari vakuropafadze. Handikwanisekuuzadza. Mwari vakuropafadze; newe iwe. Mwari vanogonakuuzadza. Mwari vakuropafadze. Maoko ari kusimuka mudengamuno muungano iri kuoneka pano, kwese-kwese. “Uzadzei.Ndizadzei, O Ishe. Ndizadzei.” Uye zvino, mushure nda…Mazvita, hanzvadzi. Mazvita, hama. Mwari vakuropafadzei.Mushure nda…Mwari vakuropafadzei, hanzvadzi inodikanwa.Iwe. Mushure…Ndinofunga zvino ndawana vazhinjivevakatendeka, vari kuedza kudaro, ndinoda kusimudzamawoko angu pamwe chete nemi.340 O Ishe, musandirega ndichisvika pandinomira kufamba.Ndichienda mberi, Ishe, musarega ndichimira pane chinhuchimwe chete, regai ndirambe ndichienda mberi, Ishe,kusvikira ndazadzikisa zvose zvaMakanditemera kuti ndiite.Zvisinei nemubhadharo, zvisinei nemadhuriro, zvisineinekutsoropodzwa, kuti muchinjikwa wacho wakaomazvakadini, ndicharangariramuchinjikwawaMakatakura.

Saka muchinjikwa uyu wakayereswandichautakura

Kusvikira rufu rwandisunungura;Zvino ndoenda kumusha, kunopfeka korona,Kune korona yangu.Ko Jesu angatakura muchinjikwa oga here,Uye nyika yose yoenda yakasununguka?Kwete, pane muchinjikwa wewesemwanakomana waKe,

Pane muchinjikwa wangu.341 Mwari Vanodikanwa, Shoko raenda mberi. Harikwanisekudzoka risina zvaraita, Richawana nzvimbo yaRo paneimwe nzvimbo. Kana mbeu yakatodyarwa kare, Richaidiridzakusvikira yakura. Uye hapana anokwanisa kuitakanura kubvamuruwoko rweNyu, “Vose vandakapiwa naBaba vachauyakwaNdiri, hapana munhu anokwanisa kuvatakanura kubvamuruwoko rwaNgu. Baba vaNgu vakavapa kwaNdiri nyika isatiyavambwa”; apo hurongwa hwese pahwakagadzirwa, saizvozvo,Jesu akapiwa Kereke yaKe, Mwenga waKe.342 Muchato wenhema wenyika, kumasangano aya. Makauyamukafira munyika, MukaMudzikinura, MukaMururamisa,haAna kumbobvira akazviita pakutanga. Akatoteyiwa mauri,bofu. Uye sezvinotaurwa nechimbo:

Ndaimbova ndakarasika asi zvinondawanikwa,

Ndaimbova ndiri muRaodhikia, ndiri bofu, asizvino ndave kuona.

Uye dzaive nyasha dzakadzidzisa moyo wangukutya,

Dzaive nyasha dzakabvisa kutya kwangu;

Page 57: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 57

Dzaive dzakakosha zvikuru nyasha idzipadzakaoneka

Nguva iyo yandakatanga kutenda.

Zvino mvura yaMwari yakawira pamweya wangu. Ndaivendofa nenyota.343 Mwari, paartari duku yemoyo wese uri pano nemunyikayose, dai mvura dzinobva pasi peartari yaMwari dzafashamamangwanani ano dzichienda paKereke yeNyu; uye idiridzei,Ishe, nokuti mwaka wave kuda kutopera. Ipei Hupenyu,Mvura dzeHupenyu, kuitira kuti igokwanisa kugara muHupohweMwanakomana kuti igoibva kuitira dura reNyu guru.344 Baba, ndinovanamatira. Asi gunde rinofanira kuoma,nokudaro handikwanise kurinamatira; chinofanira kufa,saka chakafa. Asi ndinonamatira gorosi, Ishe, riri kuumbikamuMutumbi waKristu. Zviitei, Ishe, kuti mvura dzaMwaridzakachena dzichaita kuti matama aYo asukwe nemisodziyemufaro nekunzwisisa kusvikira muchina wekukohwawauya kuzoitora kuenda nayo Kumusha. NemuZita raJesu,ndinoikumikidza yose kwaMuri, Ishe; zvibereko zvachondezveNyu. Ameni.345 [Imwe hanzvadzi muungano inotaura nendimi—Mupepeti.]Amen.346 Nazvino Mwari, Baba, tinoKutendai. Uye, Baba,tinonamatira hanzvadzi yedu duku, murandakadzi pano,kuitira simba rake. Ndiri kufunga nezveimwe nguva panda—ndakafamba ndichipinda muhupo hwake, kuti Mweya wakauyapaari ndokumupa shoko rimwe chete rakapiwa neMutumwawaJehovha paRwizi zuva riya: “SaJohane Mubhabhatidziakatumwa kufanoenda mberi kwekuuya kwekutanga kwaIsheJesu, uri kutumwa kufanoendamberi kwekechipiri.”347 Tiri kuiona ichiumbika zvino muchikamu chegorosi,Mwari, tinoKutendai nezvose zvaMakaita. Moyo yedu yakazarazvisingataurike. Ndiri kunzwa kuzara kwazvo, Ishe, handisikutomboziva kuti ndingataura chimwe chinhu sei. Asi mazvitaBaba, zvakare, pane zvose zvaMakatiitira. Kubudikidza neZitaraJesu Kristu.

NdinoMuda,…

NgatingoMuimbirai, zvino. Rangarirai, Ari pano.

Nokuti ndiYe akatanga kundida,Ndokutenga ruponiso rwanguPamuti weKarivhari.

348 Zvinokuita here kuti unzwe kuva muduku kwazvo, mudukukwazvo? Zvose zvabuditswa kunze, wangogadzirira kuitiraMweya, munoona.

Page 58: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

58 SHOKO RAKATAURWA

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiendanakuenda,

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Usachiva pfuma yenyika ino isina maturo,Inoparara nokukasika,Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiendanakuenda, (hapana sangano,zvino)

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiendanakuenda,

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!349 Vangani vari kuedza kuita saizvozvo? Simudza ruwokorwako. Zvino sveverera kune rimwe divi retafura, isai mawokoenyu muruwoko rwemumwe, sezvizvi, pamwe chete. Munogonakugara henyu pasi, zvakanaka, kana chero chaungadakuita. Nyatsotererai. Ngatichiimbei pamwe chete zvino.Izvi zvinomiririra ngetani yedu isina kudambuka yerudorwaMwari. Takabatana mawoko nokuti tinotenda muna Mwari.Tinobatana nokuti tiri hama nehanzvadzi, Mweya mumwechete unopfakanyika, Shoko raMwari remunaZiendanakuendarichigara mumoyo yedu richiratidzwa.

Kana rwendo rwedu rwuchinge rwapera,Kana kuna Mwari tanga takatendeka,Wakaisvonaka uchipenya musha wedumuKubwinya,

Mweya yedu yakabvutwa ichaona!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiendanakuenda,

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!(Mweya waIshe!)

Bata pana Mwari…Chingoisa pfungwa yako paAri, munoona. Ndiyo mhando

yemisangano yatinofanira kurongamunguva inouya.…ruwoko rwusingashanduki!Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiend-…

Shoko ndicho chinhu choga chiripochemunaZiendanakuenda.

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!

Page 59: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO KUSIRI KUDA KWAMWARI 59

Usachiva mukurumbira, dzidzo zvenyika inozvisina maturo,

Zvinoparara nokukasika, (Zvitarisei nhasi,zvazvaita.)

Vavarira kuwana pfuma yeKudenga,Hazvizofi zvakaparara!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!Vakira tariro yako pazvinhuzvemunaZiendanakuenda,

Bata ruwoko rwaMwari rwusingashanduki!350 [Imwe hanzvadzi inotaura neimwe ndimi. Hama Branhamvanotanga kuimba mahon’era Bata Ruwoko RwaMwariRwusingashanduki. Imwe hanzvadzi inopa dudziro—Muturikiri.]351 TinoKutendai kwazvo, Ishe. Apo takagara munguvaino yakasuwa, potse kunge semariro, nokuti takatarisananekuvigwa kwenyika iri kufa, yakafa; kereke iri kufa, yakafa.

O Mwari, unganidzai gorosi reNyu nokukasika, Baba. Uyainokukasika, Ishe Jesu.352 Ropafadzai vanhu veNyu, Baba, unzai kuperera neudzamukumoyo yevanhu. Dai tabva pamatambiro aya asina maturo,togara pasi muhupfumi hwakadzika hwehuchi hwaMwari.Zviitei, Ishe. Chengetai moyo yedu yakavakwa nerudonekuperera.353 Ropafadzai vanhu veNyu kwese-kwese, Baba. Patiri kubvapanzvimbo ino dai tikaenda nemuZita raIshe Jesu kunotauraizvo zvakaperera, izvo zviri Chokwadi, izvo zvakanaka,dai tasiya zvakaipa, Ishe. Kana munhu achinge atangakutinyepera, dai tikakurumidza kumufuratira, tofuratirazvokusetsa zvakasviba, zvinonyadzisira nezvinhu zvemunyika,uye tongofuratira tofamba tichibvapo. Tibatsirei, Mwarivanodikanwa. Tiumbei, tigadzirei, tipwanyei, uye mutigadziremuzvimiro zvevanakomana nevanasikana vaMwari kuti tigoitanesimba reMweya Mutsvene. Tinozvikumikidza kwaMuri,takaisa mawoko edu mune mumwe nomuwe, nemuZita raJesuKristu. Ameni.

Ngatisimukei. Hama Noel.

Page 60: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWO

KUSIRI KUDA KWAMWARI SHO65-1127B(Trying To Do God A Service Without It Being God’s Will)

Mharidzo iyi neHama William Marrion Branham, yakaparidzwa kwokutanganeChirunguMugoveramangwanani, 27Mbudzi, 1965, pakudya kwemangwananikweFull Gospel Business Men’s Fellowship International paWashingtonYouree Hotel muShreveport, Louisiana, U.S.A., yakazotorwa kubvapatepi yakarhekodwa ndokuzodhindhwa muChirungu pasina chakamurwa.Kuturikirwa uku muchiShona kwakazodhindhwa nokugoverwa neve Voice ofGod Recordings.

SHONA

©2017 VGR, ALL RIGHTS RESERVED

VOICE OF GOD RECORDINGS, ZIMBABWE OFFICE

8 ST. ANNES ROAD, AVONDALE, HARARE, ZIMBABWE

VOICE OF GOD RECORDINGS

P.O. BOX 950, JEFFERSONVILLE, INDIANA 47131 U.S.A.www.branham.org

Page 61: SHO65-1127B Kuyedza Kuitira Mwari Basa Ikwo …download.branham.org/pdf/SHO/SHO65-1127B Trying To Do God...KUYEDZA KUITIRA MWARI BASA IKWOKUSIRI KUDA KWAMWARI Hama vashumiri, nemi

Chiziviso chekodzero

Kodzero dzose dzakachengetedzwa. Bhuku iri rinokwanisa kudhindhwa papirinda yekumba kuti ushandise uri iwe pachako kana kugovera kunze, usingatengesi, semudziyo wekuparadzira Evhangeri yaJesu Kristu. Bhuku iri harigoni kutengeswa, kudhindhwa akawanda, kuiswa pawebhusaiti, kana kuwana mumuchina waringachengeterwa, kuturikirwa mune mimwe mitauro, kana kushandiswa kukumbira mari pasina mvumo yakanyorwa nevekuVoice Of God Recordings®.

Kuwana umwe umboo kana zvimwewo zviripo zvingawanikwa, tapota nyorerai:

Voice of God RecoRdinGsP.o. Box 950, JeffeRsonVille, indiana 47131 U.s.a.

www.branham.org